Huori hwavharisa GMB Karoi

Chirongwa chekugovera vanhu mbeu chino parurwa nehofisi yemutungamiri we nyika chakambomiswa kuKaroi mushure mokunge vakuru veZanu (PF) mudzvimbo iyi vatora zvinhu zvine nhafu uye zvisiri pamutemo.

Pakamba yeGMB yekuKaroi painge pangori nevarimi vashomanana mushure mokunge zvataurwa kuti makadzura ndiyo achaongora avo varimi vakakodzera kupihwa mbeu.

‘Taimbopa varimi ma bhegi 12 pa hectare asi takadzikisa kusvika pamashanu, uye tavakupa varimi vashoma.

Vamwe varimi vese vava kufanirwa kuenda kuma sero avo vobatsirwa nemakadzura nevamwe vedu vanobva kuGMB vari kufamba mumatunhu sezo chirongwa chamiswa paKaroi GMB,” akadaro mushandi wepaGMB.

Vamwe vari mumusangano we Zanu (PF) nenhengo dzepariyamende (MPs) vanonzi varikutora chirongwa chekupavanhu mbeu vachichiita che Mutungamiri wenyika President Robert Mugabe sezvo nyika ingangoenda kusarudzo gore rino. Izvi zvaudza makakatanwa muZanu (PF).

Mumiriri we Hurungwe East muzvare Sarah Mahoka vanopomherwa mhosva yekudzvamura 50 tons dzembeu, asi ivo vanoti vakatorera vanhu vemudunhu ravo. Mi Mahoka vanoti vanhu varikuvapomera mhosva iyi vavengi varikuda kusvibisa zita ravo.

Vashandi veGMB vakadzivirira Mai Mahoka vachiti izvo GMB ine mari wavo yairi kutadza kubhadhara.

‘’Mai Mahoka ndivo mumwe wevashoma vevakuru veZanu (PF) vachiri kuuyisa chibage chavo kuGMB. Haungavaedzanise nevamwe vasati vambo udza chibage mumakore sere apfura,” mumwe mushandi weGMB akasarudza kusadomwa akadaro.

Ve GMB Havana kubatika panguva yekunyorwa kwenyaya sezvo nhare dzavo dzainge dzisingadairwe.

VaMugabe vakaparura chirongwa chekupa vanhu mbeu kuitira kusimudzira goho renyika, asi vamwe vakuru vemusangano weZanu (PF) vava kudzi varikutengesa mbeu dzepachena idzi pamusika mutema vachitadzisa chirongwa chekunhadziridza kurima munyika kuti chibudirire.

Post published in: News

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *