Bumbiro nderezvido zveZanu: Gwisai

Bumbiro idzva remutemo rakaburitswa neConstitution Select Committee rakanatsurudzwa kufadza nekudzivirira vanoita zvematongerwo enyika vari mubato reZanu (PF), mukuru mukuru weInternational Socialist Organisation, VaMunyaradzi Gwisai vakadaro.

Gwisai
Gwisai

Zvakatorera Copac makore matatu kuburitsa bumbiro iri, rakabuda muna Chikunguru mushure mekukakavadzana kwakanyanya pakati pemapato matatu ari muhurumende yemubatanidzwa. VaGwisai vanoti bumbiro rinopa masimba akawandisa kune mutungamiriri wenyika.

Vachitaura nemutori wenhau weZimbabwean, VaGwisai vakati kudzorwa kwechikamu chinopa “masimba akanyanyisa” kune mutungamiriri wenyika hachifadzi.

“ Sei tiine chikamu chakadaro? Hazvina mhosva kuti ndiani achange ava kutonga, chiripo ndechekuti hatidi mutungamiriri wenyika anenge aine masimba akawandisa,” vakadaro.

VaGwisai vakaratidza kushungurudzika kuti bumbiro idzva iri, iro rakatotambirwa kare nemapato maviri eMDC asi riri kurambwa neZanu (PF), rakakundikana kugadzirisa nyaya yevhu. Bumbiro remutemo rinoti kuripwa kwevanhu munyaya dzevhu kunongoitwa chete kune avo vemuZimbabwe vkazvimiririra nevekunze vakachengetedzwa nemitemo inobata nyika dzose mune zveupfumi. Vagari vemuZimbabwe vanonzi vane kodzero yekuripwa chete kana paine chinenge chiri kuda kugadziriswa paivhu ravo.

“ Hapana chikamu chinotaura nezvekuongorora mashandisirwo kana kugadzirisa kugoverwa kwakaitwa ivhu zvisina ruenzaniso. Pane vezvematongerwo enyika vakawandisa vane minda yavasiri kushandisa, zvinova zvakaipa. Ko vashandi vemumapurazi vakabviswa munzvimbo dzavaigara paigoverwa ivhu patsva vasisina pekugara vachaitwa sei?”vakadaro VaGwisai.

Vakawedzera vachiti mubumbiro munofanira kuve nechikamu chinoburitsa chisungo chezvezvicherwa uye nezvekutengeswa kwazvo kumisika yekunze sezvo paine vashoma vari kuwana pundutso nazvo.

“Tarisai zviri kuitika kune mangoda emunyika medu;ari kubiwa zvenhafu, asi haakwanisi here kushandiswa kuti vashandi vemuhurumende vabatsirikane mune zvehupfumi?”

Post published in: News

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *