News in Shona 09-11-2006

Stories BY GIFT PHIRI
Nyaya dzose NaGift Phiri
(Caption: NCA demonstrators protesting on the streets of Harare last week.)
Mumufananidzo: Varatidziri veNCA mumigwagwa muHarare svondo rapera
(Excessive abuse of presidential powers)
Masimba echimbichimbi oshandiswa zvisizvo
HARAR


E – President Robert Mugabe vave kutonga nyika vachingoshandisa masimba avo echimbichimbi ipo pasina kana chiitiko chingakonzera kuti masimba aya ashandiswe.
Vaongorori vanoti VaMugabe vanokurudzira kurova vamwe uye vanoti mapato anopikisa nemamwe masangano evanhu vatengesi.
Vanonyenyeredza masimba ematare edzimhosva nedare reParamende ayo anofanirwa kuisa mutemo, zvinova zvinoshoresa.
Vanoti VaMugabe vari kuramba vachishandisa mapurisa kushungurudza vanopikisa zvichibva zvangoita senyika iri kutongwa nemasimba echimbichimbi asi ipo pasina kumbotaurwa kuti pave kushandiswa masimba aya.
Nokudaro mapato akamirira kutonga kweruzhinji, kusanganisira matare edzimhosva haachisina basa.
“VaMugabe vari kutonga nemasimba echimbichimbi nenzira dzakawanda chaizvo,” akadaro chiremba wemutemo VaLovemore Madhuku, avo vanodzidzisa zvemitemo yenyika paUniversity of Zimbabwe (UZ).
VaMadhuku, avo vanovazve sachigaro wechikwata cheNational Constitutional Assembly (NCA) chiri kurwira bumbiro idzva remutemo vakatizve,”VaMugabe vari kushandisa mutemo wePresidential Powers Act kushandura mitemo nekudzika mimwe zvisina kuenda nekudare reParamende. Maitiro avari kuita anoreva kuti havana basa nekuparidzira kuti pava kushandiswa masimba echimbichimbi – sezvinodiwa nemutemo.
Prof. Welshman Ncube vanomirira chimwe chikwata chakabuda mubato rinopikisa reMovement for Democratic Change vakatiwo VaMugabe vari kutemba nekurova nedzimwe nzira dzekumanikidza nadzo vanhu kana kuvavhiringidza kana vachinge varatidza kuti havasi kufara nezviri kuitika.


(Militants move onto white-owned farms)
Vanotyisidzira vopinda mumapurazi evachena
HARARE – Nzara yevanhu vakawanda iri kuratidza kuti ichawanda sezvo vamwe vanhu vanotyisidzira vakawanda vakapinda mumapurazi evachena vachirova vanhu nekuvamanikidza kuti vaite masirogani eZanu, vachivatadzisawo kushanda.
NeSvondo varimi vachena vatatu vakavharirwa mudzimba mavo apo mhomho dzevanhu vanotevedzera Zanu (PF)yaPresident Mugabe vakaungana pamapurazi mana kuGuruve.
Chero zvazvo hurumende yaiti kutorwa kweminda kwakapera mhomho idzi dzakati kuvashandi vepamapurazi aya vanofanirwa kusuduruka kuti vamwe vanhu vatema vawane minda.
Kurwisana uku kuri kuramba kuchiitika kuchawedzera kushaikwa kwechikafu uko kwatonyanya muZimbabwe. Nyanzvi dzezvekurima dzinoti kurimwa kwechikafu kuchadzikira zvakanyanya nokuda kwokuti mapurazi aiva ekurima zvokutengesa ave kuitwa mapurazi ekungorima chikafu chekuti varimi vvacho vadye.
Zimbabwe yotoda kutenga kubva kunze matani anosvika 700,000 egorosi nechibage, asi hapana mari yacho yekunze. Imwe ongororo yakaitwa yaiti vagari 3 million vokumaruwa vakanyoresa kuti vapiwe mukomondera, vamwe vakanyanya kubatwa nenzara vave kutodya midzi nemashizha.
Gurukota rezvehupfumi VaHebert Murerwa vakabvuma kuti vanhu 3 million vave muurombo hwakanyanyisa, ndokuwedzera vachiti Zimbabwe inoda rubatsiro rwakawanda kubva kunze, asi vamwe vaongorori vanoti President Mugabe ndivo vacharamba vachitadzisa mamwe makurukota avo achiri kuonekera kuti akwanise kugadzirisa ukama nemasangano anopa rubatsiro.
Apo vaMurerwa vaiedza kugadzirisa ukama, gurukota rezvekunze vaSimbarashe Mumbengegwi vakange vachituka nhumwa dzenyika dzeGreat Britain neEuropean Union kuti sei nyika dzavo dziri kuomesera Zimbabwe.



(Confucious Institute for UZ)
PaYunivhesiti podzidziswa chiChaina
HARARE – PaYunivhesiti yeZimbabwe pave kuzotanga kudzidziswa chiChaina kubva munaFebruary gore rinouya.
Mutungamiri webazi reyunivhesiti rinosanganisa zvidzidzo zvemitauro (Faculty of Arts) VaPedzisai Mashiri, vakati nzvimbo dzekudzidzisira chiChaina dzava kutogadzirwa kuchiunzwa zvimwe zvokudzidzisa nazvo zvichabva kuChaina.
Kwakatonyoreranwa chibvumirano chekuti pave neConfucius Institute for the Chinese Language paYunivhesiti yeZimbabwe iyo inozodzidzisa chiChaina.
“Tichatanga kudzidzisa munaFebruary, tichipakurira vadzidzi chiChaina chekungotaura, kana kuti dhigirii rechiChaina. Vanhu vakawanda vakatoratidza kuti vanoda saka tinovimba kuti chirongwa ichi chichabudirira,” vakadaro VaMashiri.
Hurumende inoti dzidzo iyi yakanangana nekubatsira mabhizimusi achazenge achishanda nevashanyi vanobva kuChaina.


(Desperate shortage of burial space)
Hakuchina kwekuviga vafi – PaMbudzi pazara
HARARE – Bazi reHousing and Community Service reHarare City Council rakaona kuti nzvimbo dzekuisa marinda muHarare dzave kupera nokuti vanhu vari kufa nemukondombera vawandisa. .
Kana pakasatorwa matanho akaoma nzvimbo mbiri huru dziripo iko zvino dzekuvigira vanhu dzichazara nemwedzi mina iri kutevera.
Nzvimbo yekupisira zvitunha iyo yakavakwa makore makumi mashanu akapfuura yave kudawo kugadzirwa, pamwe chete nekuvhura nzvimbo itsva dzekuviga vanhu.
Izvi zvichaongororwa neexecutive council yechikwata chiri kutonga Harare zvisiri pamutemo shure kwekudzingwa kwekanzuru yakasarudzwa nevanhu.
“Nekushaikwa kwenzvimbo Department of Housing and Community Service iri kufunga zvekuti kupiswa kwezvitunha kuchinyatsokurudzirwa, asi panodiwa kuti nyaya yacho imbozeyewa muvanhu.
Pambudzi panonzi pava kuzozara nemwedzi mishoma iri kutevera uye ongororo yacho inoti nyaya yekupiswa kwezvitunha, kuvhurwa kwenzvimbo itsva dzekuvigira vanhu nekuita kuti kuvigwa kwevanhu kuiswe mumainsurance
zvinofanirwa kuitwa.
Anoburitsa mashoko eHarare City Council Percy Toriro, akati: “Nyaya yekuti vafirwi vanyatsobatsirwa zvakanaka inyaya inokosha, asi kazhinji hainyatsopiwa huremu hwayo.
“Zvinhu zvakawanda zviri kukwikwidzana pamari shoma, asi hatifanirwi kuregera nyaka iyi ichingorasika,” akadaro Toriro.
Kanzuru yeHarare inoona ndufu 4 000 mwedzi woga woga uye vanhu 700,000 vanoenda kumarinda, uye zvitunha 2500 zvinopiswa pagore.
Pari zvino Harare City Council haisati yave kuita zvekushandisa marinda akamboshanda, asi mamwe maguta ava kutarisawo kuita izvi.

(Crisis condemns politics of violence and vengeance)
VeCrisis voshoropodza kurohwa pasarudzo
HARARE – Kwakava nekutyorwa kwemitemo yesarudzo kwakawanda pasarudzo yemakanzuru ekumaruwa, zvokuti zvinoratidza kuti hurumende yeZimbabwe haina hanya nechibvumirano chayakaita nedzimwe nyika dzekuchamhembe kweAfrica.
Izvi zvakataurwa kuti veCrisis in Zimbabwe Coalition avo vakaonawo kuti sarudzo iyi yanga izere nekurohwa kwevanhu, kazhinji vebato rinopikisa kana vanhu vavo vanenge vachimira musarudzo.
VeZimbabwe Electoral Commission (ZEC), iyo inowona nezvesarudzo vakaramba vakanyarara uye hakuna ongororo yavari kumboita pazvichemo zvose zvakabuda.
“Sarudzo iyi inoratidza kuti maitiro edu emasarudzo, ayo ari kutungamirirwa nevemauto haana kuti twasu uye haatevedzeri zvakabvumiranwa musangano rekuchamhembe reSADC.” vakadaro veCrisis Coalition.
VeZEC vanoti Zanu (PF) yakawana makanzura 765, MDC ikawana 54, chidawu chayo chekwaMutambara chikawana 42.
VeCrisis Coalition vakati vebato rinopikisa vakaona moto nekurohwa pasarudzo. KuBuhera, kwaMutoko, kuMudzi nekuGokwe veMDC vakapisirwa dzimba dzavo.
KuChitungwiza mutongi akarambidza vaimirira MDC kuti vaite marari avo munhandare yekanzuru, vachinzi havana kuibhadhara.
Vanhu havana kumbodzidziswa kuti vanovhota sei, izvo zvakazokonzera kuti vanhu vakawanda varambidzwe kuvhota.
KuGokwe nekuMudzi vakarambidzwavo kuita marari.
KuMashonaland Central, paRusununguko Primary School muShamva nenguva dza10 mangwanani vanhu 120 vakange vavhota, asi 81 vakange varambidzwa. Izvi zvakaramba zvakadaro kudzimwe nzvimbo sepaGovingo Business Centre kuManicaland kana kuSanyati kwakaonekwa kuti 124 vakavhota asi 61 vakarambidzwa.

Post published in: News

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *