Zanu (PF) inoti ‘ndezvemanyepo’

Vakuru vakuru mubato reZanu (PF) kuManicaland vanoti pfungwa dzaRufuse dzarasika; ava kupenga.

Simon Makande anomiririra mapato anoronga mafambiro emabasa emusangano mumatunhu akati “Taneta nezvaanotaura. Rufuse murwi werusununguko ane zvinomunetsa uye anongoda kukoka vemapepanhau kuitira kuti ataure nyaya dzake dzisina maturo. Zvese zvaakutaurirai manyepo anokodzera kuraswa.

Anongoda kutsvaga kuve munhau nekutaura nyaya dzake dzenhema.

Mapepanhau edu ehurumende haanyori nyaya dzisina basa seidzi. Imimi anaZimbabwean ndimi munonyora marara uye zvakashata pamusoro peZanu (PF).”

Akabata chigaro muZanu (PF) mudunhu reManicaland VaMark Madiro havana kukwanisa kupa mashoko pamusoro penyaya iyi.

Mwedzi wapfuura, mukuru mukuru mubato revarwi verusununguko achishanda mubazi rechiuto, Retired Major General Richard Ruwodo, vakaudza dare reparamende kuti mhuri dzevarwi verusununguko vakafa mushure megore ra1997, havakwanisi kuwana rubatsiro kubva kuhurumende sezvo varwi ava vasisipo kuratidza mavanga ekuti vaive vakarwa hondo.

Ruwodo akaudza bazi reParliamentary Portfolio Committee mune zvekuchengetedza runyararo munyika kuti: “Mutemo unotaura nezvevarwi verusununguko hauna kutwasanuka sezvo hautarise varwi vakafa mushure megore 1997, apo varwi vakatanga kuongororwa. Izvi zvinoreva kuti varwi vanenge VaTongogara havasi kupihwa nzvimbo.”

Kusawana rubatsiro kwemhuri dzevarwi verusununguko ava kwakonzera kuti sangano reZimbabwe Liberators Peace Forum (ZLPF) rive nechikumbiro chekuti pave nemumiririri muhurumende yemubatanidzwa anomiririra zvido zvevarwi ava.

Post published in: News

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *