Shona Translation 25-01-2007


Editor Muza (kurudyi) ane makore 13 anoita masvomhu ake pamadziro emba yavo yemajaradha kuHatcliffe nokuti iye, hanzvadzi yake, Kennedy Mugonda (10) n


ezvimwe zvihuru zvevana vemuZimbabwe havachakwanisi kuenda kuchikoro nekudhura.


Zvikwangwani payunifomu zvotsamwisa mapurisa
NaBayethe Zitha
BULAWAYO – Zimbabwe Republic Police (ZRP) yave kumanikidza mapurisa kupfeka zvikwangwani zvinoratidza zita nemhamba yavo yebasa kuita kuti mapurisa asapinda muhuori.
Vanoziva vakati chirongwa ichi chakatanga muna September gore rakapera asi chazonyatsosimudzirwa nemukuru wemapurisa VaAugustine Chihuri avo vakaudza vatevedzeri vavo kumapurovinzi nepamakamba kuti vaomesere avo vanenge vachiramba kupfeka zvikwangwani nokuti watova mutemo.
“Pekutanga zvekupfeka zvakambonzi mapurisa emumigwagwa ndiwo aifanirwa kupfeka zvikangwani, asi yakazonzi yava nyaya yemapurisa ose asina nyembe.Pari zvino mashefu ari mushishi rekutuma mapurisa kuordinance kunotora zvikwangwani,” akadaro mumwe inspector kuBulawayo.
Zvikwangwani zvakasonerwa pamusoro pembudu yekuruboshwe payunifomu dzese kubvira kumajuzi, hembe nemabhatye acho.
Mapurisa akange asiri kutevedzera mutemo akatanga kumhanya-mhanya kutsvaga zvikwangwani nokuti maSajeni Meja akabva kugadzwa mazuvano ari kutevera vasina vobva varangwa.
Asi mapuirisa asina nyembe haasi kunyanya kufarira chirongwa ichi. Mumwe akati,”Iye Komishina ndiye nyakutadza kutipa mayunifomu kana kuti kukwidzira mari, asi ndiyezve ava kutiisira zvimutemo zvisina maturo.
“Pari zvino tiri kusonera zvikwangwani zvacho payunifomu dzakasakara iye akagara kuHarare ikoko asina chekuita nekuti tiwane mayunifomu matsva,” akadaro mumwe asinya nyembe.
Muburitsi wemashoko weZRP VaOliver Mandipaka vakati ichokwadi kuti zvikwangwani zviri kusonerwa uye zvichabatsira kudzikisa huori, asi mapurisa asina nyembe aiti nyaya chaiyo yaiva yekuvanyaradza ivo nokuti vakatanga kuona kuti mukuru wenyika ndiye ari kutadza uye vava kutanga kugunun’una.
“Vari kuda kuti tinyarare tichitya, asi hatisi kuzodzokera shure,” akadaro mupurisa uyu aiburitsa kufunga kwevakawanda sezvo CIO negurukota remapurisa VaKembo Mohadi vakambotaura kuti mapurisa epasi haachisiri kupa rutsigiro.


Vamwe MuZanu voramba zvesarudzo ya2010
HARARE – Central Committee yeZanu (PF) iri kutarisirwa kusangana mwedzi waMarch usati wapera kuti izeye nyaya yekuendesa sarudzo yemutungamniri wenyika kugore ra2010.
Asi Zimbabwean yakanzwa kuti vePolitiburo ndivo vachatannga vambosangana kuti vazeye nyaya dzose dzakabva pamusangano weZanu(PF) yose wakaitirwa kuGoromonzi mwedzi wakapera.
Vamwe veZanu (PF) vari kuronga neparutivi kuti kana vatungamiri vachida kubatanidza sarudzo reParamende neyemutungamiri ngazviitwe zvese muna2008.
Paramende yanga ichifanirwa kuzopedza nguva yayo mugore ra2010.
Asi mukati meZanu(PF) macho maitawo vamwe vanoda kuti VaMugabe varambe vachitonga, zvokuti mapurovhinzi mamwe akaramba, mamwewo achipikisa, uye vebato rinopikisa nevamwe vavo vakati havasiri kuzomboregera zvekuwedzera nguva yavaMugabe zvichiitika.
Muburitsi wemashoko muZanu (PF) VaNathan Shamuyarira vakatiwo Central committee yaizozeya dzimwe nyaya dzakaita sezvemigodhi, nekumwe kutorera vachena mapurazi. – NeMunyori wedu



Mari dzekurapwa dzokwira
HARARE – Hurumende yakakwidza mari yekurapwa muzvipatara nokuti bazi rehutano harichina mari inokwana kubhadhara kukwira kwezvainotengawo uye kubhadhara madhokotera.
Kukwira uku kwakanzi nemutevedzeri wegurukota rehutano VaEdwin Muguti kunoenderana nezvavakudiwa nemaMedical Aid Societies, chero zvazvo bazi rezvehutano risiri kuwana mari yakakwana kubva kuhurumende.
Iwo madhokotera arambisisa kudzokera kumabasa achida $5 million nezvimwe, kwete $56,000 yavari kuwana iko zvino.
VaMuguti vakaramba nyaya yekuti vakatyisidzira madhokotera vachiti vachaadzinga basa kana akasadzokera kubasa. – NeMunyori Wedu.


VeBhanga revhu vanoti havasi kutiza varimi
HARARE – Vebhanga revhu (Land Bank) varamba nyaya yekuti vava kutiza varimi nokuti vava kutsvaga mari nekukurumidza vachikweretesa muzvitoro zvemari umo mavanokurumidza kukohwa.
Kuramba kwavo uku kwazobuda shure kwekuchema kwakaita varimi kuti chero zvavo vaimbowana mari kubva kubhanga iri makore akapera, iye zvino rave kuramba kuvapa mari asi ivo vava nemapepa emapurazi avo uye vasina kumbotadza kudzorera mari yavakakwereta.
Bhanga rakaburitsa gwaro rekuramba izvi richiti varimi ndivo vagara vachiwana kubva kuLand Bank uye vakatowedzera mari vachishandisa imwe yakabva kuReserve bank inonzi Zimbabwe Agriculture Sector Productivity Enhancement Facility – Nemunyori Wedu


Hupenyu husina shuga
NaItai Dzamara
HARARE – Nyika ingangopererwa neshuga sezvo Zimbabwe Sugar Refineries yatodzosera kumashure shuga yainogadzira uye inonzi yave pedyo nekuvhara.
Masvondo akapfuura shuga haina kuuya kuzvitoro uye haichawanikwi kunze kwekuvanhu uko kwairi kutengeswa ne $6000 pa 2kg iyo yaiwanzotengeswa ne$1 500.
Mamaneja eZSR aiti inogona kutovharwa nokuda kwemutengo usingaenderani nemadhuriro ekugadzira shuga yacho.
PaZSR kuHarare svondo rakapera pakange pasina chaigadzirwa, vashandi vanzi vaende pazororo.
Mumwe mushandi akatsinhidzirawo zvekare kuti vamwe vake vakange vatonzi vagare kumba uye vaitotyira kambani kuvhara.
Vashandi vanopfuura 2000 vakatarisana neurovha, iyo nyika yacho isisina chemahara.
Vakuru vekambani vaitya kutaura neveZimbabwean asi vainzi vakatombotyisidzirwa kuti vakangokwidza mitengo chete vanosungwa.

Post published in: News

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *