News in Shona 10-08-06

AIDS inouraya zviuru zvitatu pasvondo
(3 000 a week die of AIDS)
HARARE - Kushaya hanya kwehurumende nekushaikwa kwemishonga nehutungamiri panyaya dzehutano zviri kutadzisa mabasa ekurwisa chirwere cheAIDS icho chiri kuuraya vanhu zviuru zvitatu pasvondo.
Chero zv


azvo kuwanda kwechirwere kwadzikira kubva pavanhu mumwe pavana kuenda pavanhu mumwe pavashanu kubva mugore ra 2000 kusvika muna 2005 Zimbabwe ichine hondo hobvu yekurwisa chirwere nokuti vanhu mamiriyoni nechikamu vanacho sezvo 25 000 chete vevanhu 350 000 vanofanirwa kuwana mishoga ndivo vari kuuwana.
Gwaro rakaburitswa neveHuman Rights Watch rinoti hakuna ramangwana rakanaka nokuti kutadza kwehurumende, kushaya hanya kwayo nokutambisa zvayaiwana zvekurwisa nazvo chirwere kwakaita kuti vanhu vakawanda vabatwe nechirwere uye vashaiwe mishonga.
“Zimbabwe yaiwonekwa senyika yakange yave kubudirira muhondo iyi asi kusabata vanhu zvakanaka kwehurumende kuri kutadzisa vanhu kurapwa ivo vava kusvika panguva yakawomesesa,” vakadaro VaJoe Amon vanotungamira zvirongwa zveAIDS muHuman Rights Watch.
Gore rakapera kupwanyiwa kedzimba nehurumende kwakashaisa vanhu vakawanda kurapwa, asi vazhinji vavo vanhu vatova nechirwere.
“Nhasi uno kwapera gore vanhu vadzingwa, mazana nemazana evanhu vane chirwere vachiri kungogara munzvimbo dzisingaiti vasina dzimba chaidzo uye vachigara vakawandisa. Nokudaro vazhinji vanobva vabatwa nezvirwere zvinobva imomo,” raidaro gwaro iri.
“Kudzingwa kwevanhu kwakatadzisawo zvirongwa zvekudzivirira, kusanganisira nezviuru zviviri zvenzvimbo dzaibatsira vanhu kuwana makondomu. Kuvharwa kwemisika kwakashaisawo vanhu vakawanda nzira dzekuzviriritira nadzo izvi zvakakonzerawo kuwedzera kwechirwere.” – NeMunyori Wedu.

(MDC protests as Chinamasa charges dropped)
MDC yogonun’una nekusatongwa kwaChinamasa
HARARE – MDC yashora zvikuru hurumende yehudzvinyiriri yaVaMugabe nekusatevedza mutemo, iwo mashefu achingopindira kutongwa kwenyaya, izvo zvazokonzera kuti gurukota VaPatrick Chinamasa vashairwe mhosva ivo vasina kumbotongwa.
“Kusatongwa kwavo kunonzi hakuna kuzoitika nokuti pakashaikwa mutongi (magistrate) aida kutonga mhosva yavo. Uye zvinonzi vamwe vatongi vakatyisidzirwa negurukota VaDidymus Mutasa,” vakadaro VaInnocent Gonese munyori wezvemhosva muMDC.
Izvi zvave kutoratidza kuti hakuchina kutongwa kwemhosva kusina kupindirwa.
“VeMDC tinoona kuti zvakaitika kwaRusape svondo rakapera hazviyenderani nekutonga kweruzhinji kana kwemutemo, asi kuti kutonga kwemunhu.
“Mhedzisitro yacho yaiva yekuti mhosva yavaChinamasa yakatoraswa asi mumwe wavaipomerwa naye ava kutongwa oga zvichiratidza kuti mutemo uri kuita zvekutsara.”
VeHuman Rights Forum, unova mubatanidzwa wemasangano gumi nematanhatu anowona nezvekodzero vazvishoropodzawo achiti hofisi yaPresident nemakurukota ake vanyanya kushandisa simba rawo zvichikanganisa kutongwa kwemutemo.
“Izvi zvinotoratidza kuti VaChinamasa vari pamusoro pemutemo, zvinova zvisingafanirwi kuitika munyika ine hutongi hweruzhinji. – NaEd Tobaiwa


(Mugabe blocks farm seizures)
VaMugabe vakamisa kutorwa kwemapurazi emashefu
MUTARE – Mutungamiri wenyika VaMugabe vakapindira apo mawovheti aida kupinda mumapurazi emamwe mashefu avanopomera mhosva yekusada kuti mutevedzeri wemutungamiri, Mai Joyce Mujuru, vazotonga kana vaMugabe vachinge vasiya chigaro.
Mawovheti aya akaungana muHarare akabuditsa mazita emashefu avaiti vanoda kuti vabviswe pamapurazi avo nokuti havasi kutevera Mai Mujuru.
“Avo vakange vachida kubviswa vakatozobatsirwa apo VaMugabe vakatuma gavhuna weManicaland, vaTinaye Chigudu, kuti vanovamisa,” akadaro mumwe mukuru weZanu (PF).
Mukuru uyu akati vaChigudu vakangozokwanisa kuvamisa patomboitwa musangano waiva negakava guru vachiti gavhuna ari kuchengetedza vanhu vanoda kukanganisa mamiriro ezvinhu muZanu (PF).
VaChigudu vakabvuma kuti vakasangana nemawovheti asi vakaramba kutaura kuti chii chakaitika. Vakangoti chete, “Muno muManicaland ndini ndakamirira President. Ndine simba rekuita zvinenge zvichidiwa nemutungamiri wenyika, uyo akatombobudisa kuti zvekutora mapurazi kana kukanganisa kurima hazvichabvumirwi. Saka ndizvo zvandiri kuita.”
Mumwe mutungamiri weZimbabwe National Liberation War Veterans Association kuManicaland Godfrey Chitakatira akati vakambomisa zvekutora mapurazi aya asi akaramba kutaura kuti sei vakange voda kutora mapurazi emachefu eZanu (PF).
Vamwe vemashefu aida kutorerwa mapurazi avo ndiVaMike Nyambuya, gurukota remagetsi, neaimbova mutungamiri wemawovheti, Robert Gumbo, uyewo vane mabhizimusi VaEsau Mupfumi, provincial administrator Fungai Mbetsa, naVaMike Madiro vaimbova sachigaro weZanu (PF) muManicaland. – ZimOnline


(Maize sales forbidden)
Kutengeswa kwechibage kworambidzwa
HARARE – Hurumende yakayambira kuti munhu anongobatwa achitengesa chibage chakawanda aizozviwonera pamhuno sefodya asungwa.
Izvi zviri kuitirwa kuti vanhu vanga vaine mari yakawanda kudarika iri kubvumirwa kuchinjisa vasawane kwekuendesa mari yavo.
VeGrain Marketing Board (GMB) vakaburitsa kuti varimi havasi kuzobvumirwa kutengesa chibage chinosvika Z$100 million kuvanhuwo zvavo.
GMB yakayambira kuti vanhu vakange vachitengesa mari yekunze vachaedza kuti vashandise mari yavo vachitenga chibage, asi izvi hazvisi pamutemo.
Vanhu havadi kutengesa chibage chavo kuGMB nokuti inononoka kubhhadhara. – ZimOnline


(Mozambicans vent anger at Charamba)
Mamosikeni akati naye Charamba nenyaya yemari dzavo
MUTARE – Chikwata chakange chakatsamwa chevanhu vekuMozambique chakarambiza muburitsi wemashoko emutungamiri wenyika, VaGeorge Charamba kupinda muMozambique nenyaya yekuti vaitorerwa mari yavo nemapurisa emuZimbabwe.
VekuMoza ava vanochengeta mari yakawanda yemuZimbabwe yavanenge vachishandisa mukutengeserana nevemisika, asi pakaiswa mutemo mutsva vakaudzwa kuti mari yavo ichazoshaya basa.
Pavanoedza kuipinza muZimbabwe kuti vaichinje inobva yatorwa ichinzi havana kuiwana zviri pamutemo.
Nekudaro pavakaona Charamba achida kupinda muMozambique paForbes Border Post, vakabva vamuvharira vakati havamudi munyika mavo, kunze kwekunge aida hake kukuvadzwa.
Charamba akatodzokera nekutya kurohwa. – ZimOnline


(Police arrest 20)
Makumi maviri vakasungwa kwaSeke
CHITUNGWIZA – Vanhu makumi maviri vakasungwa kuno neMuvhuro apo vanhu zvihuru zvishanu vairatidzira nenyaya yekukwidzwa kwemvura zvakapetwa kagumi neKanzuru yeChitungwiza.
Vagari vekuSt Mary’s nekuZengeza vakasangana pamahofisi ekanzuru yeChitungwiza vachiti kanzuru ngaipidigudze zvayakange yaita.
Vainyunyutawo nekusaitirwa zvakanaka nekanzuru iyi izvo zvinokonzera kuti marara nemvura yezvimbuzi zvingowonekwa zvichiyerera mumigwagwa yemuChitungwiza.
Mapaipi anotakura tsvina anongoputika achisiyiwa akadaro, izvi zvichiwedzera zvirwere muSt Mary’s umo mune vanhu vazhinji vanodya nhoko dzvezvironda uye vasina mabasa, zvokuti vazhinji vavo havakwanisi kuibhadhara.
Mapurisa akashandisa mutemo wehudzvinyiriri wePOSA kuti vanhu ava vasiyane nezvekuratidzira nokuti vaizosungwa. – Nemunyori Wedu.

Post published in: News

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *