Woza yaramba Mhirizhonga mumhuri (21-11-06)

HEIGHT: 94px” height=153 alt=”” src=”images/stories/old/woza logo.gif” width=595 border=0>
Mazuva Gumi Nematanhatu Ekudzivirira Mhirizhonga Mumhuri


Dingindira: “Vandudza Kodzero Dzevanhu – Pedza Mhirizhonga Kuvanhukadzi



Ungano yekurwiswa kwemhando dzese dzekushungurudzwa kwevanhukadzi (CEDAW) inotsanangura mhirizhonga kuvanhukadzi ‘sechiitiko chipi zvacho chekushungurudza chinotwa pamunhukadzi, nemhosva yekuti munhukadzi, chingangokonzera kukuvara kwemuviri, kushungurudzwa kwepabonde kana kuvhiringika pfungwa, izvi zvinosanganisira kutyityidzirwa, kumanikidzwa kana kushayiswa rusununguko, zvingava zvichiitika paruzhinji kana muchivande.’



Madzimai nevarume veWOZA/MOZA tirikukoka zvizvarwa zvese zveZimbabwe kuti zvibatane nesu pachikamu chegore rino chemazuva Gumi Nematanhatu Ekushoropodza Kushungurudzwa Kwemadzimai kubvira musiwa 25 November kusvikira 10 December. Mazuva Gumi Nematanhatu Ekushoropodza Kushungurudzwa Kwemadzimai chirongwa chinoongororwa nemasangano mazhinji pasi rose uye chakatanga Mugore ra1991. Mazuva anoti 25 November (zuva rekurwiswa kwemhirizhonga kuvanhukadzi pasi rose) na 10 December (Zuva rekodzero dzevanhu pasi rose) akasarudzwa nechinangwa chekubatanidza mazuva ekushoropodza mhirizhonga kuvanhukadzi nekodzero dzevanhu kuratidza kuti mhirizhonga inodzvanyirira kodzero dzevanhu. Gore rino, Zimbabwe ichabatana nepasi rose pakuremekedza musiwa 29 November, rinova zuva revanhukadzi vepasi rose vanorwira kodzero dzevanhu. IRI IZUVA RAKAKOSHA KWATIRI!




CHII CHATINOFANIRWA KUITA: Rovai Mapoto, Itai Ruzha Muchinyunyuta RIINI: Kwemaminitsi maviri na 8pm manheru kubvira Musiwa 25 November kusvikira 10 December



NEIKO? Chinhanho chekufambira mberi pakukurudzira kuti zvatakavimbiswa mumitemo Wekudzivirira Mhirizhonga Mudzimba uye kupedza mhirizhonga inokonzerwa kana kutsigirwa nehurumende kuti tigone kuvaka nyika yedu yavakuputsika nekununura raramo yedu…



Nhau Dzezveutano Dzinoratidza kuti: “Upenyu hwemadzimai mazhinji emuZimbabwe huri kuperera pamakore makumi matatu nemana, inova ndiyo raramo yakanyanya kupfupika pasi rose. Vazhinji vevarume vemuZimbabwe varikurarama upenyu hunoguma pamakore makumi matatu nemanomwe.”



Mhirizhonga kumadzimai muZimbabwe


Madzimai emuZimbabwe, anosvika zvikamu makumi mashanu nematanhatu ehuwandu hwenyika yose (56%) uye kazhinji kacho vanhukadzi ndivo vanoriritira mhuri kunyange upenyu hwakaoma. Isu madzimai tisu tinotakura marwadzo ekuoma kwaita upfumi hwenyika. Rimwe gurukota rezvematongerwe enyika rakataura kuti pazvikamu makumi matanhatu endufu dzinoitika muZimbabwe, zhinji dzacho dzinokonzerwa nemhirizhonga mudzimba. Uye vanofa vazhinji vanhukadzi.



Urongwa hwegore rino hunotevera kudzikwa kwemutemo wekudzivirira mhirizhonga mudzimba muZimbabwe. Mhirizhonga mudzimba yava mhosva pasi pamutemo uyu, mutemo uyu unotarisa nyaya dzakaita sezveupfumi, kushungurudzwa kwemifungo, kutyityidzirwa nekushushwa. Tsika dzinonyadzisa vanhukadzi sekutariswa umhandara, kuchekwakwenhengo dzemuviri dzakavanzika, nhaka nekushandisa vanasikana kuripa ngozi, zvavakuonekwa semhosva.



Mhirizhonga kuvanhukadzi nechirwere cheHIV/AIDS


Ongororo dzakaitwa pasi rose dzinoratidza kuti mhirizhonga kuvanhukadzi, kunyanya kumanikidzwa kwepabonde, kunowanza mukana wekubata utachiwana hweHIV kuvanhukadzi. Mhirizhonga uye kutya mhirizhonga kunokonesa vanhukadzi kuti vanyatsotaurirana nemumwe wavo nzira dzekuzvidzivirira kuzvirwere zvepabonde, kunyange vatenderana zvepabonde. Vanhukadzi vanotapurirwa utachiwona, kanavanofungidzirwa kuti vanahwo, vanogona kushungurudzwa kana kurambwa. Kutya kushungurudzwa uku kana kunyara, kunogona kukonesa vanhukadzi kutsvaga ruzivo rwakakwana nezveutachiwona hweHIV/AIDS, kuongororwa kuti vaone chimiro chavo cheHIV, kutaura nezveutachiwona hwavo hweHIV kana kutsvaga kurapwa. Kushungurudzwa ukukunoita kuti madzimai asada kuziva chimiro chavo, uye kunodzosa shure zvirongwa zvekubatwa nekurapwa kwechirwere muvanhu.


Kune mhando nhatu dzemhirizhonga, mhirizhonga inokurudzirwa nehurumende uye irikukonzera kufa kweruzhnji rwevechidiki, mhirizhonga YECHIBHAKERA, mhirizhonga YEMASHOKO uye mhirizhonga YEPAMOYO.


Tibatsirei kufukunura mhirizhonga idzi nekushoropodza vose vanokonzera mhirizhonga.


Kuvandudza Kodzero Dzevanhu


Pakaumbwa sangano reWOZA muna2003, vaumbi vakaona kuti madzimai ndiwo anonetseka nekuriritira mhuri kuti mhuri ifare. Madzimai aya akazviunganidza nekuzvigadzirira kutakura mutoro wemhirizhonga inotsigirwa nehurumende uye kuti varambe vachiratidzira kushaikwa kwezvinhu zvinodikwa meupenyu hwavanhu mazuva ese. Pachinzvimbo chekugadzirisa matambudziko edu, hurumende yeZimbabwe inotisunga, inotirova nekutishungurudza. Vadziviriri vekodzero dzevanhu vese, veWOZA neMOZA, vanoda mukana wekududzira kodzero dzavo dzinosanganisira KODZERO DZEKUDUDZA ZVIRI PAMOYO, DZEKUSHOROPODZA, DZEKURATIDZIRA NEDZEKUUNGANA MURUNYARARO.



Ruzhinji rweZimbabwe rwakarwira kusunungura nyika kuti pagova nekuenzana uye rusununguko rwekududza zviri pamoyo. Ikozvino TV, mapepanhau neradio zvangova dambiro revanotsigira bato ririkutonga. Chero tichiziva kuti zvimwe zvikamu zvemutemo wekutorwa kwenhau nekuchengeta raramo dzevanhu (AIPPA) zvakakosha, kushandiswa zvinerusarura kunoitwa mutemo uyu ndiko kwatisingawirirani nako. Bepanhau reDaily News riripi? The Tribune nemamwe mapepanhau akazvimirira oga aripi? Nei masaisai anotepfenyurira SW Radio Africa neStudio 7 achivharwa? Kana Smith haana kuzvimhura kusvika pakadaro nekuvharidzira nhau kubva kuRadio Chokwadi/Qiniso yaitepfenyurira kuMozambique mazuva echimurenga. Chii chaipa nekududza mifungo yedu, nei tichirambidzwa kunzwa SW Radio Africa neStudio 7? Tinoda kodzero dzekududza zviri pamoyo yedu, tinosarudza kurova mapoto na8pm kuvharidzira nhau dzekunyepa dzeutungamiriri husingadi kunzwa chokwadi.



Kuvandudza kodzero – zvisinei nengozi yatakatarisana nayo


Kunyangwe zvazvo mutemo we kudzivirira mhirizhonga mudzimba ungangounza zororo kuvanhukadzi nevarume vanoshungurudzwa, WOZA, semadzimai anomirira kodzero dzevanhu muZimbabwe, hatina kumwe kwokuvanda kunze kwemudzimba dzedu. Mitemo yeudzvinyiriri yakaita se Public Order and Security Act (POSA) and the Criminal Law (Codification and Reform) Act ichirikungotironda. Kudzikwa kwemutemo wakadai wePOSA wakambosungisa varwiri verusununguko panguva yehondo yerusununguko pawainzi Law and Order Maintenance Act (LOMA), inoratidza kuoma kwemoyo yevatungamiri vedu.



Hurumende inofunga kuti yanyararidza vanhu nekudzika kwayakaitaPOSA neAIPPA. Asi sevarwiri vekodzero dzevanhu, WOZA neMOZA, takazvipira kusatevedzera mitemo yeudzvanyiriri. Ticharamba tichienderera mberi kunyange paine POSA. Kunyange mabatirwe edu muzvitokisi achirwadza uye tichishungurudzwa nemapurisa aneutsinye, ticharamba tichisimudza manzwi.



Nyaya yakanyorwa na Rhoda Mashavave, inemusorowenyaya wokuti, ‘Vanhukadzi Votarisira Zororo Mumitemo Wekudzivirira Mhirizhonga Mudzimba’, yakabudiswa pazimbabwejournalists.com, inoti “Zvinhu zvinorwadza kuti mutemo uyu haudziviri vanhu kumhirizhonga inotsigirwa nehurumende. Tikatarisa sangano reWOZA, isangano remadzimai akazvipira. Madzimai aya ndiwo ari pamberi pakushoropodza kukwidzwa kwemitengo yekudya huye kudzvanyirirwa kwekodzero dzevanhu munyika. Nemhaka yeizvozvo madzimai aya ava neushamwari nekuvharirwa muzvitokisi uye vanoramba vachisungwa pese pavanoratidzira zvinerunyararo. Vanoshungurudzwa nekurohwa nemapurisa nguva dzese dzavanoratidzira”.



Kunyangwe vakatiita sei, WOZA neMOZA ticharamba tichidudza mifungo yedu nekushoropodza mhirizhonga inoitwa kuzvizvarwa zvese zveZimbabwe – vanhukadzi, varume nevana. Hatingambotamburi takanyarara. Batanai nesu – mumanzwi emumwe wevaumbi veWOZA, mushakabvu Sheba Dube, “Ngatisimukei, tibatane titaure zvazviri sezvazviri.”



WAROVA MUKADZI WAROVA DOMBO






BATANAI NEI PAKUINDISA MASHOKO AYA KUHURUMENDE – ITAI RUZHA RWEKUNYUNYUTA


HATINGAMBOTAMBURI TAKANYARARA – HATINA MUFARO UYE TINODA KUTI MUZVIZIVE


8pm manheru kubva musiwa 25 November kusvika 10 December



Join WOZA by sending your application letter to P.O. Box FM 701 Famona Bulawayo. Tell us who you are and why you want to join WOZA. Write in any local language. Send us a self-addressed with postage stamp for us to send your Sisterhood Promise. Once you have signed this and posted it to us we will send you your membership card in the second self-addressed and postage paid envelope. We will then bring you into our WOZA family.

Post published in: News

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *