Munguva pfupi yapfuura,hurumende yakadoma mutengo wevarimi; masendi makumi manomwe kusvika makumi masere,asi vemakambani edonje vari kupa masendi makumi matatu nemashanu.
Padura redonje reMudzimu kuHurungwe, varimi vazhinji havasi kutengesa donje ravo netarisiro yekuti chichemo chavo chekugadziriswa kwemutengo chichanzwikwa.
Varimi vedonje vane chibvumirano nevanopa mbeu vachagona kuwirwa nedambudziko rekubatirwa midziyo nekuti vanenge vatadza kudzosera mari dzembeu. Ongororo dzezvekukwereteswa kwembeu dzinoti vanopa zvikwereti vakaisa mamiriyoni makumi mana emadhora kumbeu nezvinoshandiswa mukurima donje, zvinovapa kodzero mukutenga donje kuvarimi.
Kudzika kwakaita mutengo wedonje pamusika wepasi rose, nekuderera kwekushandiswa kwedonje neChina kwawedzera kudzikira kwemutengo wedonje.
Mukuru webato reZimbabwe Farmers Union Cotton Producers vaJoseph Gondo vakati varimi vave kumanikidzwa kutsvaka vanotenga donje vakazvimiririra. Mutevedzeri wavo VaBerean Mukwende vakati chiitiko ichi chiri kukanganisa mashandiro evarimi vedonje.
“Takataura nevanotenga donje vakati havakwanisi kutenga nemutengo wepamusoro sezvo mutengo wedonje pasi rose wakadzikira asi varimi havasi kugutsikana netsananguro iyi.”
Sachigaro wesangano reCotton Growers and Marketers Association vaMorris Mukwe vakati vane tarisiro yekuti pangangobuda zvakanaka pamusangano wavachaita neAgriculture Marketing Authority. Zvichakadaizvi, varimi vedonje kuBindura vari kuratidza kutsutsumwa nemutengo wechirimwa ichi. Mutsvakurudzo yakaitwa neZimbabwean munguva shoma yapfuura, vazhinji vavo vakasiya kurima chirimwa ichi uye vamwe vanoti vane hurongwa hwekurega nemhaka yekudonha kwemitengo mumakore apfuura.
Post published in: News

