asingabvumirane nayo.
Imwe yenyaya dzakabuda imomo ndeyekurohwa nekushushwa kwaNixon Nyikadzino weNational Constitutional Assembly (NCA), uyo akarohwa nekushushwa pamwe chete nedzimwe nhengo gumi neimwe mushure mekunge varatidzira nenyaya yebumbiro remutemo.
Vadzidzi vepazvikoro zvepamusoro ndevamwewo vakanyanya kunangwa nemapurisa nevamwewo vanoshandira hurumende, zvekuti hakumbopfuuri masvondo maviri pasati paita mudzidzi asungwa akatonofurufushwa kana kurohwa. Madzimai eWomen of Zimbabwe Arise (WOZA) ndivo vakanyorwa zvakawanda pamusana pekurohwa kwemadzimai. Pakuratidzira kwavaiita, madzimai mazhinji – vamwe aiva nevana kumusana – akavharirwa muzvitokisi kwemazuva vasina mvura kana kudya kwakanaka.
Nyika haisisina kumira zvakanaka nokuda kwekuvhiringwa kwehupfumi hwenyika, ivo vatongi vobva vadzvinyirira nekurova vanhu vose vavanenge vachifungira kuti havawirirani nehurumende yavo. – naLance Guma, SW Radio Africa.
Yunivhesiti yakwidza mari zvakapetwa kaviri
HARARE – Yunivhesiti yeZimbabwe yakakwidza mari yechikoro kubva paZ$90 million kuenda paZ$150 million temu yoga yoga kune avo vanenge vachigara payunivhesiti ipapo.
Zvinotarisirwa kuti sangano revadzidzi munyika yose reZimbabwe National Students Union (ZINASU) richatoita chimwe chinhu chekuratidza kunyunyuta kwaro.
Imwe nhengo yacho Washington Katema akati akange anzwa mashoko akaipa aya sondo rapera, uye akashoropodza hurumende kuti yaigokwidza sei mari iyi ivo vadzidzi vacho vari kutadza kubhadhara Z$90 million yekare.
Katema akati sekuwona kwake yakange iri nyaya yekuti hurumende yavaMugabe yaida kuti mayunivhesiti emunyika yose avharwe nokuda kwokuti vadzidzi vari kunyanya kurwisana nehurumende nenyaya dzekukwidzwa kwemari dzechikoro.
‘Izvi hazviiti nokuti hurumende yave kutouraya tarisiro yedu yose yekuvawo nefundo yepamusoro. Hatichina tarisiro. Hurumende yaMugabe iyi haichatokodzeri kudaidzwa nezita rekuti hurumende,” akadaro Katema. – NaTichaona Sibanda, SW Radio Africa
Shumba oshoropodza komishini yekodzero muAfrica
HARARE – Rimwe gweta rekuZimbabwe rave mupoteri kuSouth Africa, rakashoropodza African Commission on Human and People’s Rights (ACHPR) nenyaya yekuchovhera mberi mazuva ekupa mutongo wayo panyaya yaro.
VaGabriel Shumba vakaendesa hurumende kudare reKomishini iyi nenyaya yekurohwa nekufurufushwa kwavakaitwa vasati vatiza vachienda kuSouth muna2003.
Vakazosimudzira nyaya yavo ndokuiendesa kudare reKomoshini gore rakapera, vachipomera hurumende mhosva yekuvashusha zvichibva mukuzvindwa kwavakaitwa nemaCIO, zvichityora mutemo weAfrican Charter on Human Rights uyo hurumende yakambonyora pasi kuti ichauremekedza.
Kutanga kwegore rino dare iri rakati raizopa mutongo waro pagungano rawo regore negore iro rakasangana munaChivabvu (May).
VeKomishini vakatozivisa kuti nyaya yavaShumba hayaizopiwa mutongo kusvika munaZvita (December) pamusangano wayo uchaitirwa kuGambia.
Chero mumwe munyori weKomishini iyi vaOmari Holaki vakazvishoropodzawo vachiti nyaya iyi yakange yatova negore uye kuvapo kwemutongo kwaigona kuzobatsirawo Komishini kuti iwane matongero edzimwe nyaya dzakadai dziri kuitika muAfrica. – ZimOnline
Maticha anoda mishonga yeAIDS
HARARE – Sangano revarairidzi rinonzi Progressive Teachers’ Union rasheedzera kuti nhengo dzaro dzinofanirwa kuwana mishonga kubva kuNational AIDS Council (NAC) nokuti vanhu vari kunyanya kufa – kutosvika zvuru zvitatu pasvondo.
Munyori wacho, VaRaymond Majongwe vakapomera NAC mhosva yekusiya varairidzi muchirongwa chemishonga asi ivo vachibvisa mari yakawanda inoenda kuNational AIDS Council.
“Tinobvisa mari inopfuura Z$30 billion mwedzi woga woga, asi hapana maticha ari kuwana yamuro kubva kuNAC,” vakadaro VaMajongwe. Vakati NAC yaifanirwa kuburitsa chirongwa chemishonga chakanangana nevarairidzi kuti vatange kudzora chirwere ichi chatouraya varairidzi vanopfuura zana gore rino chete.
Zimbabwe ndeimwe yenyika dzine hutachiwona hwakawandisisa asi vanhu vanowana mushonga vakange vari vashomanana nokuda kwekufa kwaita hupfumi hwenyika inotungamirwa navaRobert Mugabe.
Mashoko angangofadza chete ndeekuti kumwararira kwechirwere kwakatanga kudzikira, zvichibva muchirongwa chehurumende chakatangwa makore akapfuura chekuzivisa vanhu nezvechirwere. – ZimOnline
Mapurisa akambosvika pedyo pekuramwa mabasa
Harare – Mapurisa emuZimbabwe akambosvika pedyo pekuramwa mabasa achida kuwedzerwa mari, asi nyaya yacho ikazotsikwa-tsikwa, zvokuti chero gwaro rakanga ranyorerwa paramemnde harina kutomboburitswa. Gwaro rakanyorwa neParliamentary Committee on Defence and Home Affairs muna Kubvumbi (April) raifanirwa kuverengwa pamberi pedare rose mwedzi wakapera, asi Hurumende yakaramba ichiti zvingazokonzera mhirizhonga nebvongamupopoto.
Pamutemo masoja nemapurisa haabvumirwi kuramwa mabasa. Gwaro iri raitizve kusafara mumapurisa kwakange kwasvika pakanyanya kuipisa zvokuti ZRP haichatokwanisi kunyatsoita basa rayo nemazvo, zvikuru pakazoitika mhirizhonga yezvematongerwo enyika. Kune kushaikwa kwemotokari, mweya unokachidza, simbi dzekusungisa vanhu nadzo, mafuta emotokari, nezvimwewo zvinodiwa.
Vakatiruma nzeve vakati komiti iyi ichazoshambadza rimwe gwaro rakatonhodzwa kuParamende svondo rino, asi rinenge rakabviswa nyaya dzose dzezvekuramwa mabasa kwakamboitika.
Komiti yakafambira makamba emapurisa munyika yose ikawana kusingaiti – mapurisa asina mari, uye achitotadza kudzosera mabhatani chaiwo payunifomu dzawo.
“Chose zvacho chinhu chinodiwa pabasa rechipurisa hachisi kuwanikwa, saka mapurisa aisanganisira nemashefu akange afunga zvekuramwa mabasa kutanga kwegore rino,” akadaro uyo akatiruma nzeve watisingagoni kuburitsa zita rake.
Akatizve kuramwa mabasa uku kwakangozomiswa “nevakuru chaivo” apo vakavimbisa kukwidza mari zvakasimba.
Gurukota remutemo VaPatrick Chinamasa ndivo vanonzi vakaudza vaClaudius Makova, avo vaitungamirira komiti yeParamende yacho kuti “vadire mvura”.
Akaenderera achiti, “Chinamasa akaudza Makova kuti dzimwe nyaya dzaiva mugwaro ravo dzaigona kuzokonzera mhirizhonga zvikazokanganisa kugadzikana kwenyika,”
Vose VaMakova naVaChinamasa vakaramba kutaura nesu nezvenyaya iyi vachiti tichazviwonera pachabuda nyaya yacho.
Dzimwewo nhengo dzekomiti dzakarambawo kutaura dzichiti pamutemo zvinotaurwa nekomiti dzemuparamende hazvifanirwi kungobuditswa zvisiri pamutemo.- ZimOnline


