ri pemujawo
NaGift Phiri
HARARE – Bato riri kutonga reZanu (PF) richaita masarudzo mumapurovinzi aro ekutsvaga mutungamiri achatevera President Robert Mugabe. Kwasara mwedzi 16 kuti sarudzo yemutungamiri wenyika iitwe.
Takanzwawo kuti vatevedzeri veZanu (PF) vakapatsanurana, vamwe vanoda mutevedzeri wemutungamiri, Mai Joice Mujuru, vamwe vachida vaimbova gurukota rezvehupfumi VaSimba Makoni uye vamwe vachida gurukota rezvedzimba VaEmmerson Mnangagwa kuti vatore chinzvimbo chavaMugabe.
VaMakoni naVaMnangagwa vakambotaurwa mumahun’ahun’a kuti ndivo vangangotora, asi VaMugabe vachinzi vanoda Amai Mujuru. Zvino mashoko matsva oti VaMugabe havachadi Mai mujuru nokuti havana njere dzingakwana kuti vatonge nyika.
Chero zvazvo vaMnangagwa vakamboti havana shungu dzekutonga vanonzi vari mubishi rekushandisa chinzvimbo chavo kutsvaka tsigiro kubva kupovho. Muburitsi wemashoko weZanu(PF) VaNathan Shamuyarira vakati kutsvaga mutungamiri kuchatanga mumapurovinzi kozoendera mberi paKongiresi imwe ichaitirwa izvozvo chete gore rinouya.
VaShamuyarira vakaramba kutaura nezvebishi rekurwirana chinzvimbo ichi, uku kunonzi nevanhu kwakatotanga asi kusiri kuitwa pachena.
VaDidymus Mutasa vakati kutsvaga tsigiro kuri kutopisa semoto.
Vamwe vemuZanu (PF) vakati kana kukaitwa zvekuti mapurovinzi asarudze wavanoda vaMnangagwa vanogona kuva nemukana, asi vazhinji muPolitburo nemuCentral Committee vanoda VaMakoni avo vavanoona sevangavhoterwe nevanhu vakawanda.
Vekunze nevamwe vangaunze mari yekunze vanofungidzirwa kuti vangasunungura zvikwama zvavo kana VaMakoni vakatonga, izvo zvinozobatsirawo nyika kuti ibudirire.
“Makwikwi ari pakati paMnangagwa naMakoni. Kanganwai nezvaJoyce,” akadaro mumwe mukurumukuru weZanu (PF) ari muPolitburo uye achibva kuMashonaland Central asi asingadi kuti zita rake riburitswe.
“Kana nyaya yacho ikaunzwa kuCentral Committee kana kuPolitburo Makoni anopinda nokuti takatombotaurirana tikaona kuti Makoni ndiye anodiwa, kunyanya nekushanduka kuri kuita zvematongerwo enyika pasi rose.”
Kubva zvavakabva pahukurukota VaMakoni vari kuramba kutaura nezveremangwana ravo mune zvematongerwo enyika.
10,000 parari yeMDC
CHITUNGWIZA – Vanhu vadodarika 10,000 vakazara pamagirosa ekuChitungwiza parari reMDC apo Mutungamiri wayo VaMorgan Tsvangirai vakati havatombotyi kukwikwidza musarudzo yemugore ra2008 nokuti munhu wose weZanu (PF) anomira navo vanotomudya chete.
“Zanu (PF) iri kutotya nokuti inoziva kuti inodyiwa kana ikaenda kusarudzo,” vakadaro VaTsvangirai, ndokuwedzera vachiti, “Vakaedza kuuraya MDC vachiita kuti vanhu vasabatane asi vari kutadza nokuti ticharamba takabatana muzvinangwa zvedu.
“Iyo Zanu (PF) iri kutorota kana ichifunga kuti ichauraya MDC. Mugabe ndiye achaenda nokuti atadza kutungamira nyika.”
VaTsvangirai vakatiwo Zanu (PF) ndiyo yauraya nyika. MDC ine gwara rekugadzirisa naro hupfumi hwenyika, kuunza mabasa, nekumisa kukwira kwezvinhu.
“Mafekitori akavharwa nemarovha nembavha dzinotsigira Zanu (PF) tichaavhura.” – NeMunyori Wedu.
(NCA offers new constitution)
NCA yobura bumbiro idzva
HARARE – Mubatanidzwa wemasvondo, masangano evanhu, mapato ezvematongerwo nemasangano evadzidzi wakapa pfungwa dzawo dzezvebumbiro idzva remutemo rinofanirwa kumiswa sarudzo yegore ra2008 isati yaitwa.
NCA, iyo yakamboratidzira zvakanetsa, ndiyozve yakambotungamira kuramba bumbiro rakange raitwa nehurumende, zvikabatsira kuti hurumende idyiwe musarudzo yemuna 2000 zvanga zvisati zvamboitika.
“Kwatava kuenda kwave kunakidza,” vakadaro sachigaro veNCA, VaLovemore Madhuku, vanovazve gweta remutemo wezvenyika.
VeNCA vakati havasi kuzovhotera bato rinenge raramba kuti paitwe bumbiro idzva, kana zvikaramba vanotoratidzira zvakasimba.
“Munhu anofunga kuti bumbiro ratinaro iko zvino rinogona kutipa shanduko anopenga. Hazvisi kuhurumende, zviri kuvanhu kuti vataure zvavanoda,” vakadaro VaMadhuku.
Bumbiro idzva riri kusheedzerwa neNCA rinoti mutungamiri wenyika anogona kuita kwemakore mashanu kaviri chete, obva asiya chinzvimbo, uye rinoti President anenge achingori mutungamiriwo zvake asi Prime Minister ndiye anenge aine simba, sezvazvakange zvakamboita makore ekutanga erusununguko.
Asi nemasimba iwayo Prime Minister anenge achidaira kudare reParamende rinenge riine masimba ekubvisa hurumende yacho.
“Bumbiro ratiri kuda rinodaidzira mapato akawanda nemasarudzo akasununguka. Kuti izvi zviitike panodiwa kodzero dzezvematongerwo enyika, uye sangano rinoitisa masarudzo rakazvimirira uye rinozofambisa sarudzo yose kusvika yapera,” vakadaro VaMadhuku. – NeMunyori Wedu
(Soldiers jump land queue)
Masoja opindira pamutsetse weminda
HARARE – Masoja achiri pabasa ave kupiwa minda kuti arambe achitevedzera mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe.
Masoja anoda minda ari kuiswa pamberi pevamwe vanhuwo zvavo uye chikwata chemuZimbabwe National Army chinotungamirirwa naBrigadier Daniel Nyikaramba, chiri kuona nezvemasoja anoda minda. Mari yakatoiswa parutivi yekubatsira masoja kunogara pamapurazi aya nekutenga zvinodiwa.
Masoja mazhinji ari kupiwa minda pamapurazi akapatsanurwa asi mashefu avo ari kupiwa mapurazi ose akadaro muchirongwa chemaA2.
Mwedzi mishoma yakapfuura ZNA yakati vana vemasoja ndivo vachapiwa mukana wokutanga kupinda mumabasa echisoja, uye vari kutovakirwa chimwe chikoro.
Mumwe musoja mukuru akange asingadi kuti zita rake riburitswe akati, “Takaudzwa kuti sezvo tirisu takarwira nyika tinofanira kutanga kupiwa minda mberi kwevanhu vose. Tiri kufara chose uye masoja akawanda akatonyoresa kuti awane minda.”
Vapedza kubvisa varimi vechichena, masoja ndiwo ava kutungamira kurima pamapurazi akawanda, kuri kuedza kusimudzira kurima kuti nyika isafa nenzara.
Muchirongwa cheOperation Maguta masoja ari kumanikidza vanhu kurima chibage, vachidzuriswa zvimwe zvavanenge varima zvakaita sehanyanisi, matomati nembatatisi. – NeMunyori Wedu
(Cremation the only option)
Kupisa zvitunha ndiyo nzira yoga yasara
HARARE – Vatungamiri veHarare vakabvumirana kutangisa chirongwa chekudzidzisa vanhu kuti vatambire chirongwa chekupisa zvitunha nokuda kwekunyanya kufa kwakaunzwa nemukondombera.
Asi chivanhu chakanyanya muvanhu zvokuti nyaya iyi ichanetsa kutambirwa.
Kanzuru yeHarare haichagoni kuwedzera makuva, ayo ave kuzara, saka vave kuda kuti vanhu vabvume kupisa zvitunha zvehama dzavo.
Imwe nyaya yakambotaurwa ndeyekuviga vanhu vakamira, asi yakarambwa.
PaMbudzi panonzi pachazara mwedzi mishoma inotevera.
Asi chivanhu chinoti kuvigwa kwemunhu ndiko kutanga kwerwendo rwake rwekupedzisira, saka kupisa chitunha kunogona kubva kwaurayawo mweya wake.
Vanhu 3000 vakafa mwedzi wakapera asi vakapiswa i80 chete.
Kanzuru inoti kupisa kunokurumidza uye hakudhuri. Mumwe mukuru wen’anga akati hazviiti kuvanhu vatema.
Vamwe vaongorori vanoti chii chinonetsa iyo hurumende iri kungotora minda. – NeMunyori Wedu


