VaChombo vorongerwa dhende

Pane kurwisana kutsva kwamuka kumaodzanyemba kweZvimba zvichitevera runyerekupe rwekuti vatsigiri vebato reZanu (PF) vane hurongwa hwekubvisa pachigaro mutungamiriri wavo wemakore vaIgnatius Chombo vachiisa muzvinamabhizimisi vaEdwin Matibiri.

Chombo
Chombo

VaChombo vanova gurukota rinoona nezvebudiriro mumatunhu vanonzi vari kuzvinatsiridza nekugadzirira kuti vatore chigaro chekukwikwidza musarudzo dzekutsvaga vatungamiriri vachakwikwidza muzvigaro zvemapuraimari. Asi vakaramba nyaya iyi yekuti pane vari kuda kuvabvisa pachigaro chavo mudunhu ravo.

“Handinei nechekuita nemamiriro ezvigaro munharaunda dzemumatunhu nokudaro nyaya yako haina maturo sezvo ndaiva kuChina uye handina chandinoziva nezvenyaya iyi. Kana nguva yangu yekuti ndisiye chigaro yakwana, ndinongosiya, handina dambudziko nazvo ini,” vakadaro vaChombo.

Vakati mubvunzo yose ngaiendeswe kumutauriri webato ravo reZanu (PF)vaWebster Shamu, avo vasina kukwanisa kupa humbowo hwavo panyaya iyi nekukasika.

Vatsigiri veZanu (PF) munharaunda yavaChombo vakati kurwisana uku kunogona kudonhedzera bato pasi. Vatsigiri ava vane tsamba dzine chitsama dzavanyora kuvatungamiriri vebato kudunhu vachitsvaga rubatsiro panyaya iyi asi nanhasi havasati vawana mhinduro.

Mutsamba dzakanyorerwa sachigaro wedunhu vaJohn Mafa, divi ravaChombo iri rinonzi riri kugadza vatsigiri varo munharaunda dzinenge kumugodhi weVanad, Tafara, Munyane, Mazvikadei nekuMutorashanga.

Masachigaro anotungamirira nharaunda anenge Tecla Kwahla, Samson Akim, Tendai Kawara neumwe akadomwa saChisora vanonzi vakabviswa pazvigaro pachiiswa vamwe.

“Zanu (PF) haichisina rutsigiro mudunhu rweMutorashanga sezvo tave nevatsigiri vashoma. Mazita asara ndeevamiririri vari muhurumende neavo vanotimiririra mukanzuru,” chinoverenga chidimbu chetsamba iyi.

“Vatsigiri vave kuiswa mumativi maviri, vamwe vachinzi ndevaMatibiri vamwe vaChombo, vanonzi vatsigiri vaMatibiri vachityisidzirwa kuti vachadzingwa mubato.”

Vaimbove sachigaro veWard 15 kuMutorashanga, vaPatson Chindamba vanoti vatsigiri vekudivi ravaChombo vari mushishi rekushungurudza nekutyisidzira vose vanofungidzirwa kuti vatsigiri vavaMatibiri.

Vanoti vakabatwa nevatsigiri vebato ravaChombo vachibvunzu rudzwa nezvemapato maviri avepo mubato.

Vakati vose vanonzi vatsigiri vavaMatibiri vakatyisidzirwa kuti vari kuzotorerwa mapurazi.”Tinoda kuti bazi repamusoro soro mumusangano ripindire munyaya iyi sezvo ichikwanisa kuparadza musangano yopa mukana wekukunda kubato rinopikisa munharaunda ino,” vakadaro vaChindamba.

VaMatibiri vakaramba kupa humbowo hwavo panyaya iyi. “Ndichangoviga mukoma wangu uye haisi nguva yekukurukura zvematongerwo enyika. Taura nevanovhota sezvo vari ivo vanokwanisa kupa humbowo panhau iyoyo,” vakadaro vachibva vadzima mbozhanhare yavo.

Post published in: News

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *