
Kunyangwe paine kupokana kubva kumasangano anoongorora zvesarudzo, mapato maviri eMDC nesangano remubatanidzwa weSADC, vaMugabe vari kutsungirira kuti sarudzo dziitwe muna Kurume gore rinouya. Izvi zvinopokana nechisungo chavakaita muchibvumirano chehurumende yemubatanidzwa muna 2009, mavakawirirana kuti sarudzo dzichaitwa kana paitwa shanduko mune zvikamu zvehurumende kusanganisira kuumbwa kwebumbiro idzva remutemo, kuitira kuti pave nesarudzo dzinogutsa mapato ose.
Vachitaura pagungano rekutsvaga rutsigiro kuMkoba mumazuva apfuura, vaMatibenga, vanova mumiriri weKuwadzana muhurumende uye vari nyanzvi mukurwira kodzero dzevashandi, vakati vaMugabe vari kuedza kudzimaidza veruzhinji kubva mukutevedza zvisungo zvakaitwa pakuumbwa kwehurumende yemubatanidzwa vachiita gakava remazuva ekuita sarudzo.
“Ivo vaMugabe vanoziva kuti zvavari kuita izvi hazvigashirike nokudaro vanoramba vachitaura nyaya iyi senzira yekudzimaidza zvoita kuti zvimwe zvose zvishaye basa,” vakadaro. “Hatityi sarudzo asi tiri kuti ngatigadzirisei nzira dzekuita sarudzo kuitira kuti zvinobudamo zvisakwikwidzwe.”
Mumiririri weMkoba muhurumende vari munyori anoona nezvemvura mubato reMDC- T, vaAmos Chibaya vakatsinhira vachiti vaMugabe havasi muridzi weZimbabwe.”Vanhu havasi vaMugabe. Nokudaro havafaniri kutiudza zvekuita vachisiya zvido zvedu zvakangofanana nezvavo. Hatizvigashiri,” vakadaro.
Post published in: News

