News in Shona 04/05/06

VaTongogara naVaChitepo Vodzimwa Muzvinyorwa
HARARE - Kwava nemakore makumi maviri nematanhatu apfuura kubva patakawana kuzvitonga, asi mamwe magamba makuru ehondo yeChimurenga anenge ava kutodzimwa

muzvinyorwa zverusununguko zvichiita sepane munhu ari kutoita basa iri.
VaJosiah M


agama Tongogara vaive mutungamiri hweChimurenga kunze kwenyika. Pari zvino vaongorori vezvematongerwo enyika vanoti VaMugabe vave kuda kuti zvose


zvakaitwa navaTongogara semutungamiri wechiwuto cherusununguko zvisatombotaurwa nezvazvo.
VaTongogara vakafa zuva rechina kubva musi wakanyoreranwa chibvumirano chekupedza hondo cheLancaster House, uri musi weKisimusi gore ra1979, vaine makore


makumi mana nerimwe (41) ekuberekwa. VaMugabe vanoti vakafa pakabheuka motokari yavo, asi hapana kuwongororwa kwakamboitwa chitunha chavo nemadhokotera kana


mifananidzo yakatorwa yekuti vakafa sei.
Kudzimwa kwezvakaitwa naVaTongogara muzvinyorwa kwakatanga kuwonekwa munaKubvumbi gore rakapera, apo vakasiiwa navaMugabe paipiwa menduru kuvanhu


vakaratidza hunyanzvi muhondo yechimurenga, kuri kucherechedza makore makumi maviri nemashanu ekuzvitonga.
VaChitepo ndemumwewo wemagamba, akasiyiwa, zvichiratidza kuti vaMugabe havatomboda vamwe vanhu, vapenyu kana vakafa, kuti vaonekerewo, pamwe chete navo


munyaya dzekusunungura Zimbabwe.
VaChitepo vakapondwa nekuisirwa chimbambaira mumotokari yavo kuZambia mugore ra1975.
Pavakange vari kuLanchaster House, kuchiitwa hurukuro dzekupedza hondo, VaTongogara vanonzi vakaita dzimwe hurukuro muchihwande dzezvekuzobatsirana kutonga


neveZAPU iyo yaitungamirwa navaJoshua Nkomo.
Kushaya hanya negamba iri kunowonekwazve nekusabatsira mhuri yakasara yavaTongogara. Chirikadzi iyi yakati vaingoshupikawo kurera vana vavo sechirikadzi dzose,


vachipiwa rubatsiro nevesvondo yeRoma, asi ruzhinji rweZanu(pf) rwakapiwa mapurazi akatorerwa varungu.
Apo Mai Tongogara vakaita mutambo wokucherechedza murume wavo, hapana vatungamiriri veZanu (PF) vakauya, uye iyo Zanu yacho haina kumboita mutambo wayowo


wekucherechedza VaTongo.
Pavakabvunzwa kuti sei vasina kushevedza veZanu (PF) kumutambo wavo Mai Tongo vakati vaingoda mhuri yavo chete.



kana Kuifira Zimbabwe yacho Zvinoita!
JOHANNESBURG – Chimwe chikwata chakazvipira kubvisa vaMugabe pahutongi Zimbabwe Popular Resistance (ZPR), chawonesa vachengetedzi verunyararo nemapurisa


pfumvu.
Chikwata ichi chiri kutowedzera mabasa acho ekuda kubvisa vaMugabe zvisina zvombo mukati, asi iyo hurumende yakavaudza kuti vanhu vose vanoda kuita zvekuratidzira


vachaurayiwa.
Chikwata ichi chiri kuita mabasa acho muchihwande muZimbabwe nekunze, uye chine hurongwa hwekutanga kurwisa nzvimbo kana mabhizimusi evatungamiri veZanu (PF).


MaCIO anonziwo ari pabishi rekuvatsvaga kuti vazive hutungamiri hwacho vagopinda mavari kuti vavaparadze.
“Nhengo dzedu, zvikwata zvedu zvebasa nevateedzeri vedu ngavasamboteerera zvekunzi kuchaitwa masarudzo kana kutevedzera zvinoda kupatsanura vanhu, asi


ngavachengetedze simba ravo kuitira hondo iri mberi. Muchashevedzwa kwese kwamuri, kunze nemuZimbabwe kuti muzobatsira,” vakadaro veZPR muzvinyorwa


zvavakatumira kupepanhau renyu reThe Zimbabwean.
Vakati ivo vanoda kuti pave neimwe hurumende yakatarisana nekushandura zvinhu nekugadzirira sarudzo inozotungamirirwa neUnited Nations. “Hatisi kurwisa kuti tigopa


nyika kuvanhu vanongotaura chete,” akadaro mumwe wavo.
Akatizve, “Takatotanga kugadzirira mabasa aya, uye hatisi kuzoburitsa kuti chatiri kuita chaicho chii nokuti tingangwadze muvengi. Mamiriro akaita zvinhu ave kutoda


kushinga nekuzvipira. Isu takatozvipira kufira nyika yacho.”
Akati kuchava nevanhu vakazvipira vachanoita mabasa ekuratidzira nekusatevedzera zvinodiwa nehurumende. Ndokuendererazve achiti, “Ticharova pamabhizimusi avo,


pamapurazi nepadzimba dzavo kuti vatye, vasiyane nezvekuuraya nyika nehupambi hwavo hwehupfumi hwenyika. Tatanga hondo yacho yevanhu, vasina


zvehumbimbindoga kana hukuru. Chedu kuda kukanda chombo chinotyisa kumuvengi uyo anofunga kuti haabatiki.”– NaZakeus Chibaya



Hurumende Yoda Kuvhara Miromo Yevaimbi


JOHANNESBURG – Hurumende yeZimbabwe, iyo iri kutya kutsutsumwa kwemhomho yeZimbabwe kuri kuda kuzoratidzirwa yave kutsvaga kuvhara chero vaimbi zvavo,


zvichisanganisira vose vanoimba nezvekuparara kwaita nyika.
Svondo rino Hosea Chipanga uyo akanga achitarisirwa kuridza pagungano guru reZimbabwe Congress of Trade Unions, akatoramba kuridza nekuti akatyityidzirwa zvichinzi


achazvionera pamhuno sefodya kana angoridza pamusangano uyu.
Mumwezve muimbi ndiDJ Cleopas Monyepeao wokuSouth Africa uyo akarambidzwa kuzoridza muZimbabwe shure kwekunge apomerwa mhosva yekunyomba vaMugabe.
Chipanga akaudza mutungamiri weZCTU vaWellington Chibebe kuti zvematongerwo enyika zvemuZimbabwe zvotonetsa.
“Chipanga akatanga achitumirwa mazwi parunhare ndokuzosvikirwa pamba pake chaipo achiudzwa kuti akangonoridza pamutambo wedu chete aizoona moto. Chihurumende


chehudzvinyiriri ichi chave kunyadzisa, uye chinofanirwa kushorwa nokuti Chipanga ndemumwe wevaimbi vanoimbira vanhu vanotadza kuzvitaura zviri kuitika munyika.


VaMugabe vari kuvhara Chipanga kuti asasvitsa shoko kuvanhu vakarimirira,” vakadaro VaChibebe.
Iye Chipanga anoti aifanirwa kunoridza kuGwanzura pazuva revashandi (May Day) asi haana kuzonoridza nokuti vanhu vatatu vakasiyana vakange vamuridzira runhare


vachimutyisidzira.
“Handizivi kuti ndivanaani, as ndakanzwa mazwi matatu akasiyana ese achingondiyambira nekundityisidzira kuti ndisayende,” akadaro
Chipanga akawedzera achiti pamutambo aiziva kuti hapana chaizoitika asi kana mutambo wapera. Uye zvaimukatyamadza ndezvekuti hakasi kekutanga kuridza pamutambo


weZCTU, as gore rino raiva rokutanga kuti aitirwe zvakadai.
Chipanga anoimba nziyo dzeShona dzinoburitsa kuti vanhu vawongorore nezvemagariro avo, asi zvakambomupinza mutsekwende nemaCIO mushure mekunge aimba


nechibhende achiti vaMugabe vanotobva pachigaro nekufa.
VaChibebe vakati havaizodzokera shure, asi gore rino waisava mutambo wokufara asi kungocherechedza chete zuva revashandi.
“Hapana chekufarira hupenyu hwevashandi huri pakaipa kudai nekukwira kwezvinhu.”
DJ Cleo akarambidzwawo kuzoimba mushure mekunge anzi ataura zvinhu zvakashata neveNational Arts Council of Zimbabwe (NACZ) avo vane simba rekumutorera magwaro


ake ekushanda muZimbabwe. – NaMagugu Nyathi


Mwana waMafa Osungirwa Yekupandukira Nyika


HARARE – VaFelix Mafa, mutungamiri wePost Independence Survivors Trust (PIST) vanoti hurumende yavaMugabe yave kutevera vana vevanopikisa ichivatsvagira


mhosva kuti varwadzise vabereki.
Hurumende inonzi yakaburitsa gwaro rekusunga mwana wavo uyo ari kuAmerica vachimupa mhosva yekutengesa nyika kuBritain neAmerica.
“Mwana wangu haaiti basa rekutapa mashoko achitengesa semhosva yaari kupomerwa. Ndezvemanyepo, uye handisi kuzovarega vachitora mwana wangu kana wemumwe


munhu zveke,” vakadaro VaMafa, avo vane mumwe mwana akaurayiwa neZanu (PF) paGukurahundi.
Mutumbi wemwana wavo unonzi wakakandwa mudhamu reKariba nemasoja eFive Brigade hausati wamboonekwa.
VaMafa, avo vanova mumwe wevanhu vakatanga MDC vari kuda kuti hurumende ibhadhare vanhu vakafa kana kukuvadzwa paGukurahundi.
Mumwedzi waKurume (March ) gore rino ivo vakatombosungwawo pamwe chete nevamwe vebato rinopikisa reMDC vakazoburitswa gungano guru reMDC (Congress)


ratotanga. Mapurisa akavati vaida kubvisa President Mugabe vachibatsirwa nemwana wavo. Mapepa avo nemakombiyuta zvakatorwa nemapurisa nemaCIO.
VeMDC vakati veCIO varikuedza kuvhara vanhu vanoda kuratidzira kutsutsumwa kwavo nezvekudzinyirirwa kwavo. MaCIO aya akapamba vatungamiri vese vechidiki


veMDC, nemhuri dzavo, ndokuvarova nekuvatyisidzira kuti vasaite zvekuratidzira nokuti vangangourayiwa.. – Nemumwe Munyori Wedu


Zanu (PF) Yotadza Kubhadhara Vemagaraji


BULAWAYO – Mamwe magaraji haachadi kuisa peturo kana kugadzira motokari dzeZanu (PF) nenyaya yekusabhadhara, asi iyo Zanu (PF) ichinzi iri kuda kutenga zana


redzimwe motokari.
Magwaro emuCentral Committee akawanikwa nesu anoratidza kuti gore ra2005 ndiro rakava rakanyanya kuipisisa pamakore ose ebato riri kutonga iri.
“Pari zvino magaraji ava nezvikwereti zvedu zvakakurisisa. Dai bato ratoita magaraji aro kuti motokari dzemusangano dzigonwa nekugadzirwa ipapo.
“Izvi zvingaita kuti mari yatinobvisa idzikire pasi,” rakadaro gwaro rakanyorwa neZanu. (PF).
Gwaro iri rakaendererawo richiti magaraji akange achibhadharisa mari yakawandisa uye dzimwe nguva vasina basa ravaita..- CAJ News

Post published in: News

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *