News in Shona 27/04/06

Mhondi Ngadzitongwe - MDC

HARARE - Magweta eMDC inotungamirirwa naVaMorgan Tsvangirai akanyorera kumuchuchisi mukuru wehurumende (Attorney General), VaSobuza-Gula Ndebele achikumbira kuti vatore matanho ekusunga vanhu vakauraya vaTichaona Chiminya navaTalent Ma


bika, avo vaishandira VaTsvangirai pasarudzo yegore ra2000.
Vaviri ava vakaurayirwa paMurambinda makore matanhatu akapfuura.
“Sezvo Easter yegore rino iriyo inosvitsa gore rechitanhatu rekucherechedza kuuraiwa kwavo, VaMorgan Tsvangirai, vari kushushikana kuti hapana chiri kuratidza kuti chiri kuitwa pamhosva iyi kuti vakaipara vaunzwe kudare,” akadaro magweta mutsamba yavakanyora.
Mugore ra2001 Mutongi wedare guru VaDevittie vakapiwa humboo husina kupikiswa mudare reHigh Court hwekuti mapurisa akange aripo pakaurayiwa vashakabvu Mabika naChiminya, uye mukuru wemapurisa, vaAugustine Chihuri, vakanzi nedare vauye kuzopa umboo hwavo, asi havana kuita saizvozvo.
VaDevittie vakati ivo kupondwa kwavaviri ava kwaiva kwehutsinye uye kwakange kwakanangana nenyaya dzezvematongerwo enyika.
Mazwi akatapwa ehumboo hwenyaya iyi akashaikwa kubva muhofisi yaAttorney General, iyo inogara yakachengetedzwa nemapurisa, uye yakakiyiwa, asi hapana akasungwa.
Gweta ravaTsvangirai rakaenderera mberi richiti mafambisirwo aiitwa nyaya iyi kusvika pari zvino airatidza kuti masimba evatongi venyika akange achiri kungoshandiswa zvichityora bumbiro remutemo, nokuti kwaiva nevanhu vaitotaurira mapurisa zvokuita.
Gweta rakachema nedare kuti hofisi yaAttorney General iburitsewo mazwi ekuti vasvika papi nekuwongorora nyaya iyi nedzimwewo nyaya dzenhengo dzeMDC dzakauraiwa kana kurohwa pamazuva akatevera referendamu ya2000. Vanofungidzira kuti zhinji dzenyaya idzi hadzina kumbotongwa.– Nemumwe Munyori Wedu


vaMugabe Odzorera Mapurazi Kuvarungu


HARARE – Hurumende ine hurongwa hwekudzosera kubva kuvatema mapurazi anosvika zvuru zviviri, nokuti vatadza kurima.
Gurukota rezvekuchengetedzwa kwerunyararo munyika VaDidymus Mutasa, vakati mapurazi aya achadzoserwa kuvarime vechichena.
Izvi zvaratidza kuti hurumende yaita chamupidigori chaicho pahurongwa hwayo, uye kuti yabvuma kuti yakakoniwa payakaita chirongwa chekubvuta ivhu kubva kuvarimi vechirungu.
VaMutasa vakati hurumende yakatoudza vesangano revarimi vechichena reCommercial Farmers Union (CFU) kuti rivape mazita enhengo dzaro dzinoda minda ichatorwa kubva kuvanhu vatema.
“Kune vanhu vari kutoita basa rekuwongorora kuti minda iri kushandiswa sei, uye zvakatowonekwa kuti minda yakawanda haisi kushandiswa zvakakwana; vamwe havasi kutomborima zvachose zvokuti tichatovatorera minda yacho. MuManicaland chete mune vanhu vanokwana mazana maviri vachatorerwa minda,” vakadaro VaMutasa.
VaMutasa avo vanova mumwe munhu ari pedyo zvikuru naPresident Mugabe, uye vari kuwona nezvekugovewa kweminda, vakati ivo vakasangana nemamwe makurukota nevarimi vechirungu vakaita muwonerapamwe nyaya iyi.
Hurumende inoda kuti nzara ipere nekurima kwevanhu, asi vanhu vatema vakapihwa minda vatadza kuburitsa chikafu. Varungu vachadzoswa kuzosimudzira basa rekurima chikafu, asi vatema vanodawo, uye vangona, vachapihwawo minda, vakadaro VaMutasa.
Vakawedzerazve vachiti vaitofara nekubatana kwavakange vaita nevarungu, avo vave kuratidza kuti vanonzwisisa zviri kudiwa nehurumende.
“Nokudaro takavati chitipayi mazita evanoda, isu tochiwona kuti vanokodzera here, asi tichavatarisa nemoyo muchena, nokuti vana veZimbabwewo sesu,” vakadaro VaMutasa.
Mumwe wevatungamiriri veCFU VaTrevor Gifford, vakati chaiva chokwadi kuti vakange vasangana nemakurukota ehurumende, uye vakatoendesa mazita evarimi vavo vanoda minda.
Vakati, “Taitaura navaMutasa nezveramangwana rekurima muZimbabwe, uye takatoendesa mazita mazana maviri, tiine tarisiro yekuti vachawana vagodzokera kunorima panguva shoma inotevera.”
VaMugabe nehurumende yavo vakadzinga varimi vechichena vakawanda, ndokutora minda yavo vachiipa kuvatema vachiti vaigadzirisa kupambwa kwakamboitwa nyika nevachena vachitora ivhu rose rakanaka, vanhu vatema vachikandwa kumakwenga. – ZimOnline


Hurumende Inoda Kutisunga – ZCTU


HARARE – Vatungamiriri vebato revashandi reZimbabwe Congress of Trade Unions (ZCTU) vanoti hurumende ine hurongwa hwekuda kuvasunga nemhosva dzemanyepo kuti vasapinde musarudzo pagungano guru (Congress) ravo mwedzi unouya.
Hurumende inofungidzira kuti vatungamiri veZCTU vatsigiri vanokosha veMovement for Democratic Change (MDC), iyo yakazvarwa mubato revashandi iri, asi yakazomira yoga.
Izvi zvakataurwa naVaLovemore Matombo, mutungamiri weZCTU, vakarondedzera vachiti hurumende yakaisa muwongorori webato ravo, uyo aifanirwa kuzoburitsa zvinyorwa zvemanyepo kuti zvigoshandiswa kutsvaga mhosva muvatungamiri veZCTU, izvi zvichiitirwa kuti hurumende igoisa zvidzoyi zvayo muhutungamiri pasarudzo ya19 Chivabvu (May).
Vakati ivo, “Tine humboo hwakakwana hwekuti hurumende haidi kuti tipinde musarudzo zvekare gore rino, nokudaro ichatitsvagira mhosva dzemanyepo dzekutisunga nadzo kana kutimisa basa.”
Hurongwa uhu hunonzi hwakanangana zvakare nekuda kuvharidzira kuti vatungamiri veZCTU vasakurudzira vashandi kuti vapinde mukuramwa mabasa nekuratidzira kuchaitwa nebato rinopikisa reMDC muchando chegore rino.
Gurukota rezvevashandi VaNicholas Goche rakaramba nyaya iyi, asi raipomera VaMatambo neZCTU mhosva yekushandisa bato revashandi kuti vasimudzire mabasa avo ezvematongerwo enyika, sezvakaita VaTsvangirai, avo vakatanga vari munyori weZCTU vasati vaenda kunotangisa MDC.
Vakaramba nyaya yekuti hurumende yaida kusunga vatungamiri vevashandi, vakaenderera mberi vachiti muwongorori wavo Tendai Chatsauka haana kumbonzi anangane nemunhu.
“Havana chekutya kana vasina zvavari kuita zvinotyora mutemo. Anenge abatwawo hake nemhosva achaendeswa kumatare edzimhosva,” vakadaro.
Chero zvazvo vatungamiri veZCTU vachisarudzwa nevashandi, gurukota rezvevashandi rine masimba ekuwongorora mabasa avo nekutora matanho arinoda, zvichisanganisira kuvabvisa pabasa.
Chatsauka akanzi atarise kufambiswa kwemari pahofisi huru yeZCTU apo painzi pane huwori, asi akashaya chakaipa, zvikashamisa ave kunzi dzokera zvekare kunowongorora.
vaMatombo vakati, “Zvaakange ashaya mhosva dzekutisunga nadzo, akanzi dzokera kuti atowana nyaya chete yekuti vawane kuvasunga.” – ZimOnline


vaBennett vototsvaga hupoteri kuSouth Africa


HARARE – Mubati wehomwe yeMDC, VaRoy Bennett, avo vakatiza kufa vakananga kuSouth Africa, vave kutotsvaga hupoteri ikoko, gweta ravo rakabvuma.
VaBennett vari kubatsirwa nemagweta anomiririra vanhu vanenge vatyorerwa kodzero dzavo, veLawyers for Human Rights, nokuti hupenyu hwavo hwave pakaipa nokuda kwemaCIO ari kuvatsvaga nemhosva yavakapomerwa yekuda kubvisa President Robert Mugabe pachigaro nechisimba, iyo inonzi yakatangwa nebepanhanu reHerald.
Nyaya yacho yakabvira pakuwanikwa kwakaitwa zvombo pamba pemumwe mugari wekwaMutare anonzi Michael Hitschmann.
Hitschmann, muvhimi mukuru zvekare ane maraisenzi ekutengesa pfuti, asi akasungwa muHarare apo pakawanikwa AK47 imwe, maFN mana, maUzis manomwe, nepfuti diki dzaisvika gumi nepfumbamwe, uye marevolvers nema shotgun gumi neimwe mumba make kwaMutare.
Iye anoti raiva basa rake rekutengesa pfuti, uye akange ane maraisenzi ekudzichengeta.
Vamwe varume vanomwe vakazosungwawo, vachisanganisira vaimbova nenyembe muchiwuto, avo vave munyori wezvechiwuto muMDC, vaGiles Mutseyekwa, nevamwe vavo, asi vakazoregedzwa zvawonekwa nedare kuti vakange vasina mhosva.
Asi vose vakamborohwa nemasoja kusvikira vabvuma mhosva yemanyepo yakazoita kuti vaBennett vazosungwawo.
VaBennett, vanozivikanwa zvikuru nezita rekuti “Pachedu” nemhuri nevashandi vavo vakabvirwa mugore ra2000 vachingofurufushwa nehurumende.
“Kubvira gore iri vairohwa uye vakadzi vachibatwa chibharo nevatevedzeri veZanu (PF) nemasojawo, kusvikira vazobviswa papurazi pavo kuChimanimani zvisiri pamutemo,” rakadaro gweta ravo.
Rakati zvekare ivo VaBennett vakambopedza mwedzi mipfumbamwe mujere apo vakawanzirwa negurukota rezvemutemo, VaPatrick Chinamasa, vachinzi baba vavo nemadzitateguru avo vaive vapambepfumi nemhondi. Mhosva yavo yaive yekupunzira vaChinamasa pasi mudare reParamende.- Own correspondent


Post published in: News

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *