News in Shona 25-5-06

Nyaya Inonyadzisa Yekudyiwa Kwemari Yekunze
HARARE - Imwe nyaya inonyadzisa yekudyiwa kwemari yekunze nevakuru-vakuru vemuhurumende yabudiswa zvekare. Vabati vezvinzvimbo vari pedyo nemutungamiri wenyika Robert Mugabe vakapiwa mari yekunze, iyo iri kunetsa munyika kuti v


atenge motokari dzepamusorosoro nemari shomanana.
Bepanhau reSunday Times rekuUK, iro rakaburitsa nyaya iyi, rakati mumwe wevanhu vakapiwa mari idzi muzukuru waMugabe anonzi Leo Mugabe akanyoresa kuti apiwe zimotokari rinonzi Toyota Land Cruiser Amazon nemari yaiita £46 950.
Mari yacho yakaiswa mubhanga rekuCoutts, kuri kuStrand muLondon, asi kero yakashandiswa pamapepa yaiva yeWorld Class Cars yekuBelvedere, Kent, apo paiva neimwe mhuri yekuZimbabwe asi yaiti hainei nechekuita naLeo Mugabe kana zvekutengwa kwemotokari.
Mapepa acho airatidza kuti mari yekunze yakashandiswa kutenga motokari idzi yakapiwa kune vaipihwa ichichinjiwa neZ$30,000 paUSdollar rimwe chete, as iro USdollar richiita Z$230,000. Izvi zvinoratidza kuti pane dzimwe nguva motokari dzacho hadzina kana kutombotengwa, asi kuti mapepa ekutenga motokari akangonyorwa kuitira kubatsira vakuru ava kuti vanzvenge kurambidzwa kutenga kwavari kuitwa nenyika dzemuEurope uye kuti vaburitse mari yekunze vachiisa mumabhanga avo ari kunze kwenyika.
Bepanhau iri rakawonawo umboo hwekuti paiva nemari yaikwana £80 000 yakaiswa nebhanga guru renyika, Reserve Bank mubhanga reanomiririra Zimbabwe kuNamibia ichinzi ndeyekurapiswa.
Mari idzi dzaiva dzekutenga motokari makumi mashanu dzerudzi rwema4x4 semaToyota Prado kama maLand Cruiser Amazon, ayo anowanzoita kuma £47,000 imwe chete. Motokari dzose dzakatengwa dzaipfuura zana, uye dzose, kunze kwembiri chete dzakapiwa kuvamiririri veZanu muParamende.
Reserve Bank yakawonekwaze ichiburitsa mazakwatira emari yainzi ndeyevadzidzi vane mabhesari kunze kwenyika, asi zvakazoonekwa kuti vaingova vana vemashefu.


KuBudiriro Zanu (PF) Yakarohwa 10-0
HARARE – MDC icharamba ine chirongwa chekuratidzira ichiburitsa kutsutsumwa kwevanhu pamusoro pehurumende yavaMugabe. Izvi zvakakurudzirwa nekukunda kwakaita bato iri pakupera kwevhiki richangopfuura, zvichiburitsa kuti, “vavhoti vanowirirana nepfungwa dzeMDC” kusanganisira kratidzira nekuramwa basa murunyararo.
Musangano weMDC, uchitungamirirwa navaMorgan Tsvangirai, wakahwina zviri pachena chigaro chemudare reparemende cheBudiriro kukunda Zanu (PF) iri kutonga. Mumiriri weMDC muBudiriro, VaEmmanuel Chisvuure,vakawana mavhoti 7,949. Gabriel Chaibva weboka rakabuda muMDC rinotungamirirwa naVaMutambara akaita mavhoti 504 chete uyowo weZanu (PF) Jeremiah Bvindi akaita mavhoti 3,961.
“Sarudzo iyi yaratidza kuti vanhu vachine tarisiro neMDC ( inotungamirirwa naVaTsvangirai ) nezvirongwa zvayo,akadaro muburitsi wemashoko eMDC.
Kuratidzira kureva kumanikidza Mugabe kubva pachigaro achisiyira hurumende yevanhu chaiyo; ichapiwa basa gurusa rekunyorazve bumbiro remutemo rinobvumiranwa nevazhinji richaunza kuvhota kwakasununguka, kusina kubirira uye kuchiwongororwa nevanhu vekune dzimwe nyika.
Vanonyanyotsigira Tsvangirai veZimbabwe Congress of Trade Unions (ZCTU) vakawedzera rutsigiro rwekuratidzira kwevanhu, pamusangano wavo svondo rapera vakaburitsa kuti musangano wavo uchadaidzira kuramwa mabasa kwevashandi vose vachimanikidza hurumende kuti ivawedzere mari kuti magariro avo asimukirewo.
Mugabe nehurumende yake havasi kuzombopeta maoko vakatarisa vebato rinopikisa vachikurudzira vanhu kuramwa mabasa; sezvo vanga vachifunga kuti vanohwina muBudiriro kuratidza ruzhinji kuti vanhu vemudhorobha vadzokerazve kwavari kubva muMDC yakapatsanuka.
Svondo rapera mapurisa akasunga vanhu vanosanganisira vakuru vemachechi nevakuru vemapato anomirira zvekodzero dzevanhu nekuti vakawirirana kuita minamato nekuratidzira vachirangarira chirongwa cheMurambatsvina. – ZimOnline


Msoja ndiwo Otungamirira NRZ
BULAWAYO – Vashandi veNational Railways of Zimbabwe, NRZ, vanotsutsumwa nezvekuwanzwa kwechisoja mubasa mavo. NRZ inewo vashandi vakawanda kutevedzera hurumende.
Kubva kuvakuru vevashandi nevashandi vacho, vanoti hurumende iri kupa masoja aive pamudyandigere nemawoovheti (War Vet) mabasa ari pamusoro muNRZ. Izvi zvakatangawo pakutanga kwegore.
Vakuru ava vakataura izvi sezvo vasiri kuzobudiswa mazita avo uye vakatiudza kuti mabasa epamusoro ose eNRZ ave emasoja nemawoovheti. Vashandi ava vanogunun’una kuti masoja aya haana kumboshanda mabasa akadaro seekutungamira NRZ.
‘Varipo semaziso zve, senzeve dzehurumende neZanu PF. Hatisisina kusununguka kutaura zvatinoda kana zviri kuitika munyika nekuti ukatarisa kuruboshwe kunenge kune musoja. Ukatarisa kurudyi, kune muwoovheti akakutarisa”, akadaro mumwe ghadhi wechikadzi.
Vazhinji vemaghadhi eNRZ vaimbove varwi verusununguko veZanu(PF) iri kutonga. Mumwe maneja akati hurumende yakatanga kuisa masoja payakapomera mhosva vamwe vakuru veNRZ kuti vatsigiri vebato rinopikisa reMDC.
Vamwe vakuru veMDC mumumapato ayo ese ari maviri vaive vatungamiri vevashandi muNRZ.
Vatevedzeri vevatungamiri vaviri vemapato ese, Thokozani Khuphe wekwaTsvangirai naGibson Sibanda wekwaMutambara vaive vakuru vevashandi veNRZ uye vari muZimbabwe Congress of Trade Unions.
Mukuru weNRZ mutsva uye Douglas Nyikayaramba, mutungamiri wevashandi, vose vari vaviri vaimbove muchisoja. Nyikaramba aimbova sachigaro weZimbabwe Electoral Commission. Mugore ra1989 akabudawo munyaya yekufa kwaCaptain Edwin Bundani Nleya uyo akaurayiwa zvisina tsarukano apo akange apomera vakuru vemasoja vaive Mozambiki mazuva iwawo kuti vaitengesa nyanga dzezvipembere.
Nleya akanyangarika mazuva mashoma achangobva kuburitsa nyaya iyi, mutumbi wake ukazowanikwa watova makodo chete pakakomo kari mudhorobha reHwange. – ZimOnline


Kuburitswa Kwekukwira Kwezvinhu neZTV Kunoshamisa
HARARE – Maburitsirwo anoitwa nyaya dzekukwira kwemitengo paZTV anoratidza manyepo ekuti kana vatapi venhau vacho vanofanirwa kunyara pane vamwe vavo. Dai kwaiva nemubayiro wekuburitsa manyepo mukombe uyu waitotorwa neZBC iyo inoramba ichiburitsa kuti mamiriro ehupfumi hwenyika ari kugadzirika, iyo hurumende iri mubishi rekudhinda mari yemapepa, iyo ichapiwa vashandi, mitengo yobva yawedzera kukwira.
“Zvinhu zvichanaka nekupera kugadzirwa kweHarare International Airport neBeitbridge Border Post,” akadaro mutapi weZBC, sekunonzi nhandare yendege nekugadzirwa kwepekubuda napo kuenda kuSouth African zvichaunza chikafu.
Bepanhau reSunday Mail rinogonawo kutora mukombe wechipiri nekunyora kwarakaita kuti, “Vanhu ngavasashamiswa nekukwira kwezvinhu kunosvika pakuti mitengo ipetwe rugumi pagore rimwe nokuti hupfumi hwenyika huchagadzirisika nokuda kwematanho akabva kutorwa nehurumende masvondo apfuura.”
Mukuedza kuburitsa pachena nyaya yekukwira kwezvinhu munyori wavo akaenderera mberi achiti, “Kune nyanzvi dzezvehupfumi hwenyika dziri kuvimbisa kuti mitengo ichadonha zvokuti vanhu vachatozotarisa zvose zvaiitika senyaya dzekare.”
Vechikwata chinowongora kuburitswa kwemashoko (Media Monitoring Project, Zimbabwe) vakatoseka zvinyorwa zvaiburitswa neSunday Mail zvichinzi zvaitoratidza kuti mitengo ichadzika sei.
Muwongororo yavakaburitsa mwedzi uno vakati mamwe mapepanhau ese nenhepfenyuro dzose dzehurumende dzinongoramba dzichiburitsa zvisina musoro kana wongororo, nekungodzokorora manyepo ose anotaurwa nevatungamiri.
Semucherechedzo, Spot FM yakaburitsa kuti Gurukota rekugadzirwa kwezvinhu VaObert Mpofu vakati hurumende yaiva nechirongwa chekuunza mari yekunze ichibva mukutengesa zvinhu zvakagadzirwa zvisati zvatengeswa, chero zvazvo pasina zvakaburitswa zvaizoratidza kuti zvichaitwa sei.
Mapepanhau asiri ehurumende, ndiwo anonzi, anoburitsa chokwadi chekuti kufa kwaita hupfumi hwenyika kwakonzerwa nezvirongwa zvehurumende.
SW Radio Africa yakabuditsa kuti kwaiva kutadza kwakanyanya kwehurumende kwakonzera kuparara kwaitika.
Zimbabwe Independent rakanyorwawo muwongororo richinzi rakaramba zvakaburistwa nehurumende zvekuti vanhu vapfumbamwe muzana ndivo voga vanoda mabasa asi vachiashaya. Independent yakati mashoko akabuditswa neveConfederation of Zimbabwe Industries anoti vanhu makumi mana nevaviri muzana ndivo vanoshaya mabasa asi vachiada, ndiwo echokwadi.
Mapepanhau asiri ehurumende ndiwo anobuditsawo chokwadi chekuti kushaikwa kwezvirimwa kwakakonzerwa nezvirongwa zvehurumende.
Vakabuditsawo nyaya yekuti mamwe mapurazi maviri akatorwa nechisimba nevanhu veZanu(PF); The Standard rikaburitsawo nyaya yekusashandiswa nemazvo kweKondozi Estate iyo yaishamisa nekurima isati yatorwa. – Nemumwe Munyori Wedu.

Post published in: News

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *