News in Shona 1-06-06

VaTsvangirai Vosheedzera Komishini Yekuzoongorora Zvose Zvakaitwa NeZanu (PF)
NaWILF MBANGA
LONDON - Mutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai vasheedzera komishini yekuzowongorora kutyorwa kwekodzero nehuwori hwakauraya nyika.
"Kana zvichida kunzi tibve tavaregerera zvacho


se pamhosva hobvu dzavakapara, panofanirwa kuti patoitwa basa rakadai, zvichisanginisirawo nekukumbira ruregerero kumhuri dzose dzakakanganisirwa paGukurahundi.
“Panofanirwawo kuva nekunyaradza nekuyananisana kwenyika neavo vakamboshungurudzwa navakaparirwa mhosva,” vakadaro vaTsvangirai vachibvunzwa neMupepati WeZimbabwean pakupera kwesvondo.
Vakati Komishini iyoyo ndiyo yaizopiwa masimba ekutaura kuti zvoitwa sei.
Vakatsinhidzira kuti Mugabe ngaachienda, asiyane nezvekuda kuwedzera nguva yake muchigaro kusvika gore ra2010.
“Nyika yanyanya kushushikana, kurarama chaiko hakuchawoneki. Hazvingatomboiti kuti titombofunga nezvekuti vagare ivo vasina mazano ekuti nyika voigadzirisa sei,” vakaenderera mberi.
Nezvenyaya yekuti vaThabo Mbeki vakati VaKoffi Annan vachauya kuzogadzirisa nyaya yeZimbabwe, vaTsvangirai vakati munhu wose zvake anofunga kuti anagabatsire ngaauye, chero zvichizobatsira kuti vanhu vomuZimbabwe vasatambura zvakadai.
Vakatiwo vakange vasina ruzivo rwezvekuti VaAnnan vaiuya nenyaya yakaita sei, asi hurumende yaMugabe yakatoburitsa kuti haichadi kuti VaAnnan vauye, nokuti nguva yacho yavaivada ivo kuti vauye yakatopfuura.
VaTsvangirai vakatiwo kupindira kwevesvondo kwaiva chinhu chakanaka nokuti kusangana kwavakaita naMugabe kwaizobatsirawo mukutsvaka nzira yekugadzirisa nyaya yenyika.
Vakawedzera vachiti, “Vamwe vemasvondo vanoda kuchengetedza zvinhu sezvazviri, asi vazhinji vacho vanoda kubatsira voruzhinji, avo vari mukutambudzika nekuda kwemaitiro ehurumende yaMugabe.”
Chimwe chavainyanya kutya ndechekuti kunyunyuta kwevanhu kungangoputika zvikazokonzera mhirizhonga inogona kutotadzisa kutaurirana uko kwange kwave kuitika.
“Tsvaru akadana tivu, saka isu tisingadi hedu zvemhirizhonga, kunyanya kana zvikazopindirwa nevechidiki avo vanotowona kuti hapana chavo nakare nekuda kwekufa kwenyika. “Zvemhirizhonga hatitombozvidi zvachose zvokuti ndiyo nyaya inonyanya kundiremera iyoyo, kuti dai nyika yedu yangogadzirika,” vakadaro VaTsvangirai.
VaTsvangirai vakataurawo pamusangano muParamende yeUK apo vakati vanhu zvuru nezvuru vakange vatiza uye vanogara sevapoteri vachityorerwa kodzero dzavo.
VaTsvangirai vari kufambira nyika dzemuEurope uye vachaenda kuAmerica vachinozivisa vatungamiri venyika idzi zviri kuitika muZimbabwe chaizvo kwete manyepo avari kupiwa naMugabe.


Gweta Risingatyi Rakapiwa Mubayiro
HARARE – Gweta risingatyi, vaArnold Tsunga, ndiro rakatora mubayiro wepamusoro wekurwira kodzero dzevanhu pasi rose zvichicherechedza kuti kurwira kodzero muZimbabwe chinhu chinotourayisa.
Mubayiro uyu unonzi Martin Ennals Award for Human Rights Defenders unopiwa gore negore nemasangano epasi rose ekodzero kuitira kupa varwiri vekodzero ruremekedzo.
VaTsunga avo vari sachigaro weZimbabwe Human Rights Association (Zimrights), vaigara vachishungurudzwa nekutyisidzirwa pamusana pekushoropodza kwavo matongerwo anoitwa vanhu muZimbabwe zvikuru pamitemo yakanangana nekodzero dzevanhu.
Muna Ndira (January) wegore rine vaTsunga nevamwe vashanu vakuru-vakuru veVoice of the People, nhepfenyuro inonzi nehurumende haisi pamutemo.
VaTsunga vakavhakachirwa kumahofisi kwavo nemumwe murume aiita semusoja uyo akati akange atumwa kuzovaponda.
VaTsunga achapiwa mubayiro wavo wemari yekuSwitzerland inosvika (US$15,300) muna Gumiguru (October). – SW Radio Africa


Mutambara Avimbisa Chikafu kuMatabeleland
BULAWAYO – VaArthur Mutambara, mutungamiri werimwe divi rebato rinopikisa reMDC vakataura pamarari (rally) matatu kuMatabeleland pakupera kwesvondo – kuCross Dete iri kuHwange, kuSibasa nepaAvoca Business Centre.
Vaifamba nemuteedzeri wavo, vaGibson Sibanda, sachigaro, vaJobert Mudzumwe, munyori wavo, vaWelshman Ncube, mubati wehomwe, vaFletcher Dulini-Ncube, muteedzeri wavo, mai Miriam Mushayi, sachigaro wemadzimai, mai Hilda Sibanda, munyori wezvekurima, vaRenson Gasela, munyori, vaLyson Mlambo, sachigaro wevechidiki, muzvari Ellen Shiriyedenga, nevamwe vanhuwo.
“VaMutambara vakaudza vateveri vebato ravo kuti chero zvazvo Matebeleland North yaiva nezviwanikwa zvakawanda, kusanganisira marasha kuHwange, simbi kuKamativi uye vashanyi vanouyako, vagari veko Havana zvavanopiwa pazviwanikwa izvi. Vakavimbisa vagari ava kuti hurumende yavo yaizogadzirisa nyaya iyoyi,” akadaro mubudisi wemashoko webato ravo.
Vagari vekuSibasa vaishushikana kuti vaimanikidzwa kuendesa zvirimwa zvavo kuGrain Marketing Board nechirongwa cheZanu (PF) che”Maguta” chiri kutungamirwa nemawuto, zvichinzi kudzosera mbewu yemahara yakapiwa vagari ava.
Vagari vemumaruwa ava vakatizve havana kumboziviswa kuti zvavaipiwa mbeu, vaizotorerwa zvirimwa zvavo zvichiendeswa kuGrain Marketing Board nemasoja.
VaMutambara vakavimbisa kuti bato ravo raizoita kuti vanhu vekuInsiza vasafa nenzara, vachitsvaka chikafu chacho kunze kwenyika. Vakati ivo hurumende yeMDC yavo yaizoshandura Zimbabwe kuti ive nyika inoshamisa panyika dzese.
VaNcube vakaudzawo vanhu kuti kupatsanuka kwakaita MDC kuita mativi maviri kwakabva muvanhu vaida kushandisa chisimba kuti varambe vari muzvinzvimbo.
Vagari vekumaruwa ava vakatizve World Vision iyo yaipa chikafu kuvanhu, yakange yatova serimwe bato rinoshandira Zanu (PF) pakumanikidza vanhu kuita maslogan eZanu (pf) vasati vapiwa chikafu.
Takanyorera kune veWorld Vision kuti tinzwe kuti chinyi chiri kuitika.- ED


Madzimai eWOZA akakandwa mujere
BULAWAYO – Apo mamwe madzimai eWOZA aiburitswa mumajere svondo rakapera, vamwe vaviri vakange vachitosungwa nenyaya yekupfeka jira reWOZA muhuro.
Vatungamiri veMahlabezulu School kuBulawayo vakadaidza mapurisa kuti azosunga mudzimai akange auya kuzobhadhara mari yechikoro akapfeka rokwe rakanyorwa kuti WOZA. Izvi zvakaitika mazuva akange WOZA ichiratidzira nenyaya yemari dzechikoro dzakakwidzwa. Vakamuti akange ari mukuratidzira kweWOZA.
Akatovaratidza cheki yaakange akamirira mubhanga panguva yavanonzi vakange vari mukuratidzira uku.
Mapurisa akaendawo kumba kwamai ava akanotsvaga-tsvaga zvisiri pamutemo, ndokuwana T-shirt yeWOZA yakanyorwa kunzi, ‘Musarova madzimai’.
Mai Jenni Williams, avo vanotungamira sangano reWOZA vakati mudzimai uyu akarohwa nemapurisa achinzi ataure munhu vakamupa hembe yacho. Mudzimai iyeye akasungwawo, ndokutozoburitswa nyaya yapindirwa nemagweta.
Mai Williams vakati kuratidzira kweWOZA pachikoro ichi kuchaenderera mberi. – SW Radio Africa

Post published in: News

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *