Shona 28-09-2006

Vatungamiri vevashandi vemuUK vachiratidzira paembassy yeZimbabwe muLondon.
(Mugabe endorses state terrorism - MDC)
VaMugabe vorumbidza humhondi
HARARE - Bato rinopikisa reMDC rashoropodza zvikuru zvakataurwa nemutungamiri wenyika VaRobert Mugabe vachirumbidza kuzvindwa kwakaitwa vatunga


miri vevashandi muHarare.
“Zvavakataura zvinoratidza kuti Zimbabwe yave nyika isina matongerwo akanaka uye inobvumidza hudzvinyiriri chero zvayo yakambosayina kuti ichachengetedza kodzero dzevanhu,” vakadaro vaNelson Chamisa mugwaro.
“Uye zvichatadzisa Zimbabwe kutambirwa nedzimwe nyika zviri kuedzwa kuitwa nehurumende, nokuti hapana hurumende kana rimwe sangano ringade kushanda nehurumende yakadai – inoita hondo nevanhu vayo.”
VaMugabe vanonzi vakati vatungamiri vevashandi vakarohwa vaida kushamisira, asi VaChamisa vakati VaMugabe nevamwe vavo vava kutodhunya zvokuti vanogona kutozvikuvadza voga, asi vachikuvadzawo chamhembe chose cheAfrica nekushaya runyararo.
VaChamisa vakaramba zvekare kuti vatungamiri vevashandi vakarohwa ava vakange vatyora mutemo. “Chero tikatarisa mutemo une hudzvinyiriri wePOSA tinoona uchibvumira vanhu kuratidzira chero vazivisa mapurisa, kwete kuti mapurisa anofanirwa kupa mvumo,” vakadaro VaChamisa.
Pakapinda vatungamiri vevashandi mudare redzimhosva vachisiririsa nembonje mutongi akabva ati mukuru wemapurisa,vaAugustine Chihuri vaite ongororo yezvakaitika vagounza gwaro kudare musi warichazogarazve.
VaChamisa vakati kutaura kwaVaMugabe kunoratidza kusaremekedza dare redzimhosva nokuti vari kuti ivo semutungamiri wenyika vanogona kuropafadza hmhondi.



(2,000 infected every month – governor)
2 000 vanobatwa nechakapedza mbudzi mwedzi wega wega
HARARE – Gavhuna weHarare, vaDavid Karimanzira vazobvuma kuti mishonga yemukondombera iri kushaikwa zvikuru zvokuti vanhu vakawanda vane chirwere vangatofa.
VaKarimanzira vaitaura pavakagadzwa semubatsiri anoremekedzwa weProvincial Aids Action Committee, vakati kufa kwose kwaiita mabasa ezvehutano munyika zvaikonzerwa nezvirango zvehupfumi zvakaiswa nenyika dzekumavirira.
“Vanhu 42,000 chete ndivo vari pamishonga iyi asi vaifanirwa kunge vachiwana mushonga vanosvika 171,000,” vakadaro VaKarimanzira, ndokuwedzera vachiti hurumende yaiva mubishi rekutsvaga mari inokwana US$250,000 mwedzi woga woga yokutenga mishonga.
Zimbabwe ndeimwe yenyika dzine chirwere chakawandisa, asi chave kuenda chichidzikira. Vanhu vachiri kungofa vanosvika 3 000 pamwedzi., vamwewo 2000 vachichibata pamwedzi.
VaKarimanzira vakati hurumende yakaedza kubatsira nokuita kuti mishonga iwanikwe nemari iri pasi, asi kugadzirwa kwemishonga muZimbabwe kwatadziswa nekushayikwa kwemari yekunze.
Nherera dzave kusvika 80,000 uye vamwe 6,000 vanhu vanotozivikanwa kuti vane chirwere muHarare chete.
Vekune dzimwe nyika vaneta, zvokuti mari yakapiwa Zimbabwe US $10.3 million ichangobva kusvika, asi ishoma zvikuru pamari iri kupiwa dzimwewo nyika.
Vanoedza kubatsira vanoti zvirongwa zvavo zvakakanganiswa neOperation Murambatsvina gore rakapera. – Nemunyori Wedu



(Defiant protestors march again)
Varatidziri vasingatyi vakabuda zvekare
NaGift Phiri
HARARE – Mapurisa akadzivirira kuratidzira kwaida kuitwa nevanhu vachisheedzera bumbiro idzva remutemo, vakasunga vanhu vaipfuura 150 mumaguta akasiyana.
Vamwe varatidziri vakabatwa pakati peHarare vasati vasangana nechikwata chikuru chekuratidzira chichishoropodza kuurohwa kwakaitwa vatungamiriri vevashandi.
Asi sachigaro wavo, VaLovemore Madhuku, vakati havasi kuzodzokera shure sezvo kuratidzira uku kwakange kwatobvumiranwa pakati pemasangano ari muBroad Alliance.
“Zvanhasi zvapera asi mangwana tirimo futi,” vakadaro vaMadhuku.
Dzimwe nhengo dzeNational Constitutional Assembly (NCA) dzakatosungwa dzichinzi dzakaita musangano usiri pamutemo dzakanzi dzibude mujere nemari inoita $500 dzozouya kuzotongwa.
Vari kutongwa nekutyora mutemo wehudzvinyiriri wePOSA, vachimiririrwa naVaAlec Muchadehama.
NCA inosanganisira mapato evadzidzi, vemasvondo, mapato ezvematongerwo enyika nevanorwira kodzero dzevanhu, vose vachibvumirana kuti kunodiwa bumbiro idzva remutemo nokuti riripo ranzwa nekushandurwa kuti rinakire Zanu (PF).
Kusavapo kwebumbiro kwaro kunotadzisawo masarudzo kuti aitwe nemazvo, kusanganisira neemugore ra2008 ayo ari kunzi ave kuda kuzoitwa muna 2010.
“Izvi zvinongoratidza zvega kuti nyika ino haina kumira zvakanaka, ine hudzvinyiriri, uye hakuna chinoitika chisingadiwi neZanu (PF). Asi neNCA ticharamba takaisa moto kuti pave nekushanduka. Uku kutanga chete,” vakadaro VaMadhuku.

(Rich-poor gap widens)
Vapfumi vowedzera hupfumi varombo vachiwedzerawo hurombo
HARARE – Kusiyana kwehupfumi muZimbabwe kwanyanya. Zvinhu zvaitengwa ne$100 mugore ra1995 zvave kuda $10 200.
Chero $8 yaitenga 1US$ muna 1995 iye zvino pave kudiwa $250 kutenga US$ rimwe chete.
Kana tikazoenda kunotenga US$ racho pamisika yevanhu rinenge rave kutoita $850.
President Robert Mugabe, avo vave nemakore 82 ekuzvarwa, uye vatonga kwemakore 26 vakaenda kuGuinea kunokumbira mafuta mushure mekutadza kubhadhara kwakakonzera kumbomiswa kwemafuta kuuya muZimbabwe.
Kuratidzira nezvekutadza kwehurumende kwakadzivirirwa pachishandiswa masimba akanyanyisa nemapurisa.
Asi izvi hazvina kutadzisa imwe mbozha yemuHarare kuita mutambo wayo webhavhadhe uyo wakaitirwa muchikepe munaZambezi. Kunyorwa chete kwemenyu yaidyiwapo kwakadhura zvinokwana mari yose inoitwa pagore nemushandi.
Musi wacho kuKariba ndiko kwaiitirwa musangano wehurumende wokuda kuvaka bato rinozoona nezvekodzero, asi mapato evanhu akaramba kuenda kumusangano wacho. – Nemunyori Wedu



(Zimbabwe runs dry)
Mafuta apera zvekare
HARARE – Svondo rakapera kwakange kusina mafuta emotokari zvekare.
Magaraji mazhinji akange asina uye mapurisa akatosheedzwa kuzomisa kurwisana pakati pevatyairi pamagaraji akange achinawo.
MuHarare makange musina motokari, nokuti mafuta kwakange kusina uye kwaaiwanikwa aiita $1,200 palita rimwe.
“Ndakarara pamutsetse ndakamirira ndikaona zvimbokoma pakati pevanhu uye mumwe murume ndiye akatozoburitsa pfuti akati aizopfura munhu wose anenge aedza kupindira,” vakadaro vamwe baba.
Mutungamiri wenyika vaRobert Mugabe vakati nyaya iyi yaivashushawo, saka vakaenda vakamboedza kutaura nevekuGuinea neSouth Africa kuti Zimbabwe ibatsirwe.
Vakati vashandi vehurumende ndivo vakakanganisa apo vakatadza kushandisa chibvumirano chavakange vaita neGuinea chaizoita kuti Zimbabwe itengese soya-beans uye kupinda muzvirongwa zvekushanyirana neGuinea.
Asi vamwe vaongorori vanoti huori ndihwo hwakatadzisa chirongwa kufamba nokuti vashandi veNOCZIM inounza mafuta ndivo vanoda kuti atengwe nemari kuti vagowana mukana wekuwana mari yekunze.
Kuvhiringa chibvumirano ichochi neSouth Africa kwaitozokonzera kushaikwa kwemafuta kwakakura chaizvo sezvo zvikamu zvinomwe mugumi zvemafuta zvaibva kuSouth Africa nekuGuinea.
Vakuru-vakuru veNOCZIM ndiwo anonzi ari kuchengeta mafuta vozotengesera vanhu memari iri pamusoro. – Nemunyori Wedu

Post published in: News

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *