shona (30-11-2006)


Nhamo ine vana ava vekuBinga inoratidza kuparara kwaita Zimbabwe.
Mashefu emapurisa ari kutengesa kunze zvisiri pamutemo
NaBayethe Z


itha
BEITBRIDGE – Mashefu emapurisa anonzi ari kufambisa chikwata chevanhu vanoburitsa zvinhu zvisiri pamutemo kunotengesa kuSouth Africa vachidzoka nezvimwezve zvekutengesa muZimbabwe.

Chihuri mapurisa ako nhai !
Mamwe mashefu emuZimbabwe Revenue Authority (ZIMRA) inoona nezvekubata mari inobhadharwa kana vanhu vachinotengesa vari paBeitbridge vakati Deputy Commissioner Innocent Matibiri, anova muzukuru wemutungamiri wenyika, mukuru wemaCID, Stephen Mutamba, naAssistant Commissioner Justice Chengeta, vose vanosevenzera kuHarare, nemukuru weMapurisa muMatabeleland North, (Officer Commanding Mat North), Edmore Veterai naSuperintendent Bethel Magora, vanoshandira paBeitbridge, ndivo vari kufambisa vatengesi ava vasingasungwi.
Mashefu aya anonzi akavimbisa veZIMRA zvimbokoma nenyaya yekukanganisa “business” ravo vachisunga vanhu vavo nekuvatorera zvavanenge vachitengesa.
“Chikwata chaVaMatibiri naVaMutamba chinoburitsa fodya yerudzi rweSavanna and neRemmington Gold zvichienda kuSouth Africa, vozodzoka nemaTV, sipo nemafuta ekubikisa,” akadaro mumwe wemuZIMRA.
Mumwewo weimmigration pabhodha akati,”Kazhinji vanoshandisa vanhuwo zvavo, asi dzimwe nguva vanoshandisa mapurisa anenge ane motokari dzebasa idzo vanoziva kuti hadzisechwi.”
“Vamwe vataibata vaitiudza kuti zvinhu ndezvemashefu, asi takange tisingatendi kudaro, asi patakazoona kuti motokari dzemapurisa dziri kushandiswawo takazotanga kunyatsoongorora tikabata zvinhu zvakawanda,” akadaro immigration officer..
“Masvondo maviri akapfuura takabata motokari yakange iine makadhibhokisi 15 emafuta ekubikisa, ne14 esipo yekuwachisa, asi mapurisa akange anazvo akatiyambira kuti tichazvionera pamhuno sefodya sezvo zvinhu zvaiva zvaVaMutamba.
Mangwana acho takanzwa runhare kubva kuna VaMutamba vachiyambira kutionesa moto, uye mamwe mapurisa eCID neePolice Internal Security Intelligence (PISI), avo vanowanzoshanda nesu kusunga vanhu vanenge vachipinda nezvinhu zvirisi pamutemo, vakatiudza kuti VaMatibiri vakati vachashandisa masimbba avo kuti tibviswe pabasa apa uye vakatotumwa kuti vatiteye isu kuti tigoburitswa basa, kuti bhizimusi ravo rirambe richifamba zvakanaka.
Vanoti vakabva varegera motokari iya ichienda nokutyira basa ravo.
Gurukota rezvemari VaHebert Murerwa vakati nyaya iyi havaizivi asi vakatizve vashandi vavo pamabhodha vacharamba vachiita basa ravo nemazvo.


Varimi voita basa rekutsvaga goridhe
HARARE – Varimi vakapihwa minda asi vave kufa nenzara vava kusiya minda yavo vachienda kunotsvagawo goridhe – izvi zvichiwedzera kushaikwa kwechikafu munyika.
Varimi ava vari kusiya minda mitswa yavachangobva kupiwa nokuti hapana chavari kukwanisa kuita nekusava nembeu nefeteraiza kana zvekurimisa zvacho izvo vakambovimbiswa nehurumende.
Mumwe wavo anonzi Tatovonga Chiremba (22), wokuShurugwi akapiwa munda pedyo neGweru, asi akati,”Tiri kumbotsvaga goridhe kubva zvatakauya muno muna 2003.”
“Taigona kunge tichirima, asi hurumende haina kutipa mbeu nefeteraiza, saka tava kumboita izvozvi kuti tirarame.”
Hurumende yakaita kuti kukwarakwata kwekutsvaga goridhe kuve pamutemo vachiti ndiko kuti vanhu vatema vabudirire chero zvazvo zvichikuvadza nyika nokuda kwemakombamakomba ari kucherwa.
Nzizi nemigodhi yakasiiwa zvazara nevacheri vegoridhe avo vari kudzingirirawo mari yakanaka yeZ$2,500 paounce yakataurwa neReserve Bank iyo yakatoisa mari parutivi kuitira vatengesi vegoridhe.
Vamwewo vanotengesa zvekudya vave kutevera vacheri vegoridhe ava vachivaka matakishopu avo pavanenge vachichera.
Cornelia Mudzingwa, mumwe wevatengesi ava akati bhizimusi ravo riri kutofamba chaizvo rekutengesera vacheri vegoridhe sipo, hupfu, shuga nezvose zvinodiwa, nokuti vanogara musango imomo vashishaya nguva yekumbonotenga zvinhu kumaguta.
Mudzingwa akati anotowana kumaZ$20,000 pazuva asi vanhu vanoshanda vachiwana kuma Z$25 000 pamwedzi.
Vamwewo vemabhuzimusi nemashefu emuhurumende vanonzi vari kubhadhara vanhu kuti vavacherere ivo vachizonotengesa. MuMidlands mune vanhu vanodarika 100,000 vari mubasa iri.- Gift Phiri


GMB yomanikidza vanhu kunotengesa chibage chavo
HARARE – Grain Marketing Board (GMB) yakayambira vanhu kuti vaende kunotengesa chibage chavo, mhunga, kana gorosi nokuti vakasadaro iri kuuya kuzovatorera nechisimba kwapera masvondo maviri anotevera.
Varimi vakanzi,”Endesai chibage chese kchamunacho negorosi rose ramunaro kuGMB dhepo iri padyo nemi musvondo mbiri idzi.”
GMB ndiyo yoga inobvumirwa kutenga chibage negorosi kubva kunze, asi izvi zvakashoropodzwa neveUN World Food Programme nevamwewo vanopa rubatsiro vachiti kana hurumende ikabvumira vanhu vakawanda kutenga zvichaita kuti chikafu chikurumidze kusvika kuvanhu.
Varungu vakatorerwa mapurazi vanotiwo varimi vari pamapurazi aya vakaregera chikafu chichiorera muminda.
“Papurazi rimwe chete imwe mhuri yakarasikirwa ne600ha dzegorosi apo vakadzingwa papurazi iri,” akadaro mumwe mumiririri weJustice for Agriculture, bato rinomirira masapurazi echichena akadzingwa pamapurazi avo.
Dare guru redzimhosva harisati rapa mutongo waro panyaya yakaunzwa nekambani inoti hazvisi pamutemo kuti GMB ive iriyo yega inobvumirwa kutenga chikafu kubva kunze.
Frontline Marketing yakamirira kunzwa mutongo wacho kuti itange basa. Gweta guru rehurumende vaSobusa Gula-Ndebele vakati kudare mutemo uyu unodiwa kuti vatengi vasabirirwa nekuisirwa mitengo yakakwirisa.
“Zviri kuitirwa kuti chibage chifambiswe zvakaenzana kunzvimbo dzose zvichiitwa neGMB,” vakadaro vaGula-Ndebele. – NaGift Phiri


VaMugabe vangoti zii nyaya yehuori ichitsviriridza
HARARE – Huori hunoshamisa hwekuZiscosteel, uko kunonzi Amai Mujuru, mutevedzeri wemutungamiri wenyika nemamwe makurukota mana vaipiwa mari nekubhukirwa mahotera, hwaratidza kuti hurumende yacho naiyo yatoorawo, sekutaura kwemumwe mukuru webato rinopikisa reMDC.

Amai Mujuru
Munyori weMovement for Democratic Change vaTendai Biti vakati, kuba kuri pachena uku, nechiwokomuhomwe chakaburitswa panyaya yeZUPCO zvinoratidza kuti vaMugabe havachagoni kumisa huori.
Sachigaro wekambani yemabhazi yehurumende Zupco akatosungwa, uye gurukota vaIgnatius Chombo nemumwe mutevedzeri wegurukota vaBright Matonga vakamirira kutongwa.
Kune imwezve nyaya yekutengwa kwefetiraiza kunze kwenyika kubva kukakambani kasingazivikanwi ako kakazotengesa imwe fetiraiza isingashandi, zvokuti vanhu vari kushaya kuti vodini iyo mvura yave kunaya.
Asi mutungamiri wenyika President Robert Mugabe akangonyarara iye akambovimbisa kuti achadzipura huori hose huri muhurumende.
VaBiti vakati kune imwezve nyaya yendege yakatengwa kumaChaina isina kumbobvira yashanda, imwe yacho ichingonetsa nekufa, uye kune kuba kukuru chaiko kwakaitwa apo makambani aimbova ehurumende akatengeserwa kuvanhu veZanu netumari tushomanana..
“Kugovewa kweminda kwakangova kupa vanhu veZanu minda uye kutengwa kwemafuta edzimotokari kune huori”, vakadaro vaBiti, ndokuwedzera vachiti, “Mashefu eZanu ari kutotsikana kuti apindewo muhuori uhwu”. NaGift Phiri

Post published in: News

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *