mso-pagination: none; mso-layout-grid-align: none”>Na Gift Phiri

Mukomana achitsvaira pamba pavo
pakapwanyiwa paMurambatsina yepiri
yakaitwa mwedzi wakapera.
Makambani ekunze achatorwa nehurumende
HARARE – Hurumende yavaMugabe yatora danho rekupedzisira rekutora hupfumi hwese hwenyika kuhuisa pasi pehurumende.
Hurumende yehuori iyi yatoratidza kusava nehanya nezvibvumirano zvayakanyorerana nedzimwe nyika nokubvumirana kwakaita makurukota svondo rakapera kuti vafambise chirongwa cheNational Indigenisation and Empowerment Policy (NIEP).
Iri ndiro danho rekupedzisira muchirongwa chekuisa hupfumi pasi pehurumende chakatanga nekutorwa kwemapurazi mugore ra2000 uko kwakaitwa neganyabvu nekupondwa kwevanhu, kukazoteverwa nekubiwa kwedzimba dzavo, motokari nezvekurimisa zvavo.
Migodhi ndiyo yakazotevera pachiiswa mutemo wakamirira kubvumiranwa mudare reparamende wekuti migodhi yose ive nevanhu vatema vari varidzi vanodarika vachena.
Svondo rino vanhu vari pachinhano chekuziva vakaudza VeZimbabwean kuti VaMugabe vave pedyo nekufambisa mutemo mudare reparamende wokuti makambani ose atengesere vanhu vatema chikamu chakaenzana nechinosara chiri mumawoko evachena.
Makambani achabatwa-batwa muchirongwa ichi anosanganisira Old Mutual, Barclays Bank, Stanbic, Standard Chartered, Anglo American, Rio Tinto, BHP, Lever Bros, BAT neOlivine.
CIO yoyambira nezvehondo
Izvi zvakabuda mukutaurirana kuri kuita veMovement for Democratic Change nechikwata chakabuda mairi chinotungamirirwa naArthur Mutambara, icho chichiri kungozviti MDC, avo vanonzi vakabvumirana kuti varwise Mugabe vakabatana.
MaCIO akataura neZimbabwean svondo rapera akati mashefu avo ari kuedza nepaanogona kuti kufunga kweCIO uku kusasvika kuna vaMugabe.
MaCIO akati avo vaishanda nyaya yekuongorora pfungwa dzevanhu panyaya iyi vakati Zanu (PF) inofanirwa kupinzawo vechidiki pazvigaro, asi sarudzo yemuna March 2008 yaifanirwa kuenda mberi.
“Isu tisu maziso nenzeve dzehurumende uye tinofanirwa kutaura chokwadi chatinenge tawana kubva kuvanhu. Zvakatoonekwa, mamwe mashefu akatozvinzwawo kuti vanhu havasi kufara nenyaya yekuti VaMugabe varambe vachitonga, nyanyenyanye nekuoma kuri kuramba kuchiita zvinhu.
“Vanhu vanoti havasi kuzovhotera ZANU (PF) kunze kwekuti VaMugabe vabva pachigaro, asi VaMugabe vari kunyeperwa nemashefu edu ayo anotaura navo,” akadaro mumwe muCIO ndokuwedzera achiti maCIO epakati ose, anova ndiwo akawanda, anobvumirana nazvo.
MuCIO uyu akati vakomana vakafamba muvanhu vakatoita vhoti yavo.
MDC haisi kuzobvuma kuti sarudzo iiswe kuna 2010
HARARE – Bato riri kutonga reZanu (PF), iro riri kutarisirwa kuti mangwana richabvumirana kuti riwedzere nguva yekutonga yaPresident Robert Mugabe, rakatoudza veZimbabwe Election Commission (ZEC) nevehofisi yaRegistrar of Voters kuti varegere zvavo kugadzirira sarudzo kusvika vazoudzwa kuti vachitangisa.
Vanoziva vakati Registrar-General, VaTobaiwa Mudede nasachigaro weZEC VaGeorge Chiweshe vakatoudzwa kuti vazive nezvekugadzirira sarudzo yekuzadzisa chigaro chakasiiwa naVaAaron Baloyi kuChiredzi South.
Vakataura neZimbabwean vemuhofisi yavaMudede nevemaVaChiweshe vakati vakatoudzwa kuti vakanganwe nezvesarudzo yemutungamiri wenyika asi kuti vagadzirire sarudzo yemakanzuru chete iyo ichaitwa mumwedzi waAugust gore rinouya.
Asi vaNelson Chamisa, muburitsi wemashoko weMDC inotungamirirwa vaVaMorgan Tsvangirai akati MDC ichapokana nenyaya iyi nokuti kutyora bumbiro remutemo kuri pachena.
Mutauri wevechikwata chakabuda muMDC VaGabriel Chaibva, akatiwo bato ravo richarwisa nyaya iyi yekuwedzera kutonga kwaVaMugabe.
Nhumwa dzedzimwe nyika dzakatiwo zvinhu zvakadai zvinofanirwa kuiswa kuvanhu, kwete kuti bato rimwe chete ringofungira nyika yose.
Mombe dzakauchikwa dzourawa
Varimi vave kumanikidzwa kuuraya mombe dzavo, idzo dzaishandiswa kubereka dzimwe nokuti dzakauchikwa, nokuti vanhu vakavatorera mafuro avo.
Izvi zvakataurwa nesangano revarimi vemapurazi makuru iro rakati varimi vakatouraya mombe dzinokwana 200 000 dzakauchikwa, zvichisanganisira mhou dzanga dzine mazamu nokuti vanhu vanotevedzera President Mugabe vakapisa mafuro kuChimanimani.
Vatungamiri veCommercial Farmers’ Union vakati, “Danga rekuberekesa mombe dzemunyika raparara nokuti varimi havachina mafuro. Handisati ndamboona mombe dzichiwonda kudai nenguva shoma kudai.”
Vakatizve nzvimbo dzekuuraira mombe dzakatozara nevakanyoresa kusvika muna February.
Vanhu vakangopinda mumapurazi vakatanga kugara vari kuuraya mombe dzekuberekesa idzi uye vari kuurayawo mhuka dzemusango. Vauyi ava vari kumanikidza varimi kuti vavape mari.
Vakatizve: “Mvura zvayave kunaya tichatouraya mombe dzose nokuti tingazonzi dzadya zvirimwa zvevanhu muminda yedu.”
Mabhekari ovhara
Mabhekari atanga kudzinga vashandi mabasa uye vari kurasikirwa nemari inokwana $5,8 million pazuva nokuda kwegakava riripo – hurumende ichiti mutengo wechingwa usakwidzwa.
Mabheka anoti ari kurasikirwa nemari yakawanda uye vangangobuda mubasa rekubheka chingwa panongopera furawa yavanayo iko zvino.
VaBurombo Mudumo, sachigaro weNational Bakers Association, vakati svondo rino mabheka ari kurasikirwa ne$5,8 million zuva nezuva nekuramba kukwidza mutengo kwehurumende
VaMudumo, avo vakasungwa nenyaya yekukwidza mutengo zvisiri pamutemo, uye vari kutongwa vachibva kumba, vakati: “Hazvigoneki kubheka chingwa nemari inoita $520 ini ndotengesa chingwa chacho ne $295. Bhisimusi rinoita izvi rinoguma ravhara chete.”
Vakati sangano ravo rakanyorera kubazi rezvekugazira zvinhu (Ministry of Industry and International Trade) richikumbira kuti mutengo ukwidzwe kuenda pa$700.
Maneja weimwe kambani yekubheka akati, “Tiri kurasikirwa nemari yakawanda zvokuti tava kutodzinga vammwe vashandi basa.”
Bhajeti kwaiva kutituka – ZCTU
Mutungamiri weZCTU VaLovemore Matombo akati gwaro rekushandiswa kuchaitwa mari gore rinouya rakaburitswa negurukota rezvemari VaHerbert Murerwa raiva rekunyomba vashandi nokuti harina kumbotarisawo zvaidiwa nevashandi munguva ino yekukwira kwemitengo.
ZCTU yaikumbira kuti mari inotambirwa nevashandi yepasipasi ive yakaenzana nemari yakataurwa nehurumende kuti ndiyo shomasa inokwanisa kuraramisa mhuri (Poverty Datum Line), iyo yakanzi iri paZ$208,714.84 pamwedzi. Uye iri kudawo kuti mari inopihwa vashandi yekufambisa iwedzerwe.
VaMatombo vakati sangano ravo haraizodzokera kumashure panyaya yemari nokuti chero mari shoma yacho inodiwa yairamba ichikwira mazuva ose zvokuti zvinhu zvinotofanirwa kuti zvigadzirwe.”


