Pachine mapurisa akanaka here munyika?

“Mapurisa anogona basa anofanirwa kupiwa nyembe kuitira kuti vanhu vaone mabasa avo akanaka,” aya mashoko akataurwa nemumwe mukuru wemapurisa, Senior Assistant Commissioner Ronald Muderedzwa.

Dewa Mavhinga: Vanoda kufadza vakuru vavo kuti vapihwe zvinzvimbo.
Dewa Mavhinga: Vanoda kufadza vakuru vavo kuti vapihwe zvinzvimbo.

Izvi zvinoita kuti vanhu vabvudze kuti muZimbabwe mapurisa mangani anoita basa ravo nemazvo.

Kubvira muna 2000 mapurisa achitungamirwa navaAugustine Chihuri havachina chimiro mumaziso avanhu avo vanoti mapurisa anotsigira mutunga- miri wenyika vaRobert Mugabe nebato ravo reZanu (PF).

Nhasi uno mapurisa anogona kudzi vanochengetedza mutemo unodzvinyirira zvizvarwa zveZimbabwe. Uko nyika yavanofanirwa kuchengetedza ichimirira vaMugabe nebato ravo reZanu (PF) kuti rirambe riri pachigaro.

Kubuda pachena kwakaitwa navaChihuri kuti vanotsigira vaMugabe, uye kurakashwa kwevanhu nemapurisa eLaw and Order, huori, kusungwa nemhosva dzekunyepera kwevanoita zvematongerwo enyika, vanyori venhau, vana vezvikoro, nevanorwira kodzero dzevanhu zvinoratidza kuti mapurisa haachatevedzere basa ravo nemazvo asi kuti vava kuita zvematongerwo enyika.

Saka akaitasei ko mupurisa aitaurwa navaMuderedzwa? Zvirokwazvo havaireva mapurisa akaita savaJoseph Mwale.

Mapurisa anogona basa haangava vanhu avo vanorova zvizvarwa zveZimbabwe nekuda kwekuti vanhu vanenge vachiita kodzero dzavo.

Mapurisa aya havasi vanhu vanorova vakadzi vanoratidzira havo pamazuva akaita seValentine Day, kana kuti vanosunga vakadzi vachivachengeta zvisiri pamutemo.

Mapurisa anogona basa akaita saTafadzwa Gambiza uyo akasunga vaEmmerson Mnangagwa muna2005 nemumiriri wavo musarudzo vaJuly Moyo, nekuda kwekuti vaviri ava vakanga vavhuna mitemo.

Dai chidimbu chamapurisa chaikwanisa kuita savaGambiza, vanhu vakaita savaChihuri havairamba vachityora mitemo.

Zvinoita sokushaiya mano kuti vaMuderedzwa vangataure nyaya yekupa mibairo kumapurisa panguva iyo mapato akaita seAmnesty International ne Transrency International achisvoropodza mapato aya.

“Mamwe mapurisa vanoita zvekubvuta, vanoziva kuti vatungamiri vavo vanotsigira bato reZanu (PF), saka kuti vafadze vakuru vavo kuitira kuti vawane mibairo uye kukwidziridzwa pabasa vanovhuna kodzero dzevanhu,” rakadaro gweta rinomirira kodzero dzevanhu vaDewa Mavhinga,vanovazvekare mukuru weCrisis in Zimbabwe Coalition.

“Mumwe mupurisa akambond- inetsa akati achakwidziridzwa pabasa.” VaBlessing Vava vanobva kuNational Constitution Assembly vanoti hakusi kusaziva mutemo kunoita kuti mapurisa atyore mutemo.

“Mapurisa anoziva mitemo nokuti pavanodzidziswa chipurisa vanoita zvemitemo. Asi vakarega kuita izvi nekuti vanopindira mune zvematonge- rwo enyika,”vakadaro vaVava.

Anoona nezvematongerwo enyika vaPedzisayi Ruhanya, vakati mapurisa anotevedzera zvinoitwa nevanoita nezvemato- ngerwo enyika vachitadza kuchengetedza kodzero dzavanhu.

“Dambutsiko ratinaro nderekuti mapurisa haagone kutevedzera mutemo kwete nekuti haazive mitemo asi kuti kungotevedzera vakuru vavo vari muZanu (PF). Inyaya yekuti vanongotyora mitemo pasina zvinoitika.

Kushandisa mutemo kunyararidza vanhu kushanda kweZanu (PF).

Tiudzei Munoziva here mapurisa anoita basa ravo nemazvo? Chi chinofanirwa kuitwa kunemapurisa anotyora mitemo.

Post published in: News

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *