Operation Murambatsvina mumifananidzo kuGallery Delta

Zviratidzirwa zvevisual arts zvinedingindira rekuti 'Reliving the Trauma' zviri kuGallery Delta, muguta reHarare zvinoburitsa pachena semuromo uroyi hweOperation Murambatsvina. Zvakazarurwa nemuridzi wegallery iyi vaDerek Huggins musi wa11 Kubvumbi mwedzi wakapera. Gore rakapera, hurumende yaRobe


rt Mugabe yakaita chirongwa chekuputsa misha yevagari vemumadhorobha chayakadaidza kuti Operation Murambatsvina. Vadzidzi vakuru vezvematongerwo enyika vakaona chirongwa ichi senzira yeboka reZanu PF yekuudza vagari vemumadhorobha kuti nyangwe vaisada hurumende yavo izvo zvairatidzwa nekusaivhotera kwavaiita vaifanirwa kutongoitenda vachida vasingade.


Zviratidzirwa izvi zvinoshungurudza kune uyo munhu wose zvake anozviona. Maartists akasiyana akapenda mifananidzo inoburitsa kurwadzikana nekushushikana kwakaita vana veZimbabwe apo hupenyu neraramo yavo yakaputswa nemasoja nemapurisa ayo anobvuma kushandiswa mumabasa akaipa akadai. Vakomana nevasikana vechidiki ava vanoshandisa maoko avo kutsanangura huipi hweMurambatsvina kupfurikidza nemifananidzo.


Mufananidzo waJames Jari unezita rekuti ‘Mushawaparara’ unoratidza kuparara kwehupenyu neraramo hwevanhu vakawanda. Lovemore Kambudzi anoratidza zvakasiiwa neOperation Murambatsvina nemufananidzo unoti ‘Results of Murambatsvina.’ Misheck Manatsa Matambanadzo anobvunza kupfurikidza nemufananidzo wake kuti ‘Tochidini?’, unova mubvunzo wakanangiswa kune vachairi vechirongwa cheMurambatsvina. Gareth Nyandoro anoratidzawo zvekare kuti Murambatsvina yasiya uye yawedzera tsvina sezvo vanhu vogara pese-pese nyangwe nezvimotokari zvakafa izvo zvinobuda mumufananidzo wake unonzi ‘2290th Murambatsvina.’ Mamwe mavisual artists ane zviratidzirwa zvawo muexhibition iyoyi ndevanoti Munyaradzi Mugarosa, Cosmos Shiridzinomwa, Doris Kampira naGilbert Jonas.


Exhibition yemifananidzo iyi inorwadzisa mwoyo uye inoshungurudza munhu wose anoziva umharadzi hwakaitwa nehurumende yeZimbabwe kupfurikidza nechirongwa chavo cheOperation Murambatsvina icho chavekuzivikanwa nezita rakakodzerana nacho chekuti Operation Murambavanhu. Chikuru charatidzwa nemavisual artists echidiki aya ndechekuti art mutauro wakarungwa unoshambadza zvinoitika mavanogara.

Post published in: Arts

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *