Shona 12-10-2006

VaTsvangirai vachitaura parari musi weSvondo
(Tsvangirai urges unity)
Ngatibatanei - Tsvangirai
NaWilson Butete
HARARE - VaMorgan Tsvangirai vakakumbira vanhu kuti vabatane sezvo iriyo yoga nzira yekubvisa sekuru vachemberera pachigaro nehudzvinyiriri.
Vakati ivo VaMugabe neZANU (


PF) yavo ndivo vanhu vakakanganisa nyika.
“Tisambokanganwa kana tiine nzara, kana tisina basa kuti yose imhosva yavaMugabe nechihurumende chavo,” vakadaro vachiudza mhomho yevanhu munhandare yeZimbabwe Grounds pamutambo wokucherechedza makore manomwe ekutangwa kweMDC.
Vakatiwo ivo vanhu vakabuda muMDC vachienda kwaMutambara vakange vasiri vavengi asi kuti vanhu vakangorasikawo zvavo – saWelshman Ncube naGibson Sibanda. Muvengi chaiye ndiRobert Mugabe neZanu (PF). Zvakanakawo chaizvo kuti munhu anouya achiti ndakatadza vanhu vomuregerera sezvakaita (Gift) Chimanikire akati ndakanga ndarasika.”
Vakawedzerazve vachiti,”KumaCIO ari pano endai munoudza VaMugabe kuti isu hatisi kuzomubvisa nechisimba, asi kuti nesimba revanhu. Hapana mutungamiri anogona kuramba kubva kana vanhu vati chienda. Tichasvika zvedu pekuti takwana kupinda mumigwagwa tichiratidzira.
“Vanhu pachavo vanofanirwa kunge vagutsikana kuti zvatiri kuita ndizvo. Nyaya yekubvisa dictator ine makuva, ine kuenda kujere. Ndinogara ndichipopota kuti zvinhu zvaipa asi magadzirira here kupinda mumigwagwa? Zanu (PF) haipindurwi, inotoita zvekudzipurwa.
“Tinoda kuti tigadzire kuti masarudzo ave echokwadi. Zvakaitika kuChikomba zvairatidza zvega kuti pakaitwa kubirira. Vakaatorepi mazana evanhu avaitaura. Ini ndanga ndiriko ndichitaura. Ndakazviona kuti zvakabuda apa manyepo ega ega.”
VaTsvangirai vakatiwo vatungamiri venyika dzekuchambembe vakange vari kutiregerera nokuti vaifanirwa kuchimira pachokwadi zvichizobatsira tese nenyika dzavowo. “Mukarega mudhara uyu (Mugabe) achienda nemiyo muchatsvairwa naye”.
Vakatiwo MDC yakange isiri chidzoyi cheUK kana America asi kuti yaitotumwa nevanhu.

(Commercial farmers fight eviction)
Varimi vechingezi voramba kubva pamapurazi
NaGift Phiri
HARARE – Mwedzi nemazuva gumi akapiwa varimi vechichena vasara pamapurazi kuti vabve, asi vazhinji vavo vakati hapana kwavari kuenda, iro basa ravo riri rekurima, uye iyo nyika isina chikafu.
Mvura yave pedyo kunaya asi masapurazi anokwana mazana mana ari kunzi achibva pamapurazi.
Chero zvavo vari kuenda kumagweta, tarisiro ishoma yokuti matare edzimhosva ayo akazadzwa vanhu veZanu (PF) angavabvumira kugara.
Vamwe vemasangano vakati maitiro ehurumende pavachena ava aiva nerusaruraganda.
Varimi vakatoudzwa kuti kubva musi weMuvhuro vachiregera kurima uye vabve pamapurazi mwedzi nemazuva gumi asati apera.
Hurumende yakatogadza mumwe mutemo mutsva wokuti vachena ava vachienda, madhumeni obva atotanga kuganhura mapurazi avo kuti apiwe kuvanhu.
“Dambudziko riripo nderekuti vanhu ava vanofunga kuti kana vakachema-chema zvichadzokera kumashure, asi vari kuzvinyepera nokuti hatichadi kuti vatema vashaye minda vachiita basa rekushandira vachena,” vakadaro vaMade, gurukota rezvekurima.


(Prices soar as currency reforms fail)
Mitengo yokwira matanho aVaGono ashaya basa
HARARE – Vanhu vava kungotenga zvekare nemazitsama emari chero zvazvo bhanga renyika (Reserve Bank) rakabvisa mazero matatu pamari mwedzi mitatu yakapfuura.
Chingwa chakaruma nyama chekuKFC chave kuita $10,500 mushure mekukwira kwemitengo yezvinhu zvese zvazvo. Mwedzi mitatu yapfuura chingwa ichi chaiita $2,100.
Vanenge vachida kutenga dzimba vanotoenda nemadhipoziti ari mumasutukesi kana matirangi. Michina yokuverenga mari yave kutengeswa zvekare.
Kukwira kwemitengo kwanyanya nokuti hakuna mari yekunze. Saka hupfumi hwenyika hwatofawo.
“Hapana kuparara kwenyika kuchadarika apa. Iye zvino tave pamawere chaipo. Zvose zvavakaedza kuita zvakaramba. Mwedzi mishoma iri kutevera panenge pasisina chinhu,” akadaro mumwe muongorori, VaBrian Raftopoulos.
Kubva musi weMuvhuro svondo rakapera kusvika paChishanu, US$ raitenga $1200 asi rakasvika pa$1500.
“Mari yekuchinja nayo iri kuchinja paawa roga roga, zvokuti Z$250 paUS$1 inotaurwa nehurumende haichina basa.
Vamwewo vakati kukwira uku kwanyanya kukonzerwa nemapato ehurumende ari kutenga mari yekunze kuti abhadhare mafuta, magetsi, mari dzevana vechikoro kunze nezvimwe zvikwereti. Mapato mazhinji acho ava pedyo nekutotanga kutorerwa zvinhu nekutadza kubhadhara marasha, mbeu nemafeteraiza avakatenga gore rakapera.
– Nemunyori Wedu


(Mahoso lies to Parliament)
Mahoso akanyepera paramende
HARARE – Mhondi yemapepanhau Tafataona Mahoso akazvipinza parumananzombe apo akanyepera Paramende kuti veMedia Alliance of Zimbabwe (MAZ) neveParliamentary Portfolio Committee vaitaura nezvei pane mumwe musangano.
Ivo vaitaura nezvekutanga Press Council yaizotora basa reMedia and Information Commission (MIC) yaMahoso. Sachigaro weTransport and Communications Parliamentary Portfolio Committee, muzukuru wa President, Leo Mugabe, akati Mahoso akasvora Paramende pakusataura chokwadi zvokuti aida kutotora matanho ekumutongesa.
Mukunyora kwake kwekunanzva mutungamiri wenyika muSunday Mail, Mahoso akati musangano weshanduko mukutapwa kwenhau wakaitwa muHarare waitaura nezve kubvisa hurumende. Musangano uyu wakaendwa navaDaniel McKenzie Ncube, mumiririri wemuParamende, Senator weChitungwiza, vaForbes Magadu naiye Leo Mugabe.
Mahoso akanyora kuti: “Musangano waiva wokugadzira nhepfenyuro yekuti vanhu vagotaura zvakaipa nezveZimbabwe panguva imwe chete nezvimwe zviitiko zvanga zvakarongwa.
Muchinyorwa ichocho Mahoso akatiwo sangano revanyori venhau reZimbabwe Union of Journalists (ZUJ) riongororwe nokuti raida kupiringisha hurumende.
Vanoona vanoti kunyora kwaMahoso kunoshura kuvharwa kuchaitwa kunyora kwakasununguka, zvichiitirwa kuchengetedza VaMugabe pachigaro. – ONeMunyori Wedu


(Opposition members denied food aid)
Vanopikisa vonyimwa chikafu
HARARE – Kushaikwa kwechikafu munyika kuchakonzera kuti vanhu vanopfuura 3.3 million vaziye nenzara, asi izvi zvave kukonzerawo kuti vamwe vanhu vabire vanhu uye veZanu kuti vashandise chikafu senzira yekupinza vanhu mugwara ravo.
Vanhu 3.3 million vanotosvika munhu mumwe pavana munyika vachashaya chikafu nokuda kwezvirongwa zvakapusa zvehurumende, kubva mukutorera vanhu vanogona kurima minda, kusvika pakuzotadza kupa varimi vari pavhu zvokurimisa zvacho.
Mutengo we20 kg dzehupfu wave $2 500 asi iyo hurumende ichiti uri pa$500, zvichireva kuti vanhu vanokwanisa kuwana hupfu vari “kumeka”.
Mapato anoona nezverubatsiro rwechikafu akatoona kuti paiva nedambudziko rekuti vanhu veZanu(PF) vari kunyaya kupiwa masimba ekuti achawana chikafu ndiani.
VeZimbabwe Peace Project vakatobuda vachipomera hurumende mhosva yekunyima vanopikisa chikafu nekupindira muchikafu cherubatsiro chaibva kunze kwenyika.
“Vanhu vainzi vabudise makadhi eZanu (PF) kuti vawane chikafu kana mbeu. Uku kutyora kodzero dzevanhu kuri pachena. Iwo masangano ekubatsirawo haachisina chikafu chacho. – Own correspondent

(Militants burn pastures, timber)
Mawovheti akapisa mafuro nemapuranga
HARARE – Vanhu vakazvigadza pamapurazi evachena vachitevedzera kutaura kwaPresident Mugabe vakapisa mafuro nemiti yemapuranga yakawanda svondo rakapera.
VeTimber Producers Federation (TPF) vakati moto yakasiyana, gumi nemiviri yakatangwa ikapisa mapuranga anokoksha $1,2 billion kubva mumwedzi waAugust uye mimwe yakapisa masango kuTarka nekuCashel Valley kuChimanimani.
“Moto yose iyi inokonzerwa nevanhu vanga vasingabvumirwi kunge varipo”, vakadaro VaJoseph Kanyekanye vebato iri.
“Chero zvazvo hurumende yakaudzwa kuti vanhu vari kupisa miti nemasango, zviri kuramba zvichingoenderera”, vakadaro veCommercial Farmers’ Union. -Nemunyori Wedu

Post published in: News

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *