Shona Translation 15-06-06

Caption: Archbishop Pius Ncube


style=”mso-ansi-language: EN-GB”>


Hurumende Yotengesa Zvicherwa Kuti Irambe Ichitonga



HARARE – Zimbabwe neChaina dzakanyorerana chibvumirano chinokosha US$1.3billion chekuti China isimudzire kukwenywa kwemagetsi ichishandisa marasha, iyo yozowana zvicherwa zvinogadzirisa simbi (chrome) zvichacherwa makore anotevera.


Izvi zvakaburitswa nenhepfenyuro yehurumende svondo rakapera.


Nhepfenyuro yakati chibvumirano ichi chakanyoreranwa kuChaina mutevedzeri wemutungamiri wenyika Mai Joyce Mujuru varipo, apo vakange vaenda kuChaina kunotsvaga zvikwereti nemakambani anoda kuuya kuzoita zvinhu zvawo muZimbabwe, iwo achibhadharwa nezvicherwa.


Magwenya (power stations) matatu achavakwa muZambezi Valley nekuHwange pachishandiswa michina nenyanzvi dzekuChaina – izvi zvichizobhadharwa nezvicherwa zvechrome.


Pari zvino Zimbabwe yakadzipwa nekushomekana kwemagetsi, uko kuri kukonzera kumbodzimwa kwemagetsi, zvichikanganisa mabhizimusi nekugadzirwa kwezvinhu munyika, izvo zvobva zvazoitawo kuti kubudirira kwenyika kurambe kuri pasi.


Chibvumirano nemaChaina chichafambiswa nekambani yeko inonzi China National Machinery and Equipment Import and Export Corporation, iyo ichatanga yavaka gwenya idzva richazokwenya magetsi anokwana 600 megawatts kuDande.


Zimbabwe yagara ichitenga kubva kunze chikamu chimwe kubva pazvitatu chemagetsi ayinoshandisa kubva kuSouth Africa, Mozambique, neDemocratic Republic of Congo (DRC). – NeMunyori Wedu.



Vatapi Vogadzira Dare Ravo



BULAWAYO – Vatapi venhau muZimbabwe vakati vave kuzowumba dare ravo rekuzotarisa kuti vatapi vari kuita basa ravo nemazvo uye kuchengetedza kutapa nhau kwakanaka.


Vatapi vakati dare ravo iri richagadzwa pasati papera mwedzi mishanu ndiro richazowona nezvekuchengetedzwa kwekutapa kwakanaka, kwete kuti hurumende iyite basa iri.


Kutapa nhau kwemuZimbabwe ndekumwe kwakanyanya pasi rose kuisirwa mitemo nehurumende, zvichisanganisira mitemo yakawoma seiyo inoti vatapi vanogona kuvharirwa kwemakore maviri kana vakatapa nhau vasina rezinisi, kana kwegore rimwe chete kana vakanyora zvinonyomba mutungamiri wenyika.


Chikwata chevatapi nevarwiri verusununguko mukunyora chinonzi Media Alliance of Zimbabwe (MAZ) chatova nemakore matatu chichitsvaga nzira dzekuti pave nedare iri kuitira kuti hurumende isaisa mitemo yayo ichiti mukutapa nhau hamuna kuzvidzora.


Dare iri richava nevashandi, vanenge vachitongwa nedare repamusoro rine vanhu gumi nevaviri, sachigaro wacho ari mutongi wedare reHigh Court ari pamudyandigere, rozoitawo vamiririri vanobva kuvaridzi vemapepanhau nenhepfenyuro, masvondo, masangano anomiririra vanhuwo zvavo, vatapi vacho nevapepeti venhau.


Pari zvino Media and Information Commission (MIC) yehurumende ndiyo yoga inoita basa iri, ichitungamirirwa nechidzoyi chaPresident Mugabe, Tafataona Mahoso, uyo anopomerwa mhosva yekusafarira mapepanhau akazvimirira, uye akatoita kuti mamwe acho avharwe, kusanganisira Daily News iro rakange ratova bepanhau raitengwa kudarika mamwe ese.


MIC yaMahoso yakasungisawo vatapi venhau vane chitsama vachipomerwa mhosva yekutyora mutemo wehudzvinyiriri weAccess to Information and Protection of Privacy Act, kana kuti AIPPA. – NeZimOnline



Vatungamiri Vemasvondo Vakatengwa – Ncube



NaViolet Gonda


BULAWAYO – Mumwe mukuru wesvondo yeRoma akati mutungamiri wenyika, President Robert Mugabe ari kupatsanura vatungamiri vemasvondo kuitira kunyaradza kushoropodzwa kwake nevemasvondo.


Archbishop weBulawayo, VaPius Ncube vakati vamwe vevatungamiri vemasvondo vanotoenda kumasvondo avo vachinotapa mazwi vonopa President Mugabe.


Vakati masvondo muZimbabwe akatosviba mumeso evanhu nekuda kwekupindira kwehurumende munyaya dzemasvondo.


Vachitaura pachirongwa cheHot Seat paSW Radio Africa, Archbishop Ncube vakati, “Masvondo atoregerera vanhu zvikuru nekuramba achiteedzera President Mugabe nemanyepo ake ose.”


Mutungamiri wesvondo uyu anozivikanwa nekutaura zviri pamoyo pake akati hurumende yavaMugabe yaiita zvekupa chiwokomuhomwe kuti iwane vatungamiri vemasvondo vanoitevedzera.


Havana havo kuzotaura kuti vananhingi ndivo vakapiwa chiwokomuhomwe, asi vakataura kuti vatungamiri vemasvondo vakaita saBishop weAnglican VaNolbert Kunonga naPastor Msindo vaizivikanwa kuti vakapiwa mapurazi okupambwa kubva kuvachena.


Asi vakawedzerawo vachiti chero muRoma maivawo nehuwori, uye ivo vakatombonziwo vapiwe purazi asi vakaramba.


VaNcube vakati vaMugabe vaiziva kuti masvondo ane simba, saka vakatanga zvekupatsanura vakuru vawo nokutenga vamwe vacho zvokuti masvondo haasisina kumira nevanhu sezvaanofanirwa kuita. Akatorasika gwara.


Mamwe mapepanhau akaburitsa kuti munyori mukuru weZimbabwe Council of Churches (ZCC), VaDensen Mafinyane, vakaudza President Mugabe kuti:“Tinofarira hurumende yenyu,” uyewo mutungamiri weZCC Bishop Peter Nemapare vanonzi vaitoimba mashoko okurumbidza hurumende, vachiti, “Tinoziva kuti tine hurumende yatinofanirwa kuteedzera tichipana mazano nayo.”


VaNcube vakati, “Mutungamiri weZCC mutevedzeri wavaMugabe kubvira kare-nakare. VaBishop Nemapare munhu wavaMugabe uye ndivo vari kutungamira avo vemasvondo ari kunotaura navaMugabe.”



Kuvanza Nemanyepo Ndizvo Zvinobva Munhepfenyuro Yehurumende.



HARARE – Nhepfenyuro yehurumende yakaratidza zvekare hunyanzvi hwayo mukuviga chokwadi nekuchikanga apo yakaburitsa mashoko akabva kudare reParamende aitaura pachena kuti Zimbabwe Broadcasting Holdings (ZBH), iyo yaimbozi ZBC inofanira kushandurwa uye kuti kunofanirwa kubvumirwa kuti nhepfenyuro dziwande, zvichisanganisira nedzisiri dzehurumende.


“Pachinhambo chokudavira mubvunzo wokuti sei vari kunonoka kupa marezinisi kune vanoda kutepfenyura pamasaisai emumhepo, nhepfenyuro yehurumende iyi yakangobata nyaya yekuti vashandi vayo vaifanirwa kuwedzerwa mari chete,” vakadaro veMedia Monitoring Project Zimbabwe (MMPZ).


“Uyezve havana kumbobata-bata nyaya yekuti kudzokera kumaitiro ekare eZBC kwaigona kuzoita kuti nhepfenyuro iyi iwane mari nekukwanisa kuburitsa zvirongwa zvinonakidza, uye kuti pari zvino kupindira kwehurumende mukuburitswa kwenhau kwanyanyisa, izvo zvaiva muwongororo yeParamende,” yakadaro MMPZ.


Nokudaro nhepfenyuro yehurumende inongoramba ichiburitsa kuti European Union ndiyo yakaisa zvirango zvinokanganisa hupfumi muZimbabwe asi izvo zviri pachena kuti hapana zvakadaro.


Nhepfenyuro iyi iri kurambawo zvekare ichiburitsa kuti chirongwa chehurumende chitsva chehupfumi, icho chakangowanza mazita, ndicho chaizoburitsa nyika mumatambudziko mayiri, asi ipo pasina zvayaibatsira.



MDC Ichakwikwidza Masarudzo Emameya



HARARE – Mutungamiri weMDC VaMorgan Tsvangirai vakati bato ravo riri kuenda mberi nechirongwa chekuratidzira, asi havana kutaura kuti ndirini.


Vakati chirongwa chavo chaisava chekubvisa vaMugabe nechisimba asi kuti chaiva chirongwa chevanhu kuti varatidze kusafara kwavo nekutadza kutonga kweZanu (PF).


VaTsvangirai avo vakamboti bato ravo rakange risisina ruvimbo nemasarudzo anoitwa munyika ino, vakati MDC ichapinda mumasarudzo ehumeya nokuti vakawona zvichibatsira bato ravo.


MDC iyo yakakunda musarudzo yekuBudiriro ichapindazve mumasarudzo ekuChitungwiza nekuKadoma.


Vawongorori vanoti kuChitungwiza ingangokunda asi kuKadoma makata.- ZimOnline



Post published in: News

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *