Britain yoyambira vashanyi mberi kwekuvhota

Britain, kuburikidza nebazi rayo rinoona nezvenyika dzekunze neresangano remubatanidzwa weCommonwealth raburitsa mashoko ekuyambira vashanyi sezvo kuchifungidzirwa kuti pangangove nekurwisana mune zvematongerwo enyika apo nyika ichange ichivhota mubumbiro idzva rezvemutemo mukuru wenyika.

Yakadoma vakarwira nyika sevamwe vanofungidzirwa kuti vangangotange mhirizhonga dzezvematongerwo enyika.”Kunyangwe Zimbabwe ichiratidza kuti zvinhu zvave nani mune zvehupfumi, mhirizhonga dzine chekuita nezvematongerwo enyika dzinoratidza kuti dzichirimo, kunyanya takatarisana nekuvhoterwa kwebumbiro idzva remutemo nesarudzo dzichaitwa muna 2012/ 2013. Mapurazi achiri kungobvutwa, zvichiteverwa nemhirizhonga nekutorwa zvechismba kwemidziyo. Ngwarirai pakushanyira nzvimbo dzamusinganyatsozive,” rinoverenga gwaro iri.

Bazi iri rakati kurwisana nezvematongero enyika kuchiripo zvichitevera kukundikana kwemapato ari muhurumende yemubatanidzwa kuzadzikisa zvavakatenderana muchisungo chakaumba hurumende iyi uye nekushungurudzwa kuri kuitwa makurukota ebato reMDC- T nemamwe mapazi ehurumende.

“Zivai kuti chiratidzo cheruoko ndiwo mucherechedzo webato rinopikisa, rinova bato remutungamiriri wehurumende vaMorgan Tsvangirai. Nokudaro, chiratidzo cheruoko rwunokwazisa ari kure chinogona kuonekwa nepasipo,” rakadaro gwaro iri.

Rakawedzera richiti bazi remapurisa harivimbike mukushanda nyaya dzine chekuita nemhirizhonga dzezvematongerwo enyika. Muna Nyamavhuvhu wegore rino, murongi wezviitiko zvesangano rakazvimiririra reZimRights Forum, unova mubatanidzwa wemasangano akazvimiririra gumi nemanomwe, Blessing Gorejena, akati sangano ravo rinoziva nezvetarisiro yekuti pangangoite mhirizhonga dzezvematongerwo enyika apo vanhu vanenge vachivhota pamusoro pebumbiro idzva remutemo wenyika uye musarudzo.

Vagari vekuBritain vakayambirwa zvekare maererano nehutsinye hwevanoita zvekuchengetedzwa kwenyika vanoshanda vari pasi pavaMugabe sevaperekedzi vake. “Pane zviitiko zvine chitsama apo veruzhinji vakarohwa nevanofamba navaMugabe vachinzi vamira panzvimbo dzisidzo kana kuti vanonoka kumira,” yakadaro yambiro iyi.

Gwaro iri rakaburitsa zvekare kunetseka kwenyika iyi maererano nekuwanda kwezvirwere zvinokonzerwa nekushomeka kwemvura,kunyanya chirwere chemanyoka.

”Chirwere ichi chakamhan’arwa munzvimbo dzakawanda muHarare uye pakamhan’arwa zviitiko zvinosvika zviuru zvina.

Kupararira kwechirwere ichi kurikuenderera mberi uye zvinoratidza kuti chapararira kune mamwe matunhu. Onai kuti makazvidzivirira kubva kuchirwere ichi,” rakadaro, richiratidza kunetsekana zvekare nemamiriro akaita zvehutano munyika sezvo “zvehutano zvisingatsofambiswa nemazvo uye zvisingavimbike.”

Gwaro iri rakayambira zvekare vagari venyika iyi nezvekusavimbika kwemafambisirwo evashanyi nekambani inoona nezvendegeuye pamusoro pekushata kwakaita migwagwa yenyika ino.

Post published in: News

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *