Yekutanga ndeyekuwira muwirirano nezvisina maturo zvirimo. Chechipiri ndechekufunga kuti bepa iri richagadzirisa matambudziko edu.
Tinofanira kuongorora mwongo wedambudziko.Bato reZanu (PF). Ndiro raunza nerweseri zvikamu zvinochengetedza hunhu hwavo hwakasviba nezvavakaita zvakaipa mumakore apfuura. Ndivozve vane hututa hwekusatevedzera zvimwe zvikamu zvisingavagutsi. Tinoziva maitiro avo: pavanoona vachivhunduka kuti zvido zvevanhu zvave pedyo kuzadziswa, vanotanga kushandisa chisimba, mhirizhonga nekudeura ropa- uye hapana mutemo kana zvikamu zvepepa zvingayevedze sei zvinovadzivisa. Taona mutambo uyu kazhinji kwazvo kubva pakawana nyika ino kuzvitonga kuzere, zvekuti hatinganyeperi kuti hazvichaitikizve.Zanu iZanu.
Zvechisimba ndizvo zvavanogona uye ndiwo muraramiro wavo. Takavaona musi uno vachivhiringidza musangano weMDC kumaodzanyemba kweMashonaland. Takaokera vachipinza basa masoja kumatunhu ekumabvazuva kweMatabeleland Zvino mhinduro ndeyekutii?Ngatidzokerei kumweya uye wemugore ra2000.
Ngatigadzire pakare simba riye netariro yedu. Ngative nekutenda.
Ngatiite zvatinofanira kuita. Takabatana semhuri imwe neizwi rimwe, ngatisimukei zvine simba tichiti ‘kwete’. Ndinokorokotedza mumwe wangu, Tendai Biti. Achitaura kuDarwendale apo masoja aive adzivirira vanhu kupinda panzvimbo yaifanira kuitirwa musangano, akayambira kuti rwendo rwuno MDC haisi kuzongotarira veruzhinji vachirohwa. “Matirova zvakwana, hatichatyi uye tisu tine chaunga,” akadaro.
Ari kutaura chokwadi. Zvakwana tinoti zvakwana. Nguva yekudzvinyirirwa nevashoma shoma yakadarika. Vana vemuZimbabwe simukai! Ngatitorei zvinzvimbo zvedu uye nhaka yedu!
Post published in: News

