Shona 31-08-2006

Jubilant members of WOZA rejoice outside the Harare Magistrate's court on Monday where they won their case.
Madzimai eWOZA achipururudza panze peHarare Magistrates Court neMuvhuro nyaya yavo yakandwa kwakadaro nevatongi

Caption: (WOZA women in action yet again.)
Madzimai eWOZA mundi


ma zvekare
(Don’t hoard cash warns Gono)
Musachengete Mari – Gono
HARARE – Ghavhuna weReserve Bank yeZimbabwe (RBZ) VaGideon Gono vayambira vanhu kuti vasachengete mari yemabheera yakawanda kumba nokuti mari chaiyo ichauya chinguva chidiki chinotevera zvokuti havazowani nguva yekuichinjisa.
Pakupera kwesvondo rapfuura VaGono vakati danho rekupedzisira rekugadzirisa mari yemunyika richatora zuva rimwe chete chete.
“Patichaita apa zvichatora nguva shoma uye mari inenge ichibvumirwa vanhu kuti vaise mumabhanga ishoma, saka musazoti hatina kumbokuudzai,” vakadaro VaGono, ndokuwedzera vachiti kana vanhu vakachengeta mabheera akawanda vachazobatwa pakuchinja kuchaitwa mari vasingafungire.
“Vanababa naanamai musachengete mari pasi pemibhedha kana kuita mabhanga enyu mudzimba nokuti nguva yekugeda-geda kwemeno ichasvika.”
VaGono vakambopomera vanhu mhosva yekuchengeta mari vachichinjisa nemari yekunze zvisiri pamutemo- ZimOnline

(Mujuru’s daughter grabs farm?)
Mwana waAmai Mujuru atorawo rake purazi
HARARE – Kumbirai Madzima, mwanasikana wemutevedzeri wemutungamiri wenyika Amai Mujuru nemurume wake Tapiwa vakapamba purazi ravaDarry Zietmann rinonzi Ashcott munzvimbo inorimwa zvinokosha yekumaodzanyemba kwakaita kumabvazuva kweHarare.
Tapiwa Madzima akaramba kuti vave kutogara papurazi iri asi kuti vakakumbirawo purazi, uye vakangomirirawo kupiwa zvakanogoitwawo vamwe.
Mai Mujuru ndemumwe wevanozivikanirwa kuwirirana nenyaya dzekupamba ivhu kubva kuvachena, zvokuti ivo vanotovawo neravo purazi rainzi Alamein kuchamhembe kweHarare.
Izvi zvichienderera mberi mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe vakayambira masapurazi echitema matsva kuti ngavashandise mapurazi acho kurima chikafu nokuti ivo vanogonawo kutorerwawo.
Vaimbova mukuru weGrain Marketing Board, avo vave munyori wezvekurima mubato rinopikisa reMovement for Democratic Change (MDC), iyo inotungamirirwa nava Mutambara, VaRenson Gasela, vakati vanoshupika nenyaya yekuti vazhinji vevari kuwana minda “havana kana ruzivo rudiki zvarwo nezvekurima” – Staff reporter


(Corruption blitz a farce – MDC)
Tobatwa meso nekusungwa kwevadiki
NaGift Phiri
HARARE – Vebato rinopikisa reMovement for Democratic Change (MDC) vakaseka kusungwa kwemukuru weGrain Marketing Board, VaSamuel Muvuti nenyaya yehuwori vachiti kusunga kwacho kuri kungonangana nevawori vadiki kuchisiya shasha dzacho dzehuwori.
Mukuru weGrain Marketing Board (GMB), akasungwa Chishanu chakapfuura nemutemo wehuwori nekushandisa vashandi veGMB papurazi rake achivabhadhara nemari yeGMB.
MDC yakati kusungwa kwaMuvuti kwakaratidza pachena kuti muZanu (PF) ndimo mumukoko wehuwori.
“Kusungwa kwake kwaingova kuda kuratidza kuti vari kuita chimwe chinhu sezvo vave mukona asi zviri zvinhu zviri kuitika muvakuru chaivo veZanu (PF) nehurumende,” vakadaro VaNelson Chamisa, vanomirira MDC.
“Hakusi kuti vanoda chaizvo kupedza huwori nehumbavha izvo zvamwararira muZanu (PF) zvokuti Muvuti naCharles Nherera, mumwewo mukuru weZupco (kambani yehurumende yemabhazi) akabva kusungwa, vangori twumatemba mudziva rakazara ngwena nengwe.”
Nherera akasungirwa yekuda kupiwa imwe mari inokwana US$85 000 apo Zupco yakatenga mabhazi kubva kune imwe kambani yaidawo kutengesa mabhazi ayo.
Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vakabva kutaura mwedzi wapera kuti vose vanenge vabatwa nenyaya dzehuwori havaizoregererwa.
Asi VaChamisa vakati kusvikira makurukota ehuwori ari pamusoro muZanu (PF) nemuhurumende asungwawo hondo yehuwori inenge isati yatanga. “Kurwisa huwori kweZanu (PF) kwakangonangana netwuhove twudiki kuchisiya makarwe achiita zvaanoda zvawo, vachibira hurumende”.
Mashefu anozivikanwa akabatwa achiba zvekurimisa pamapurazi , vamwe ndokubatwa pakabiwa mari yeWar Victims Compensation fund, vamwe muPay-For-Your-House Scheme asi hapana zvavakaitwa; vachiri kungotonga varimo muhurumende”.



(Human rights lawyers slam Mahoso)
Magweta ekodzero oshora Mahoso
HARARE – Tafataona Mahoso, uyo akaponda mabasa ekutapa nhau munyika akashorwa nemagweta nenyaya yake Svondo rakapera yekuti magweta eLaw Society of Zimbabwe ari kuedza kudzosa kutonga kwemabhunu.
Achinyora muSunday Mail, semanyorero ake emazuva ose ekutsvagiridza nyaya, Mahoso, anovawo sachigaro webato reMedia and Information Commission, akati LSZ yave chikwata chezvidzoyi zvenyika dzekumavirira zvinoda kudzora kutonga kwevashoma vekunze.
Akati umboo hwake hwaiva pakuti LSZ yakange yashora sarudzo ya2005 iyo yakabirirwa neZanu (PF).
Mahoso, uyo akavharisa mapepanhau mana pamakore mana, akayambira LSZ inosanganisa magweta emunyika, kuti ingangovharwa nehurumende kana ikaramba ichipikisa.
Sangano remagweta pasi rose International Bar Association (IBA) rakatobuditsawo mashoko okuti raishushikana nemashoko aya. Mumwe sachigaro waro VaJustice Richard Goldstone, vaimbova mutongi mutongi weSouth African Constitutional Court akati: “Law Society of Zimbabwe yaiva sangano rakagadzwa zviri pamutemo, vatungamiri varo vakasarudzwa zviri pachena, uye rakange risina kwarakarerekera, richiita basa guru pachinhano chasvika nyika yeZimbabwe.
Vakati LSZ yaifanirwa kuramba yakadaro ichitevedza mutemo nebumbiro rawo pasina zvekutyisidzirwa nemunhu akatopihwa basa nehurumende.
VaArnold Tsunga avo vakatombopiwa mubayiro wepasi rose wekurwira kodzero dzevanhu, vanovawo mukuru weLSZ vakapopotawo vachiti zvakavakatyamadza kunzwa munhu ane chinzvimbo chikuru kudaro muhurumende achisvibisa zita reLSZ iyo yakagadzwa nemutemo kuti itarise kuita kwemagweta munyika.
“Magweta akamira pakati pehurumende nevanhu achibatsira kuti kodzero dzevanhu dzisatyorwe. Saka hazvishamisi kuti hurumende yave kugadzirira kuda kuti ikanganise kuzvitonga kwemagweta muZimbabwe.
Mushure mekuvhara mapepanhau, nenhepfenyuro, Mahoso akarambawo kuti vatapi vazviisire mitemo yavo asi kuti vaisirwe mitemo nehurumende.– Nemunyori Wedu


(SA groups raise money to feed Zimbabweans)
(VeJoza vogadzirira kubatsira vemuZimbabwe)
HARARE – Mubatanidzwa wemasangano evanhu emuSouth Africa wakati wave kutanga basa rekutsvaga mari yekubatsira vanhu muZimbabwe umo muri kutarisirwa kuti muchaita trsekwende yakaoma.
Mubatanidzwa uyu unosanganisa veCongress of South African Trade Unions (Cosatu), veSouth African Non-Governmental Organisations (NGO) Coalition, veCentre for the Study of Violence, veReconciliation, Lawyers for Human Rights, veNetwork of Independent Monitors neveAmnesty International.
Gwaro ravo raiti,”Tinoona kuti kutonga kweruzhinji kwave parumananzombe muZimbabwe, kodzero dzevanhu dzichityorwa.”
Nokudaro mubatanidzwa uyu wakati uchada kuti hurumende yavo yeSouth Africa itore matanho ekuchengetedza kutonga kweruzhinji nekuchengetedzwa kwemutemo, uye kusanganisa zvavanogona zvose kuti vanhu vemuZimbabwe vabatsirikane.
Vanhu vanopfuura 3,3 million muZimbabwe vanonzi vachada rubatsiro rwechikafu nokuda kwekutadzikana kwakaita goho regore rino, zvikchibva mukushaikwa kwemvura yemudenga uye kupambwa kwemapurazi airima chikafu achipiwa kuvatevedzeri veZanu (PF), izvo zvakonzerawo vapoteri vakawanda mukati meZimbabwe vachitiza kurohwa nevanhu veZanu (PF). – Nemunyori Wedu

( while Mugabe splashes out on more weapons of war)
..VaMugabe vachitenga zvavo zvombo
HARARE – Bhanga renyika rakapa mauto US$4 669 065,72 yekutenga ndege nhanhatu dzehondo kubva kumaChaina.
Munyori webato rekuchengetedzwa kwenyika (Ministry of Defense) VaTrust Maphosa vakabuditsa nhau dzinoshamisa idzi apo vaibvunzwa nevamiririri muParamende panyaya dzekuchengetedzwa kwenyika nekuzvitonga.
“Tinotenda RBZ gavhuna nekutipa US$4 669 065, 72 yezvirongwa zvedu. Tichawana ndege dzinosvika nhanhatu kubva kuChaina gore rino,” vakadaro vasina kana kumboratidza hanya nenzara iri munyika.
havana kutaura kuti mari yose ichaenda kumaChaina imarii.
Asi vakataura havo nezvedzimba dzavaida kuvakira mauto muHarare, Gweru nedzimwe nzvimbo.
Sezvo Zimbabwe yakange isisakwanisi kutenga zvombo kunyika dzekumavirira, yakange isisina zvekugadzirisa ndege, saka yave kutenga kubva kumaChaina. – Munyori Wedu

Post published in: News

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *