News in Shona 02-10-2006

caption: Hupfu hounza rufaro
(Food crisis looms)
Vanhu vakatarisana nenzara
HARARE - Vanhu vanodarika 700,000 vakakumbira rubatsiro rwechikafu mumwedzi waOctober uye zvakaonekwa kuti vamwe vakawanda vachapindawo mumutsetse wemukomondera.
Chibage munyika chakange chasara 200,355


tons chete pakati paOctober, zvachisati chamboita kwemakore maviri ose apfuura
Hurumende inoti kwasara 480,000 tons.
Mitengo yefeteraiza nezvimwe zvinodiwa kuti varimi vave nemwaka wakanaka zvakakwira zvakapetwa kaviri kubva munaJune gore rino.
Iwo mutengo wehupfu wakakwira zvakapetwa kashanu kubva munaApril gore rakapera. – Nemunyori Wedu


(Bomb shelter for Mugabe mansion)
VaMugabe vogadzirira hondo?
Na Gift Phiri
HARARE – Vashandi vari kuvakira President Robert Mugabe dzimba dzepasi nekuisa mimwe midhuri yakatenderedza imba yavo yekuBorrowdale Brooke zvekuti chero mabhomba haagoni kuvasvikira.
Zvinonzi kuwedzera uku kwakanangana nekutya kuuraiwa kwavanofungidzira kuti kunoda kuitwa nevekunze uye vanopikisa varimo muZimbabwe vachinzi vari kubhadharwa nemaBhiritishi.
Nyaya iyi nekusechwa kwave kuitwa chero nhengo dzepolitiburo kana dzichiuya kumisangano zvinonzi zvave kuratidza kuti President Mugabe vave kutopenga.
Vamwe vemuZanu vanoti VaMugabe vave kufungira munhu wose, zvokuti vanofunga kuti vamwe vavo vangade kupinda mumisangano mavo nemishonga kana zvombo.
Hama yavo Phillip Chiyangwa yakambotongwa nemhosva yekutengesa nyaya kuvavengi apinda mumusangano navo nechinhu chaitapa mazwi.
Uye VaMugabe vakambopomera makurukota avo mhosva yekuenda kun’anga vachitsvaga mishonga yekuti vagotonga kana ivo vazosiya chigaro.
Dzimba dzepasi dzacho dziri kuvakwa zvokuti kana mabhomba anodonhedzwa nendege haana zvaanokwanisa kuita. Kubhururutsa ndege nepamusoro pemba yaVaMugabe iyi hakubvumirwe uye vavakidzani vavo havabvumire kufamba vachisvika pedyo pekuti vanogona kuona imba yacho.
Vamwewo vaongorori vanoti izvi zvinoratidza kuti vaMugabe vari kutogadzirira hondo nokuti havasi kuzobva pachigaro pasina hondo. Hapana wehurumende atakakwanisa kubvunza nezvenyaya iyi nokuti gurukota remashoko VaMangwana havachabvumirwa kutaura neThe Zimbabwean kana mamwe mapepanhau asiri ehurumende.
Gurukota rekudzivirira nyika, vaSydney Sekeramayi vakarambawo kutaura, pamwe chete ne veCIO, avo vari kubatsira pabasa iri.

(Mugabe begs UNDP for help)
VaMugabe vopemha kuUNDP)
HARARE – President Robert Mugabe vakatumira tsamba yekukumbira rubatsiro kubva kunyika dzepasi rose kuti vawane Z$19.8 billion inodiwa kuti vanhu vakawanda vasafa nenzara.
Vakatuma gurukota ravo VaHebert Murerwa kundokumbira rubatsiro kuna VaAgostinho Zaccarius veUnited Nations Development Programme avo vavakakumbira kuti vasheedzere kudzimwe nyika.
VaMurerwa vakatosangana naVaZaccarius svondo rakapera vasati vaenda kuChina. Vakati VaZaccarius vaende kunokumbira US$11 kubva kunyika dzekunze kuti Zimbabwe ikwanise kutenga chibage negorosi izvo zvinodiwa mwedzi mishoma iri kutevera.
VaSamuel Muvhuti, avo vakambobata chinzvimbo chekutungamira GMB, vakati GMB yakakwanisa kuwana 480,000 tonnes chete dzechibage kubva kuvarimi, asi ivo vanga vakatarisira1,8 million tonnes.
VaMurerwa vanonzi vakakumbirawo imwe Z$8.8 billion yekugadzirisa migwagwa nemazambuko (bridges) zvakakukudzwa nemvura makore maviri apfuura.
Vaongorori vanoti VaMugabe vakatuma VaMurerwa nokuti ndivo vachiri kuonekera pamakurukota avo – uye varivozve vane basa rezvemari.
Vose havana kukwanisa kutaurwa navo asi dzimwe nhumwa dzenyika dzekumavirira dzakati VaMurerwa vachaona kuti kupemha uku kukwira gomo nokuti zvematongerwo enyika zvaitozopinda chete.
“Chero zvazvo nyaya yacho yaifanirwa kungoonekwa senyaya yekubatsira vanhu vari kuda kufa nenzara, varidzi vemari vachada kuziva kuti chikafu chacho hachisi kuzoshandiswa kutsvaga mavhoti,” yakadaro imwe nhumwa.
Yakati VaMurerwa vakange vatofambira nhumwa dzenyika dzinopa mari uye dzemuSADC vachidziudza nezvedambudziko rakatarisana neZimbabwe – NeMunyori Wedu.

Chinese deals flounder, as shoddy goods collapse
(Madhiri nemaChaina owira pasi
HARARE – Zimbabwe iyo yapererwa nemari yakanopemha kuChina kuti iwunze mari yekunze.
Chikwata chakaenda kumusangano wacho chichitungamirirwa navaSimbarashe Mumbengegwi, chakatodzoka uye chaiva naVaHebert Murerwa nerimwe gurukota rezvekubudirira, VaRugare Gumbo.
Vakange vaenda vachitevera maChaina ayo anonzi ave kuda kudzokera kumashure pamadhiri nokuda kwekusaziva kuti vakaisa mari yavo vanozokwanisa kuiburitsa here.
Takanzwa kuti kuBeijing vakanosangana nevakuru veChina Northern Railways, avo vakambonyorerana navo chibvumirano chekumutsiridza zvakafa zvenjanji dzeZimbabwe, asi vanonzi vave kudzokera shure.
Pachibvumirano ichi chavakaita naVice President, Mai Joyce Mujuru pavakamboenda kuChaina, MaChaina aifanirwa kupa zvimusoro 10 zvezvitima, 64 matiroko ne8 zvitima zvekutakura vashandi, asi pari zvino hapana chati chaitika.
Vamwe vaongorori vaiti maChaina haachadi kuunza mari yakawanda nokutya kuona kuti hurumende inogona kungotora zvinhu zvevanhu pasina kubvumirana.
Zvimwe zvibvumirano pakati peZimbabwe nemaChaina ndezvekuvaka rimwe gwenya muZambezi Valley, asi nguva yatoreba pasina chiri kuitwa.
Chikwata chakanosanganawo neveCATIC avo vakaunza ndege inonzi iri kunetsa MA60 iyo iri kushandiswa neAir Zimbabwe asi inonzi yawanza matambudziko nokufa.
Zvimwe zvemakombiyuta zvakapiwa kuZIMRA zviri kurambawo zvichingofa uye matarakita akapiwa kukanzuru yeHarare akafa ose ari 8 gore risati rambopera. – Nemunyori Wedu


Govt orders rockets, grenades from China
(Hurumende yakahodha zvombo kubva kuChaina)
HARARE – Hurumende, iyo iri kutadza kupa vanhu chikafu, iri kutenga zvimwe zvombo zvinodhura kubva kuChaina.
Kutengwa kwezvombo zvinokosha US$65.9 million kubva kukambani inogadzira zvombo yeChina North Industries Corporation kunonzi kwakasayinirwa navaSydney Sekeramayi naPresident Robert Mugabe.
Chero zvazvo Zimbabwe yagwadama pasi nekufa kwehupfumi hwayo, hurumende yakawana mari yekubvisa dhipoziti yezvombo zvinosanganisa mabhazuka nemagirinedhi. Mumwe mukuru wekuburitsa mashoko muZimbabwe National Army akazviramba asi akawedzera achiti,”Sewuto renyika tinofanirwa kugara tine zvombo zvose zvinodiwa.”
Zvinonzi Zimbabwe National Army inoparadza US$3 million pamwedzi kuchengetedza mawuto ayo 40 000.
Pakutanga kwegore rino vakambonotengazve dzimwe ndege dzaikosha US$200m kubva kuChina. – Own correspondent

Post published in: News

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *