HARARE- Vadzidzisi vokumaruwa vari kumanikidzwa kuita mudengu-mudengu kubatsira gungano guru remusanga weZanu PF ririko mwedzi unotevera.
“Ichi ndicho chibharo. Tese tinoziva kuti vadzidzisi vari kutambura, iye zvino vave kutora twunzungu twavo. Humbavha, “munyori weProgressive Teachers Association vaRaymond Majongwe vakadaro.
Vadzidzisi vanotambira mari inokwana mamiriyoni gumi nemanomwe (Z$17 million) pamwedzi. Mudzidzisi wega-wega anonzi abvise mazana matatu (Z$300 000) ukowo vakuru vezvikoro vanonzi vape mazana mashanu (Z$500 000).
Umwe mudzidzisi weku Chibiya kwaMurehwa anoti iye vadzidzisi makumi maviri nemasere vainge vabhadhaa mari iyi nemusi we chishanu vhiki rapfuura.
VaMajongwe vakati kumanikidza vadzidzisi kuita mudengu- mudengu kutyora chitsidzo chakaitwa nemunyori wedzidzo nemashoko eZanu PF uye gurukota rehurumende Sikhanyiso Ndlovu kuti vadzidzisi havamanikidzwe kubatsira bato riri kutonga.
“Saka isu tirikuti vese vadzidzisi musabhadhare mari iyi,” Majongwe akadaro. Â
Vachuchisi vanoti chiendai vaMugabe Â
HARARE- Vachuchisi vematare, vari kuramba basa, vanoti mukuru wenyika vaRobert Mugabe ngavabve pachigaro sezvo vari mudzvinyiriri.
Mashoko aya akataurwazve nevashandi ve Kingstons avo vari kurara kubasa kwemavhiki maviri apfuura vachiti twunzungu twavo hwatukwani kuripa mari yechovha. Hurumende ine chikamu mukambani iyi.
Ichi chiitiko chinouya mazuva matatu apo sangano riri kuchemera kunyorwa patsva kwebumbiro renyika (National Constitutional Assembly) rakati mazuva avaMugabe muhofisi akwana.
Zvakare vateveri vesangano iri vakazvambaradzwa nemapurisa ndokuiswa mutirongo apo vaida kuratidzira kumukuru (Thabo Mbeki) we South Africa uyo akashanyira Zimbabwe svondo rapera.
Vatongi vematare vakatiwo vaMugabe ngavachiyenda kunozorora sezvo vari kutadza kugadzira dambudziko rakonzera kuti vanhu vashandire fovhoro.
Mukuru wematare vaHerbert Mandeya vakataurira paramende kuti kuramba basa kwevachuchisi chaita kuti vasungwa vaorere mutirongo sezvo pasina ari kutonga mhosva.
Vachuchisi vapinda muvhiki rechitatu vachiramba basa. Vatongi vematare madiki vanotambira mamiriyoni mapfumbamwe ukowo vatongi vematunhu vanotambira mariyoni gumi remaviri. Â
Handina kutora chibage – Mpofu Â
BULAWAYO: Mubati wechigaro cheZanu (PF) kuMatebeleland South vaRido Mpofu vari kupomherwa mhosva yekutora chibage nechisimba kudura rehuremende (Grain Marketing Board) kuGwanda.
Makurokota ebato riri kutonga reZanu (PF) kuMatabeleland South vanonzi vari kushandisa chisimba mukugoverwa wekudya kuvanhu vekumaruwa ekuGwanda. Vanonzi ivo vari kuramba kugovera zvekudya kune vebato riri kupisa.
Vagari vedunhu iri vakataurira pepenhau reZimbabwean kuti bato riri kutonga ndiro rave kugovera kudya mumaruwa.
Vanoti ivo vanhu vasina bato ravakarerekera ndivo vanofanirwa kuita basa iri.
Munyori weMDC kuMatabeleland South vaPetros Mukwena vakatsinhira mashoko ekuti Zanu (PF) yainge yavakugovera zvekudya.
“Mpofu ari kufamba achityisidzira vagari achiti iye vakaregerera kuvhotera Zanu (PF) vachanyimwa chibage kubva kuGMB”.
vaMpofu vakaramba mhosva iyi: “Tava kuenda kusarudzo saka umwe neumwe ari kumhanya-mhanya kuti akunde.”     Pindai Dube. Â
Chirongwa chekusandura hupfumi – MDC Â
HARARE- Bato rinopikisa reMDC rabuditsa chirongwa chekusandura upfumi hwenyika kana ikabudirira musarudzo gore rinouya.
Bato iri rakati iro richakumbira kuti nyika iregererwe zvikwereti zvayo zvekune dzimwe nyika kana rikaiswa pachigaro cheumambo.
Muchirongwa ichi MDC inoti iyo kana ikabudirira musarudzo ichaedza kuti idzikise kukwereta kwenyika. Bato iri rinoti richapedza tsika yehurumende yekudya mari zvisina maturo.
“MDC ichaedza kukumbira kuna kesari kudzosera twake munguva yakareba,” bato rakadaro muchirongwa ichi.
MDC inoti kana ikava hurumende yamangwana ichavamba boka rinobatanidza vanhu vese mukugovererwa patsva kwevhu.
MDC inoti iyo ichatora minda mirefu isi kushandiswa yogovera patsva. Bato iri rinotizve richatora minda yatorwa neukopo-kopo yogoverwa patsva.
Kugoverwa patsva kwevhu ndiko kwakatanga hondo yerusununguko asi nhasi uno upfumi hwenyika hwaderera apo varwi vehondo vakatora minda yairimwa nevechichena. Bato iri rinoti zhizha rese remunyika raibva kumapurazi aya.
Muchirogwa chainoda kutevera MDC inoti iyo, ichapa mazakwatira emari kubazi reutano iro riri kuenda kumawere. Ichapazve mari kubazi rekudzidza.
Bato reMDC rinoti iro bumbiro renyika richanyorwa zvakare pachena.
Zvimwe zviri muchirongwa ichi, MDC inoti ichagura tsika yehutongi husina mugumo.
MDC inotiwo ichavamba bazi richasunga vanhu vese vari kuita zvehuwori. Â
Post published in: News

