Shona 17-08-06

Svondo rakapera vanhu vanokwana churu vakapururudza apo vakanzwa kuti ndivo vakahwina mawairesi asingaiswi mabhatiri mumakwikwi eThe Zimbabwean ekuti vanhu vava kuziva bepanhau redu here. Vari mumufananidzo ndevamwe vaviri vevanhu churu vakahwina. Vari mumufananidzo ndiT. Medzani naM. Moyo vokuHa


rare. Vanhu vasati vawana mawairesi avo vachadaidzwa munguva shoma inotevera vachiudzwa kuti mibayiro yavo vanozoitora kupi.


VaMugabe vopenga nenyaya yekuda kuvandudza Zanu
(Mugabe rages over ‘New Look’ Zanu doc)
HARARE – Gwaro rekuvandudza Zanu(PF) rakaburitswa pamusangano wePolitiburo rinosheedzera shanduko yegwara remusangano nehutungamiri hwayo kuti vanhu vadzoke uye kuti musangano usafa.
Gwaro racho rinonzi rakatsamwisa President Robert Mugabe zvikuru zvokuti vakati makurukota ose emuPolitiburo adzose gwaro iri kwavari, vasatombotaura nezvaro uye vasatomboriburitsa kuvatapi venhau.
Chinyonyanya kushamisa ndechekuti hutungamiri hwemusangano ndihwo hwakakumbira vaPatrick Chinamasa kuti vanyore gwaro rakanangana nekuvandudza musangano vagoriunza kuPolitiburo kuti ritaurwe nezvaro.
“Gwaro racho raiva nechokwadi chairwadza, richiratidza kuti vanhu havangapindutsi zvinhu ivo vachiita zvinhu zvimwe chete zvekare,” rakadaro rimwe gurukota remuPolitiburo rakaramba kuburitswa zita.
Vamwe vemuPolitiburo vakariwona vakati raitarisa kuratidzika kwemusangano weZanu (PF) kuvanhu, richiongorora kutadza kwakazoita musangano kuona mapindukiro akange oita zvinhu mumakore ekuma1990.
Rinobvunzwawo kuti Zanu (PF) haina here kukanganisa apo yakaramba kubatana neMDC muna 2003 pakamboitwa hurukuro pakati peMDC neZanu (PF).
Asi panonzi ndipo pakanyanya kutsamwisa VaMugabe ndeparakazoti Zanu (PF) inowonekwa nevanhu ichinyanya kuisa hutungamiri pamberi, zvokuti vatungamiri ndivo vanotoonekwa seZanu yacho.
Rakabvunzawo zvekare kuti nyaya yekuedza kuti pahutatu hwevatungamiri vepamusoro (Presidium) hunonzi ngahumiririre marudzi, kuti Mugabe omirira MaZezeru, Msika maNdevere, mumwewo omirira maKaranga, mumwevo vaManyika yakange yakanaka here.
Gwaro ravaChinamasa iri rinonzi rairairawo kuti Zanu (PF) isiyane nezvemarudzi, yochiratidza kuti yadzoka kuvanhu ichiita zvegutsaruzhinji.
Munyori wekuburitswa kwemashoko, vaNathan Shamuyarira vakabvuma kuti Zanu (PF) yaiva pakati pekunyora gwaro idzva regwara remusangano raizovandudza zveGutsaruzhinji zvichienderana nezvemazuva ano.


(Mugabe buys cars to keep middle ranks happy)
Mauto neMapurisa otengwa nemotokari
HARARE – Hurumende yakashandisa mari inokwana US$4 million ichitengera mapurisa enyembe dzepakati motokari 320 dzepamusorosoro uye ichashandisa imwe US$10 million pamasoja nemaCIO, vanoziva vakaudza ZimOnline.
US$4 million yaikwana kutenga16 000 matani (tonnes) ehupfu hwaizokwana kudyiwa nevanhu 266 000 vari kushupika iye zvino kwemwedzi wose. Masangano anoona nezvechikafu anoti mhuri imwe ine vana vana inoda makilogram 60 echibage pamwedzi.
Vanoziva vakati President Robert Mugabe vakati motokari ngadzitengwe, iyo hurumende ichangobva mukushandisa US$144 000 ichitenga dzimwe motokari dzemasoja nemauto sezvayakange yayambirwa neveJoint Operations Command (JOC), vanosanganisira vakuru vemauto epasi neemudenga, veCIO nevemapurisa nemajere.
JOC yakayambira kuti motokari dzaitodiwa kuti venyembe dzepakati ava vasanyanya kugunun’una, uye kuti vawedzerwe mari kuti varambe vari kudivi rehurumende sezvo vanhu vava kunyanya kupandukira hurumende nokuda kwekuoma kwezvinhu.
“Kukwidzwa kwemari kwakaitwa muna Chivabvu (May) iko kwakabatsira vashandi vehurumende vose, uye kutengwa kwemotokari uku, zvose zvakabva muyambiro yeJOC,” akadaro mumwe mukuru wemumauto akange asingadi kuti zita rake riburitswe.
Musoja uyu akatizve: “Mashefu akaudza President Mugabe kuti kana pakaitika mhirizhonga, venyembe dzepakati ndivo vaizenge vachitungamira mabasa, saka vaifanirwa kutobatwa zvakanaka.”
Vanoburitsa mashoko emapurisa nevanoburitsawo emauto vakaramba kutaura, asi Gurukota rekuchengetedzwa kwerunyararo State Security (Intelligence) Minister VaDidymus Mutasa, vakati hurumende yakange iri pakati pekugadzirisa kuwana kwevese vari mumabasa ekuchengetedza runyararo, asi vakaramba kutaura nezvemotokari.
VaMutasa vakapomerawo mhosva kubato rinopikisa nevose vanofunga saizvozvo mhosva yokusada kuti hurumende igadzirise kuwana kwevechiuto nokuti vanoda kuti vechiuto varambe vasina chavanacho kuti vagopandukirawo hurumende.
Zvinonzi motokari idzi, maPeugeot 306, dzakatogadzirwa neQuest Motor Corporation kwaMutare dzikatoendeswa kuMorris Depot muHarare.
Dzichapiwa masupuritendendi (superintendent) nemachief superintendent, ayo achazobuda nadzo sepenjeni yavo.
Pari zvino maassistant commissioner, masenior assistant commissioner nemadeputy commissioner ndivo voga vaibuda nemotokari dzavo kana vosiya basa.- ZimOnline


(SA police seize luxury cars from Zanu chefs)
Mashefu otorerwa motokari nemapurisa eJoni
JOHANNESBURG – Mapurisa ekuSouth African akatorera mashefu eZanu (PF) motokari dzepamusorosoro mushure mehutikitivha hwavakange vaita vakaona kuti mashefu ndiwo aiva nemotokari dzakabiwa kuSouth Africa.
Ongororo yakaitwa yakaburitsa zvainyadzisa kuti mashefu akange atorimowo mukubvutwa nechisimba kwemotokari uku.
Aimbova mumiririri weZanu(PF) muparamende VaPhilip Chiyangwa, vakawanikwa vaine motokari mbiri, Mercedes Benz Kompressor neBMW X5 dzakabiwa kuSouth Africa.
Asi vaChiyangwa vakaramba kuti vaiziva nezvekubiwa kwadzo vachiti vakangodzichengeteswawo nevamwe vavo vakange vari kutandaniswa nemapurisa.
Imwe motokari, Porsche Cayenne, yakawanikwa kumba kweimwe mai yemuZanu (PF) zvekare, Vivian Mwashita, avo vatakatadza kubata pafoni.
Zvinonzi motokari 30 000 dzinobiwa muSouth Africa gore negore dzichinotengeswa kunyika dzakavakidzana neSouth Africa dzinoti Zimbabwe, Mozambique neZambia.
Mwedzi wakapera gurukota ravo rekuchengetedzwa kwerunyararo VaCharles Nqakula, vakapomera vanhu vari kutiza nhamo muZimbabwe, mhosva yokuunza humbavha munyika yavo, asi mumiririri weZimbabwe muSouth Africa, VaSimon Khaya Moyo, vakazviramba vachiti zvinounza rusarurarudzi pavanhu vekuZimbabwe muSouth Africa. – ZimOnline


(Heroes dying of AIDS – Mugabe)
Magamba ofa neAIDS
NaGift Phiri
HARARE – Mutungamiri wenyika President Robert Mugabe vayambira vanhu kuti vasatambe nechirwere cheAIDS icho chauraya hama dzavowo dzakatowanda.
Vakaudza vanhu pakucherechedza zuva remagamba Heroes Day kuti vanhu vaifanirwa kunge vave kunakirwa nemuchero werusununguko vakange vopera nechirwere cheHIV/Aids nokuda kwomuchero wepakati.
Vakayambirawo makurukota avo kuti asazvipinza munyatwa iyi.
“Hachitari munhu, hachina ishe, kana madzishe anorigwa nacho. Hazvinei kuti wakasarudzwa naVaMugabe kuti uve minister, chakugara unoenda six feet down,” vakadaro VaMugabe.
Vakati mumhuri mavo chaivamowo asi havana kuzodoma kuti ani chaiye aiva nacho asi vakangoti,”Ndarasikirwawo nevakawanda.”
Vachiratidza kuneta kana kukura, VaMugabe avo vava nemakore 82 ekuberekwa vakati, HIV/Aids ndiyo yaiva muyedzo mukuru muZimbabwe uye yaifanirwa kukundwa.
Asi vanopikisa vanoti chirwere chakarerwa nekusataurwa nezvacho uye hachina kuzopiwa nguva nokuti nyika yakange yatowandirwa nezvimwe zvinetso, kusanganisira kufa kwehupfumi hwenyika.
VaMugabe vakati kwaidiwa mazano matsva ekurwisa chirwere sezvo munhu mumwe pavana vabve zera anacho.
Vehutano vanoti rufu runowanzopomerwa kuTB,kana cancer kana kungonzi munhu afa nechirwere chaanga agara nacho asi izvo zvichizivikanwa kuti iAIDS.
Vanhu vazhinji vari kungofa chinyararire nekusada kubuda pachena kuti vane chirwere, asi vamwewo vanoti chero ukabuda pachena rubatsiro rwacho harwuko.

Post published in: News

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *