Shona Translation week 25

MDC - runyararo ndizvo

BULAWAYO – Mutungamiri weMDC VaMorgan Tsvangirai vakapedza svondo rekapera vachinzwa kubva kuvagari vemuBulawayo kuti vanofungawo sei nezve kufa kwaita nyika.

Vaifamba nemuteedzeri wavo, amai Thokozani Khupe, mute


edzeri wasachigaro weMDC VaLovemore Moyo, sachigaro wevechidiki vaThamsanqa Mahlangu nevamwe vatungamiri.


Zvakanzi nemunyori wezvekuburitswa kwemashoko muMDC vaNelson Chamisa chikwata chavaTsvangirai ichi chakasangana nemhomho dzevanhu kuPelandaba, Makokoba, Bulawayo North East, Bulawayo South, Mpopoma, Luveve nekuNkulumane vakakurukura zvakadzama nenyaya dziri kunetsa munyika nemumusangano.


Imwe nyaya yakabuda yaiva yekuti vanhu vanoda kuti vamiririri veMDC vakasarudzwa vachiri muMDC vakazobuda voenda kubato rinotungamirirwa navaArthur Mutambara vanofanirwa kusiya zvigaro, asi VaTsvangirai vakati iyi haisi nyaya hombe pari zvino nokuti MDC yakambonangana nenyaya yekusvitsa shoko kuna vaMugabe nekuZanu (PF) rekuti vanhu vaneta nekutonga kwavo uye vanoda kuti zvichigadziriswa nekukurumidza.


“Zanu (PF) navaMugabe ndivo vakonzera nhamo yose ine vanhu munyika nokutadza kutonga kwavo saka simba redu ngarinangane nekupedza hudzvinyiriri uhu,” vakadaro VaTsvangirai.


VaChamisa vakatizve vanhu vakafarira gwara riri kushambadzirwa neMDC rekuti kuitwe bumbiro remutemo idzwa, rinozoteverwa nesarudzo inowongororwa nevekunze kwenyika, kochizouya chirongwa chakasimba chekuvaka nekusimbaradza nyika.


VaTsvangirai vakasanganawo nevatungamiri vemasangano akasiyana-siyana anomiririra vanhu, zvichisanganisirawo vemasvondo, nemasangano asiri ehurumende (maNGO) vachipawo pfungwa dzavo kuti nyika toibuditsa sei mumatambudziko ayiri.


VaTsvangirai vakati vanhu vose vanoda kutonga kweruzhinji ngavabatane kuti tibvise kutonga kwehudzvinyiriri, ndokuwedzera vachiti MDC yaizoenda mberi nechirongwa chekuratidzira murunyararo kana vaMugabe vakasateerera zviri kudiwa nevanhu.


Panyaya yezita remusangano, VaTsvangirai vakati zvaiva pachena kuti kune MDC imwe chete uye vanhu vakange vaenda kwavaMutambara vakasununguka kudzoka. Vashandi vemusangano vanotova pabishi rekugadzirisa nyaya iyi, vakadaro VaTsvangirai.


“Chitima cherusununguko chicharamba chichitenderera munyika panyaya yekunzwa zvido zvevanhu munyika yose kubva kuMatabeleland, kuenda kuMidlands, nekumapurovhinzi eMashonaland masvondo anotevera,” vakadaro vaChamisa.


Mapurisa osunga madhila emari yokunze


HARARE – Mapurisa, ayo ari kushaya kuti oita sei nekutengeseranwa kwemari yekunze kuri munyika, akasunga madhila emari yekunze anopfuurana zana, mukuedza kwavo kuvhara mukana wekutengeserana madhora ekuAmerica ayo ave kuita $410 000 rimwe chete nemari yemuZimbabwe yadai kuparara.


Vazhinji vakasungirwa paRoadport muHarare apo panosvikira mabhazi akawanda anobva kunze kwenyika.


“Zuva nezuva tiri kusunga vanhu panzvimbo dzatinoziva dziri kuitirwa nyaya dzekutengeserana mari yekunze nokuti takaisa maziso edu imomo anoona zviri kuitika,” akadaro Andrew Phiri, uyo anoburitsa mashoko emapurisa.


“Pari zvino takabata vanhu vanokwana zana nemakumi matatu nevana (134).”


Mapurisa akatanga chirongwa chekusunga vanhu vanotengesa mumigwagwa, mahwindi, neavo vaotengesa zvinhu zvisiri kuwanikwa.


Chirongwa ichi chakatevera Murambatsvina iyo yakapwanyisa dzimba nezvitangwena, chikasungisawo vanhu vaiita mabasa ekutengesa. Chirongwa chitsva chakapiwa zita rekuti “Hatidzokeri Shure”


Murambatsvina yakashoropodzwa zvikuru nesangano renyika dzepasi rose, United Nations. – CAJ News


Makwavarara otora masimba


HARARE – Sekesayi Makwavarara, sachigaro asina kusarudzwa weKomishini iri kumbotonga Harare, anonzi ari kuedza kubvisa munyori (Town Clerk) weguta reHarare, Nomutsa Chideya, uye akatotora masimba ekusayina zvinhu zvekanzuru yeHarare.


Zvichinyatsozivikanwa neGurukota rezve maguta nemadhorobha, VaIgnatius Chombo, neGurukota reHarare vaDavid Karimanzira, Makwavarara akatoti akavhara misangano yeKomishini, yemakomiti neye vatungamiri vemapazi ekanzuru akabva ati zvinhu zvose zvinounzwa kwaari iye.


Makwavarara akaramba zvakabuditswa mumapepanhau zvekuti anoda kudzinga Chideya basa. Chideya ari kupomerwa mhoswa yekuti ndiye ari kupa mapepanhau nyaya dzemukanzuru muchihwande-hwande.


Makwavarara akabuda mumapepanhau mazuva akapfuura nenyaya yekuda kuzvitengesera imba yekanzuru nemari iri pasi uye nenyaya yekushandisa zvisiri pamutemo mazakwatira emari yekanzuru achizvitengera dhishi rekuwonesa terevizini yekunze, nezvimwe zvinhu zvemumba zvaisanganisirawo nechikafu. NeMunyori Wedu


VaMugabe havadiwe muEurope


LONDON – Vakuru-vakuru venyika dziri muEuropean Union nevekuAmerica vakatsinhidzira kuti havasi kuzobvisa zvirango zvekurambidza mutungamiri wenyika, vaRobert Mugabe nevamwe veZanu (PF) kupinda munyika dzavo kana kuisa mari dzavo munyika idzodzi.


Izvi zviri kuitwa nenyika idzi kuti dzimanikidze hurumende yavaMugabe kuti iremekedze mitemo yenyika ino, nekukoshesa kodzero dzevanhu nekutonga kweruzhinji.


Vatungamiri veZanu vanosvika zana nemakumi maviri vakatongerwa zvirango zvekusabvumirwa kupinda munyika idzi uye hupfumi hwavo hwaifanirwa kutorwa munyika idzi, asi hahusati hwawanikwa nokuda kokuti vakaviga mari dzacho mumazita ehama dzavo.


VaMugabe vanoramba vachiti zvirango izvi hazvisi pamutemo uye ndizvo zviri kutadzisa Zimbabwe kubudirira.


Asi vamwe vanoti kufa kwaita hupfumi hwenyika kwakakonzerwa nekutadza kutonga, hudzvinyiriri nehuwori hwakaitwa pakugoverana minda, izvo zvakakonzerawo kufa kwemabasa ekurima munyika nekuzoshayikwa kwechikafu kwakatevera.


Asi nyika dzemuEurope dzinonzi hadzisi dzese panyaya iyi sezvo France ichinzi iri kuedza kunyengetedza dzimwe dzacho kuti dzibvumire Zimbabwe kuti iwane mukana wekusvitsa nyaya dzayo kumatare epasi rose.


Makore apfuura France yakashoropodzwa payakambokoka vaMugabe kumusangano wenyika dzemuAfrica dzinowirirana neFrance wainzi Franco-African Summit. – NeMunyori Wedu.


Post published in: News

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *