Shona 3-08-06

Budget an act of corruption - MDC
Budget raVaMurerwa raiva rehuwori - MDC
HARARE - VeMDC vanoti gwaro rekukumbira imwe mari kudare reParamende rakabuditswa negurukota rezvemari nehupfumi VaHebert Murerwa raiva rehuwori. Mari yavaida, $327,2 trillion, yakatopfuura mari


yavakambokumbira pokutanga pegore pavanotaura mari yose yavanofungidzira kuti vachada kushandisa muzvirongwa zvose zvehurumende.
Vakati vanoda $250 billion yebudiriro yevechidiki. “Apa vari kuvanza kuti vapiwe mari yekuendesa kumaGreen Bomber kuti inoshandiswa neZanu (PF) kurova vanhu,” vakadaro vaNelson Chamisa veMDC.
“Hurumende iyi haina payakamboonekwa ichiita zvirongwa zvakanangana nevechidiki, asi yave kuenda kuPararamende kunoti hurumende ibvise mari kuzvirongwa zvehurumende ichiita huwori hwekuendesa mari kumaGreen Bomber anoita basa reZanu(PF).
VaChamisa vakatiwo, “Chihurumende chiri kuona kuti hachichadiwi nevechidiki, ivo variwo vavhoti vakawanda munyika. Chave kutya saka chave kuda kuba mari yenyika kuti ivadzidzise nekuvatengera zvokushandisa kuitira masarudzo emakanzuru emumaruwa nemumadhorobha ave pedyo uye sarudzo huru yemutungamiri wenyika.”
Vebato rinopikisa vanoti hurumende iri kukoniwa kana kutaura pachena kuti ichadzikisa sei mitengo kana kugadzirisa zvematongerwo enyika kuti maindasitiri agotanga kushanda zvekare.
VaMurerwa vakashambadzazve kuti vose vanotambira mari iri pasi pe$20 million pamwedzi havachabhadhari mari yemutero wemari uyo waimbotangira pa$7 million pamwedzi.
Vakaenderera vachiti, “Izvi zvinoshamisa nokuti hurumende pachayo yakataura kuti mari yave kudiwa kurititira mhuri diki yave $68 million pamwedzi.”
Vashandi vanotambra $54 million pamwedzi vave kuzobvisa zvikamu 35 pazana yemutero wemari, kana kuti 19 million, asi iyo mari yavari kutambira iri pasi pe$68 million inodiwa kuti mhuri irarame.
VaChamisa vakatizve, “Zvaburitswa nehurumende zvinoratidza kuti hurumende yatotadza. Zviri pachena kuti hapana chingatarisirwa nevanhu kubva kuhurumende yeZanu (PF). Chave kudiwa ihurumende itsva inovimbwa nayo nevanhu uye isingaiti chitengetenge nemari yaisina.” – NeMunyori Wedu


Armoured tanks roam the streets
Motokari dzechiwuto dzazara muHarare
HARARE – Mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe svondo rakapera vakaratidza kuti nguva yavo yokutonga yapfuura apo vakatambisa nguva yavaitaura kuParamende vachingotukirira vebato rinopikisa kunze kwekutaura kuti hurumende yavo ichaita sei nematambudziko ose akatarisana nenyika.
“Pavaiwawata muPararamende motokari dzechiwuto dzakange dzichikanganisa motokari kufamba mumigwagwa yemuHarare. Mapurisa akange ari pakona imwe neimwe, iwo masoja akabata zvombo akazara muAfrica Unity Square,” vakadaro vaNelson Chamisa veMDC.
Vakashoropodza zvikuru kutambisa mari kwehurumende ichitenga zvimidhudhudhu zvitsva zvepamusorosoro kuitira kuvaperekedza kana vachifamba nemotokari yavo. “Kuda kwavo zvepamusoro, uko kunoitwa nevatongi vehumbimbindoga, kwanyanya zvokuti zvinoshamisa kuti vanganotenga zvimidhudhudhu 15 zvepamusorosoro iyo Zimbabwe isina chikafu.”
Vakati VaMugabe vakakoniwa kupa mhinduro yekunyadzisa kwave kuita nyika, pakukwira kwezvinhu, kushaikwa kwemabasa, nekwemagetsi, uye kufa kwaita zvipatara, nekushaikwa kwezvinodiwa zvose nemari yacho yekunze inodiwa kutenga zvhinhu zvacho.
Mukutarisira zvemberi vaChamisa vakati zvaiva kuvanhu kuti vongotarisa here Zanu (PF) ichiuraya nyika kana kuti vatore ramangwana ravo mumawoko avo voponesa Zimbabwe. “Mugabe anofanirwa kuchienda nokuti iye ndiye ava dambudziko renyika.”

Mugabe’s office blows Z$4 trillion in 6 months
Hofisi yaVaMugabe yakaparadza $4 trillion pamwedzi mitanhatu
NaGift Phiri
HARARE – Hofisi yaPresident, kusanganisira neCentral Intelligence Organisation (CIO) inotyiwa, yakaparadza Z$4 trillion yemari yenyika pamwedzi mitanhatu yokutanga yegore rino.
CIO yave kutotarisira imwe mari inoita $7 trillion iyo inouya nekwaPresident ichinzi “special services allocation” uye haina anobvunza kuti yakashandiswa sei; vekuComptroller/Auditor General kana Paramende havaibvunzi.
Kana vawedzerwa mari iyi, mari yose yeHofisi yaVaMugabe gore rino inobva yasvika $11 trillion asi iyo yaitarisirwa kushandisa $4,6 trillion chete.
Kushandiswa kwemari yakawanda neCIO kwauya pamwe chete nemazwi ekuti hurumende iri kutenga michina yekuzoteerera pachihwande kunhare dzinenge dzichiridziranwa nevanhu kana kuverenga mae-mail anenge achinyoreranwa nevanhu.
Mutemo wokuvabvumira kuita izvi wakatoendeswa kuParamende uchinzi Interception of Communication Bill uye uchapaCIO simba rekudongorera vanhu vanenge vachitaura zvavo nyaya dzavo.
Vasingazvidi izvi vanoti chiripo chete ndechekuti hurumende inoda kutyisidzira vanhu nekuvadzivisa kuongorora kana kutaura nezvekutadza kwayo, zvichiitirwa kuti VaMugabe varambe vachingotonga nyangwe zvazvo vanhu vasisavade.
Paramende haina kumboudzwa nezvemichina yacho iri kutengwa, nyanyenyanye kubva kuChina.
Kana mari yeHofisi yaVaMugabe ikabatanidzwa neyemauto ($25 trillion) inobva yapfuura mari yose inoshandiswa pahutano munyika yose, asi ipo pasina hondo kana chingamboratidza kuti kunngangoita hondo.
Hutano munyika hwadzikira nekusawana mari yakakwana.

Govt increases taxes by 500%
Hurumende yokwidza mitero zvakapetwa kagumi
HARARE – Hurumende isisina mare yakwidza mitero zvakapetwa kagumi. Mitero yacho yakaiswa pazvinhu zvinotengwa kubva kunze, papeturo, pamotokari, kufambisa mari mumabhanga, nekufambisa zvinhu neposvo, izvi zvichiitirwa kuda kumisa kudonha kwehurumende nekushaya mari.
Gurukota rezvemari VaHebert Murerwa vakazivisa kuti kukwidzwa kwemitero uku kwaiva nzira yehurumende yekutsvaga mari yekuwedzera sezvo mari yakange yaiswa parutivi kuti hurumende ishandise yakapera.
VaMurerwa vanoda mari itsva inosvika $372,2 trillion kuti hurumende ifambise mabasa ayo nekutenga chikafu kubva iye zvino kusvika pakupera kwegore.Vanhu 3 300 000 vachada chikafu chemukomondera.
VaMurerwa vakakwidzawo Carbon Tax kubva pa$1 000 palitre rimwe repeturo kuenda pa$5 000 ndokukwidzazve faindi pamakombi nemabhazi anenge asingaratidzi mutero.
Debt Redemption Levy yeNational Oil Company of Zimbabwe (NOCZIM) inoiswa padhiziri nepeturo yakawedzerwawo zvinotyisa kubva pa £110 kuenda pa$25 000 palitre rimwe.
Kambani yehurumende iyi inotenga mafuta kubva kunze yakaurayiwa nehuwori ikasara iine zvikwereti zvakawedzerwawo nekusatengesa peturo nedhiziri nemutengo wazvo chaiwo.
Vanhu vanotambira mari iri pasi pe$20 million pamwedzi havachabhadhari mutero wekutambira. VaMurerwa vakabvuma kuti kukwira kwemitengo uko kuri pa1184% pari zvino kuri kudzikisa kukosha kwemari yevanhu zvakanyanya nekudzikisira hupenyu hwevanhu. Munyori mukuru weZimbabwe Congress of Trade Unions, vaWellington Chibebe, vakati kukwidzwa kwepanotangirwa kubhadhara mutero hakuna kutombosvika pavakataurira hurumende pekuti munhu anotambira mari iri pasi pemari inonzi nehurumende ndiyo inokwanisa kuchengeta mhuri ($68 million pari zvino) haafanirwi kubhadhara mutero wokutambira.
Hurumende yakati vanhu vanotanga kubhadhara mutero uyo pa $20 million. Vebato rinopikisa reMDC vakati kukwidzwa kwemitero uku kuchangounza kutambudzika muvanhu chete. “Hurumende yatotiratidza kuti haisisina mari zvekuti yave kutoti chero zvazvaita,” akadaro mumwe mukuru weMDC, VaTapiwa Mashakada – NeMunyori Wedu


MY STORY COMPETITION
Makwikwi ekunyora nyaya
Hwina mari yechikoro yegore rose!
VeZimbabwean tinodada kukuzivisai nezve Makwikwi eWOZA enyaya dzinonyorwa nevana vekuPrimary
(Makwikwi aya akapihwa zita iri kuremekedza madzimai eWOZA asina matyira akambopenga nenyaya yekuramba kukwidzwa kwemari dzechikoro)
Makwikwi aya anopindwa nevana vari kuenda muGiredhi 5, 6 ne7 gore rinouya (2007). 100 vane mhanza vachahwina mubayiro uyu wekubhadharirwa mari yechikoro kwegore rose – chinofanirwa kunge chiri chikoro chemumaruwa, mumadhorobha, chekanzuru, chehurumende kana chemasvondo – kunze kwezvakazvimirira (independent schools). Mari iyi inobhadharwa kuchikoro chacho.


Mapindiro:
1. Nyora nyaya nezvechimwe chinhu chikuru chakaitika muhupenyu hwako.
2. Nyaya iyi inofanirwa kunge iri yechokwadi yakaitika kwauri
3. Nyora nyaya yako uchishandisa manyorero emunhu wekutanga (first person e.g. Ini ndakazodai… ndikazodai)
4. Wonyora zvakaitika uye kuti iwe zvakakuita sei.
5. Unogona kushandisa mazita asiri iwo nenzvimbo dzisiri idzo kana uchida.
6. Nyaya iyi inofanirwa kuzadza mapeji maviri yakanyorwa zvakatsetseka.
7. Inofanirwa kuratidza kuwona kwako.
8. VeZimbabwean ndivo chete vachaziva zita rako.
9. Nyaya idzi dzichaburitwa nezita raunenge watipa kuti tiburitse naro.
10. Nyaya yako ngaisvike kuno October 31, 2006 asati asvika.


Mitemo yemakwikwi:
1. Isu tisu tichawona kuti nyaya yahwina ndeipi.
2. Nyaya ngainyorwe zvakatsetseka uye isapfuura mapeji maviri papepa rine mitsara (lined paper).
3. Nyaya ngainyorwe nechiShona kanaciNdebele kanaChirungu.
4. Nyaya yako ngaitumirwe ku: The Zimbabwean My Story Competition, P O Box 6560, Harare, yosvika October 31, 2006 asati asvika..
5. Vahwina vachaziviswa svondo rokutanga raDecember 2006.
6. Munhu mumwe anotumira nyaya imwe chete.
7. Unyore zita nekero yako, nezita nekero yechikoro chako zvakanaka papeji yokutanga.
8. Zita nekero yako hazvibuditswi.
9. Unotipa zita raunoda kuti ribuditswe (pen name) wakarinyora pamwe chete nezita rako chairo.
10. Kana wahwina mari ichabhadharwa kuchikoro chako, tamboona kuti unoenda kuchikoro ikoko here.
11. Tinozokwanisa kubuditsa nyaya idzi semadiro edu. 10 dzichahwina dzichabuditswa muZimbabwean.

Post published in: News

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *