Shona 26-10-2006

Caption: Mutungamiri weMDC VaMorgan Tsvangirai vaine bofu nevana varo vaviri vakanga vafamba kubva kure kuzovanzwa vachitaura kuHwange svondo rakapera.
Chinese Taking Over
MaChaina Otora Makambani Ehurumende
HARARE - Nokuda kwokushaya mari hurumende yave kurega maChaina achitora m


akambani anosanganisiraNational Railways of Zimbabwe (NRZ), Zimbabwe Electricity Supply Authority (ZESA), Air Zimbabwe (AZ), Zimbabwe Broadcasting Holdings (ZBC) neTel-One, iyo yaimbova PTC.
Gurukota rezvehupfumi vaHebert Murerwa vakati maChaina achaisa mari yawo mumakambani aya ava kudonhera pasi nekushaya mari, asi vobva vatora makambani acho.
“Zvibvumirano nemaChaina ndezvekuti vaise mari, asi vobva vatora makambani acho, asi tinotarisira kuti kushanyira Zimbabwe kuchaunza mari ichabatsirawo kubhadhara zvikwereti kumaChaina,” vakadaro VaMurerwa.
MaChaina akatounza ndege nhatu dziri kushandiswa neAir Zimbabwe, uye basa rekumutsidzira zvakafa munjanji rakatotanga.
Hurumende yave kutarisa kumabvazuva, kunyika dzakaita seChaina nokuda kwezvirango zveupfumi zvakaiswa nenyika dzaiwanzodyidzana neZimbabwe dzekumavirira dzisiri kufara nekusachengetedzwa kwekodzero dzevanhu muZimbabwe.
Asi vaongorori vanoti hapana chatiri kuwana kubva kumaChaina nokuti makambani emuZimbabwe ndiwo ari kuvhara, emaChaina achitengesa zvinhu zvawo zvakachipa.
Muzvinamahotera VaShingi Munyeza vakati pane zvekushanyirana hapana chiri kubatsira Zimbabwe kubva kuChaina.
“MaChaina haatengi zvinhu zvemuno, anofamba ari zvikwata, uye anoda chikafu chekwavo, zvokuti tinoguma tapedza mari yakawanda tichivagadzirira zvavanoda, asi pasina mari inozobuda,” vakadaro vaMunyeza -Nemunyori Wedu


Marovha Ovhiringidza Marari eMDC
NaGift Phiri
ARCTURUS – Chikwata chemarovha echidiki eZanu (PF) chichibatsirwa nemapurisa musi weSvondo vakatadzisa rari yeMDC yaiitirwa masarudo emakanzuru achaitwa neMugovera.
Chikwata ichi chakasvikotyisidzira vanhu vose vakange vachida kuenda munhandare yekuArcturus uko kwaifanirwa kutanga kwaitwa rari yeMDC kwozoitwa yeZanu (PF).
Kana mutapi wenhau uno akatotyisidzirwawo apo akaedza kutapa mashoko kubva kuna VaElias Juru vaimirira Zanu (PF). Mapurisa akangomira akatarisa.
Sajeni Hofisi wePolice Internal Security Intelligence naOfficer-Charge weGoromonzi, Inspector Katsande vakaramba kupindira kuti veMDC vakwanise kutaura nevanhu vavo rari yeZanu isati yatanga.
Vechidiki veZanu (PF) vaitosvotwa kuona vatungamiri nemotokari dzeMDC, vakati vacharova munhu wese weMDC avaiona pedyo nenhandare.
Vanhu vaiuya kurari yeZanu yacho vaingova vana vechikoro vaitonakidzwa zvavo nezvinyawo nechimwe chikwata chevatambi, kwete kuteerera zvaitaurwa.
Vatungamiri veMDC vakazokwanisa zvavo kutaura nechikwata chidiki chemachinja chakaramba kusuduruka. VaChisvo veMDC vakati zvaiitwa neZanu zvairatidza kutya kudyiwa musarudzo.
Micho Mavhura ndiye achamiririra MDC.



Mugabe lures rural voters with food
Mugabe Otenga Mavhoti Nechikafu
HARARE – Hurumende yaVaRobert Mugabe yakaudza veGrain Marketing Board (GMB) kuti vawanze chibage kumaruwa vachichitengesera pamarari eZanu nemutengo uri pasi kuti vanhu vagovhotera Zanu (PF).
“Zanu (PF) inoda kuhwina sarudzo iyi kuti vagoti kunyika dzekunze Zanu ichiri kudiwa nevanhu,” akadaro mumwe mushandi weGMB.
Akatizve, “Vashandi veGMB vachange varipo pamarari eZanu (PF) vachipa vanhu chikafu. VeMDC vanenge vasipo nokuti havachaende kumarari eZanu (PF).
Gurukota rezvekurima, vaJoseph Made vakabvuma kuti chibage chiri kuwanzwa kumaruwa, asi vakaramba kuti zvinei nekuita nesarudzo.
Vakati raiva basa rehurumende rekupa vanhu chikafu. “Kana tikanyima vanhu chikafu taresva, kana tikavapa chikafu zvaipa futi nokuti tavakakuita zvematongerwo enyika nechikafu. Hamuzivi zvamunonyora imi vatapi venhau. Kana vanhu vachivhotera Zanu(PF) nokuti inovapa chikafu chakaipa chii? Munoona zvakaipa ipo pasina chakaipa,” vakadaro. – ZimOnline


Protest Music Sold Secretly.
Mhanzi yeChimurenga yotengeswa pachihwande
HARARE – Dama refu raPaul Madzore rinonzi Mhenya Mauro rakanyatsonangana nehudyinyiriri hwaPresident Robert Mugabe uhwo huri kuonekwa kuti hwanyanya..
Chero zvaro risingaridzwi panhepfenyuro yakabatwa matomu nehurumende, dama refu iri rakapakurirwa ruzhinji parari yemutungamiri webato rinopikisa reMDC, VaMorgan Tsvangirai, ratengwa zvinoshamisa muZimbabwe.10,000 akatengwa mumwedzi mumwe chete, sokutaura kwake.
Akaudza mutapi weThe Zimbabwean kuti akamboedza kuriisa muzvitoro nemumanhepfenyuro, achingorambirwa.
Saka vanhu vanenge vachida kuritenga vanotoenda kumahofisi eMDC kuHarvest House muHarare, uko kwavanozoudzwa kwekunoritenga nemari inoenzana neUS$1 kana muchida cassette, kana kuti US$2.50 kana muchida CD.
Madzore ndewetrade union uye ari weMDC, akakatombosungwa akashungurudzwa nemapurisa, uye anoti akatomboda kuuraiwa.
Madzore anototya kuridzira vanhu nokuti mapurisa anogona kuzokonzera zhowezha, asi mhanzi yake iri kudiwa nevanhu. Vazhinji vakatanga kuinzwa parari yekucherechedza makore manomwe eMDC paZimbabwe Grounds kuHighfields masvondo maviri akapera.


Mabutweni, Iminyela housing scam
Huwori Wekanzuru kuMabutweni neIminyela
NaRudo Moyo
BULAWAYO – Vagari vekuMabutweni neIminyela vava kugara vachitya kutorerwa dzimba dzavo naJoshua Mafu anozviti ndiye sachigaro Residents Association, achimbobatana naFabion Dube – Superintendent weMpopoma Housing Office vachinodzinga vanhu mudzimba dzavo zvisiri pamutemo.
Dzimba dzacho dzinobva dzatopiwa vamwe.
Vanhu 36, vamwe vavo nhengo dzeWomen of Zimbabwe Arise (WOZA) vakatonzi vachadzingwa pakupera kwemwedzi.
Vagari vakati dzimba dzekuMabutweni ndedzeBulawayo City Council iyo iri kuramba kuvatengesera ichida kuti varambe vachingobhadhara rendi chete.
Kanzuru inoti havazokwanisi kudzikudza dzimba idzi nokuti dzakavakwa nesemende nekongiri (concrete), zvokuti chero dzave dzavo, asi ivo vanoti vanoda kuzodzikudza vachitevedzera mitemo yekanzuru yacho. “Tinodzida uye tinokwanisa kuita zvose zvinodiwa neKanzuru kuti tidzikudze,” akadaro mumwe mugari.
Vagari veMabutweni vakati kanzuru iri kudzinga nherera mudzimba idzi, uye inoti vana vevaridzi vedzimba havakwanisi kuzodzitora kana vabereki vachinge vashaya.
“Chinokatyamadza ndechekuti kana vadzinga vana vacho, dzimba dzacho dziri kuramba dzingori muzita remushakabvu, saka tinofunga kuti pane nyaya apa,” akadaro mumwewo mugari.
Huwori huri kuitwa nevashandi vekanzuru huri kukonzera kuti vanhu vapindirwe nemagevha, izvo zvave kuvatadzisa kugara zvakanaka.
Kune vamwewo vari kuita basa rekutengesa vachipa kanzuru kuti vanhu vakagara sei, zvobva zvasvika kuna anaMafu naDube zvoita nyore kuti vaite mabasa avo ekudzinga vanhu zvisiri pamutemo.

Post published in: News

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *