Shona 07-12-2006


Mhondi dzeZanu (PF) dzaka


pfeka mayunifomu echipurisa dzakarakasha madzimai eWOZA nevana vawo vairatidzira murunyararo svondo rakapera.

Hondo yenhaka yavaMugabe yotsviriridza pamwe chete neyehuori hwekuZisco
HARARE – Mukuenderera mberi kwemakakatanwa akatanga mazuva akaitwa chirongwa chekuda kuisa vaEmmeson Mnangagwa pahutevedzeri hwemutungamiri wenyika kuTsholotsho, vaMnangagwa vakafambisa nyaya yekuti gurukota rezvekugadzira zvinhu, vaObert Mpofu vadzingwe mudare reParamende.
Mugore ra2004 VaMpofu ndivo vakatengesa chikwata chaVaMnangagwa kuti chaironga musangano kuDinyane High School kuTsholotsho kuti chibvanganyure chirongwa chekuisa Mai Joice Mujuru pahutevedzeri hwemutungamiri wenyika kuti VaMnangagwa vagopinda.
Izvi zvakazokonzera kuti VaMnangagwa vadzikisirwe pasi uye kuti masachigaro ekumapurovinzi adzingwe pazvinzvimbo zvawo.
VaMnangagwa vazotsividza papera makore maviri vachifambisa matanho ekuti VaMpofu vamiswe padare vachipomerwa mhosva yekunyepera dare reParamende asi ivo vange vambopika kuti vachataura chokwadi maererano nenyaya yehuori hwakaitwa kuZiscosteel, kambani yehurumende.
VaMpofu vanonzi vaiedza kudzivirira kubuda kwegwaro rinotaura kuti Mai Mujuru ndemumwe wevanhu vakapindawo muhuori uhu apo vaibhadharirwa mari yekugara muhotera kuGaborone, Botswana ivo vafambira zvinhu zvisinei nehurumende.
VaMnangagwa vari kutosheedzera kuti vanhu vose vakabatwa nenyaya pahuori hwekuBotswana vapfigirwe mutirongo uye kuti VaMpofu vadzingwe mudare reParamende.
Mutungamiri wedare reParamende, VaJohn Nkomo, avo vakabvawo kutaura kuti vanodawo chinzvimbo chekutungamira nyika kana vaMugabe vaenda, vakatambira nyaya yekukwidza VaMpofu makata – kanova ndiko kekutanga kuti dare rifambise nyaya yekudzinga munhu kubva pakauya kuzvitonga kuzere.
Vamwe vaongorori vemuZanu vanoti nyaya yekuZiscosteel inogona kutodonhedza Mai Mujuru nemumwe mutevedzeri wemutungamiri wenyika, VaJoseph Msika, VaMnangagwa vobva vasara vachinyatsoronga mapindiro muchigaro.


Reserve bank yakadzorera marizinisi kuvanhu vanotenga nokutengesa mari dzekunze avo vanga vabva kutorerwa marizinisi vachinzi havasi kufambisa basa nemazvo.
Zvitoro zvemari zvakadzoserwa marizinisi azvo ndeizvi: Fedex Financial Services, Stanbic Bank, NMB Bank, Zimpost, Barnfords, Pacific neCFX.
Mugwaro kumapepanhau, mutungamiri weReserve Bank, VaGideon Gono, avo vari kunetseka nehupfumi hwenyika, vakati vakadzosera marizinisi aya nokuti varidzi vezvitoro vakati vave kuzotevedzera mutemo.
“Tavadzorera netarisiro yokuti vachange vachifambisa basa vachitevedzera mutemo uye marizinisi avo achava egore rimwe chete, isu tichiongorora kuti vari kuita basa nemazvo here,” vakadaro VaGono.


VaNcube vakapihwavo purazi
HARARE – Munyori wechikwata chakabuda muMovement for Democratic Change ((MDC) chichitungamirirwa naArthur Mutambara, Professor Welshman Ncube, vakapihwa mapurazi naPresident Robert Mugabe mwedzi wakapera.
Vachidavira mubvunzo mudare reParamende gurukota rezvedzimba VaEmmerson Mnangagwa vakati kupiwa purazi kwaVaNcube kwairatidza kuti hurumende iri kupa vanhu vose nyangwe vanopikisa kana vaimbotaura zvakaipa nezvekugovewa kweminda.
Mumiriri weMDC weGweru Urban muParamende, VaTimothy Mukahlera ndivo vakange vabvunza kuti vamiririri vebato rinopikisa vaipihwavo here minda muchirongwa chehurumende chekupa vanhu minda.
VaMnangagwa vakasetsa vanhu mudare apo vakati VaNcube vakabuda mugwara rebato ravo vakanyoresawo kuti vapihwe purazi “iyo hurumende ikavapa.”
“Tinotenda kuti nhengo inopikisa iyi yakazoona kukosha kwevhu,” vakadaro vachifa nekuseka. Hatina kukwanisa kuvabata kuti tivabvunze nyaya iyi.
Asi muburitsi wemashoko webato ravo, VaGabriel Chaibva, vakati bato ravo hariwirirani nemagoverwo ari kuitwa minda nehurumende yeZanu (PF).
Mumwe Mumiririri weMDC muHarare Central, VaMurisi Zwizai vakapopotera VaMukahlera kuti vakapa chinguva kubato rinotonga kuti riseke vanopikisa nokuda kwemubvunzo wakapusa.


Mugabe should take hiv test
VaMugabe Ngavatariswe kuti havana HIV Here sezvo makurukota avo masere anayo.
HARARE – Vamwe vari kurwisana nekudzidzisa vanhu nezveAIDS vakati dai mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe vambotorwawo ropa vanhu vachiona robva ranoongororwa.
Izvi zvinogona kubatsira vanhu vakawanda kuti vaone kuti hapana chakaipa pakutorwa ropa richinoongororwa.
Izvi zvakataurwa pamabiko ekupemberera vatungamiri munyaya dzekurwisa HIV avo vakange vahwina mubayiro unonzi Auxillia Chimusoro wekushinga kutungamira hondo yekupedza HIV/AIDS.
Mubayiro uyu wakatumidzirwa zita remumwe mukadzi akabuda pachena mugore ra1989 chero zvazvo mazuva iwayo zvaityisa kutaura kuti ndine chirwere.Akazofa mugore ra1998.
Mumwe mutungamiri wechikwata chisiri chehurumende chinonzi Zimbabwe National Network for People Living with HIV/AIDS (ZNNP) akaudza munyori wedu kuti makurukota masere emuhurumende yaPresident Robert Mugabe anacho chirwere uye vaitopihwavo mishonga nechikwata chavo pachena.
Akaramba kudoma mazita asi akati dai VaMugabe vambotorwawo ropa vanhu vazhinji vaizoona kuti chinhu chakanaka.
Vanhu vanosvika 300,000 vanofanirwa kunge vachipihwa mishonga, asi hurumende iri kukwanisa 40,000 chete. Chirwere chatosiya nherera dzinokwana 1 600 000 muZimbabwe

Zanu haichina kumira zvakanaka
HARARE – Zanu (PF) iri kuenda kumusangano wayo wepagore muna December isina kana nyaya yekunoudza vanhu kunze kwenyaya yeminda neyekuzomira kuchaita musoro webato – Politiburo.
Vamwe vemuZanu (PF) vari kuenda kumusangano uyu vachigunun’una kuti vaMugabe nemakore avo 82 vacharambira pachigaro pachishaya anotaura nokutya.
Vamwe vakuruvakuru vemuZanu vakataura nemutapi wedu pamusangano weHarare purovinnzi svondo rakapera vakati kutsutsumwa kuri kungokwata zvako asi hakusati kwave kusimudza chivharo chehari.
Chero zvazvo vakamboedza kurambidza mutapi wedu kupinda mumusangano zvaioneka kuti musangano uyu, wainzi wakanangana nekubatanidza kuzvitonga kuzere, kuvandudzwa kwezvemigodhi nekupa masimba kvanhu vatema, wakange usina kumira zvakanaka nenyaya yavaMugabe.

Mapurazi odamburwazve
HARARE – Hurumende yakazoti mapurazi makuru haachabvumirwi kupfuura 250 hectares (2.5) square miles kana muri munzvimbo mune ivhu rakanaka nemvura kana kuti 2000 ha (20 sq km) kana muri makaoma munoshandiswa kuita mombe nezvimwe zvipfuyo chete.
Hurumende yakati kana mapurazi akapfuura apa achachekwa.
Gurukota rezveminda nekurima, VaJoseph Made ndivo vakataura izvi vachitizve vachena vanga vane minda yakakurisa. Zvinonzi kwasara varimi vachena 72 chete pamapurazi 927.
“Nyaya yavo iri kuongororwa uye vachapiwa tsamba dzekuti vagare panenge pasara, asi vanenge vasina kupiwa tsamba zvinoreva kuri mapurazi avo ose ave kupiwa kuvanhu vatema,” rakadaro rimwe gwaro rakaburitswa navaElliot Manyika, Political Commissar weZanu (PF)
Gwaro iri rinotizve minda iri mumaoko evachena haisi kunyatsoshandiswa, asi vamwe vanamazvikokota vanoti kana mutemo uyu ukaiswa uchauraya kurima pamamwe mapurazi anga akabata nyika.
Svondo rakapera VaMugabe vakati bato rinopikisa reMDC, varimi vechichena nehurumende yeUnited Kingdom imhondi, uye huurumende yeUK ndiyo inobhadhara humhondi hwavo.


Post published in: News

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *