Shona Translation 18-01-2007


Nyaya NaGift Phiri
Vatangazve Kupemha Mari Yebhavhadhe raPresident.
HARARE - Bato riri kutonga reZanu (PF) ratanga kuenda kumakambani richiamanikidza kub


visa mari yekupemberera mutambo wemakore 83 ekubarwa kwaPresident Robert Mugabe mwedzi unouya.
Zanu iri kuda Z$10 billion kubva kumakambani ayo ari kutoonawo zvawo moto nekusamira zvakanaka kwehupfumi munyika.

“Ndinonzi Bob ini . Handiende”
Komiti yekutsvaga mari, iyo ina sachigaro, Enoch Porusingazi, mumiririri weChipinge South muparamende, yakati inoda kuti purovhinzi imwe neimwe iwane $1 billion kubva kumakambani.
Makambani nevanhuwo vanemari vari kutarisirwa kuburitsa mazakwatira emari yekupemberera bhavhadhe iri rabva raitwa kunge zuva rezvenyika, asi iro risiri.
Mumaonero eZanu munhu wose ane mari akaiwana nokuti VaMugabe neZanu vakasunungura nyika, saka bhavhadhe ravo inguva yekumbodzosawo.
Kukuvara kwaita hupfumi hwenyika havatombokuoni kana vatanga zvekupemberera zvaPresident Mugabe avo vanotarisirwawo kupiwa zvipo.
Vana vechikoro nemaYouth Brigades kumapurovhinzi ose vanotarisirwa kuti vachamacha se21st February movement vachicherechedza zuva iri zvine chiuto.
Mari iri kutarisirwa kuwanikwa yaigona kubatsira zvihuru zvevanhu munyika yave kutotemba nechikafu chekupemha, isina nemagetsi ayo anogara achimboenda.
Vanoona vanoti mari iyi dai yashandiswa hayo kupa vanoshupika kwete kupembedza harahwa yadhakwa nekutonga.


Mitemo yakaoma ichamiswa muParamende
HARARE – Hurumende yeZimbabwe iri kutarisirwa kufambisa mitemo yakanangana nekutsigisa hutongi hwaPresident Mugabe mudare reParamende svondo rinouya .
Dare reParamende richatanga kugara neChipiri kuti rigadze mitemo yakanangana nezvekuchengetedzwa kwenyika zvakanangana nekunyaradza vanhu vanopikisa nokushoropodza kukoniwa kwehurumende.
Bato rinopikisa reMDC rakatozvishoropodza zvekuti hurumende yaVaMugabe iri kushandisa dare iri kuchengetedza hutongi hweZanu chete zvisiri pamutemo.
“Hurumende yeZimbabwe ndiyo yave kukunda nyika dzose pahudzvinyiriri nerusaruraganda,” akadaro muburitsi wemashoko weMDC VaNelson Chamisa.
Gurukota rezvemitemo VaPatrick Chinamasa vakati mitemo iyi – yeInterception of Communications Bill, Suppression of Foreign and International Terrorism Bill, National Incomes and Pricing Commission Bill ne Census and Statistics Bill yakatangwa kutaurwa nezvayo gore rakapera saka ichachigadzwa gore rino.
Interception of Communications Bill, ichapa hurumende masimba ekutarisa nekuteerera zvinenge zvichitumiranwa nevanhu zvavo paInternet kana nedzinhare.
VaMugabe vanoti zvinoitirwa kuchengetedza nyika kubva kuvavengi. Suppression of Foreign and International Terrorism Bill ichaitawo kuti vanhu vakwanise kungosungwa vachinzi vari kuda kubvisa hurumende nechisimba, vobva vavharirwa kwehupenyu hwavo hwose.
National Incomes and Pricing Commission Bill ichapawo hurumende masimba kutara kuti zvigadzirwa zvemunyika zvitengeswe nemarii – chero mari yacho iri pasi pemari inodiwa kugadzira zvinhu izvi. Hurumende yakamboyambirwa nezvemutemo uyu asi iri kungoita umbimbindoga ichienderera.
Kozotiwo Census and Statistics Bill rinonzi richapa hurumende simba rekuburitsa zvemanyepo maererano nekukwira kwezvinhu kana vanhu vari mumabasa – izvo zvakatomboitwa nehurumende zvikazonyadzisa pazvakazobuda kuti manyepo.- NeMunyori Wedu.

Foreign descent laws affect 1.5 million Zims

Mitemo yehugari ichakanganisa vanhu 1,5million
HARARE – Hurumende iri kuda kushandisa pavanhu vakawanda mutemo wayakashandisa panaVaTrevor Ncube kuvatorera hugari hwavo muZimbabwe.
Vanhu vanopikisa hurumende vari vechiKura kana vane vabereki vakabva kune dzimwe nyika dzakaita seMalawi kana Mozambique vachazoona vasisina hugari hwavo hwemuZimbabwe, ivo vagara vasina hwekune imwe nyika yacho, vobva vatoita vanhu vasina nyika yavo.
Hofisi yaRegistra General yakati munhu wose akaberekwa nevabereki vekunze anofanirwa kunge aenda kumahofisi aya kuno pangidza kuti akaramba hugari hwekunyika yechizvarwa chevaberekki vake musi wa February 6 usati wasvika.
Mutemo mutsva uyu wakanangana nokuti vanhu vanenge vasati vaita izvi vasakwanise kuvhota musarudzo yemakanzuru muna August gore rino.
Vanu vachanyanya kunetseka ndeavo vakazvarirwa pamapurazi nevabereki vakabva kuMozambique, kana kuMalawi, asi vazhinjiwo vanosvika 12 000 vane vabereki vakabva kuIndia vachaonao nhamo yacho – iyo hurumende yeIndia ichiti haigoni kuvapa tsamba muHarare yekuti vakaramba hugari hwekuIndia ivo vasina kumbonga vambohuwana.
Ongororo yakaitwa neUS State Department yakaona kuti muhofisi mavaMudede (Registrar General) mune huori uye mutongi wemuHigh Court akambotaurawo kuti hofisi iyi inenge yaida zvekudzvanyirira vanhu vanoonekwa sevanopikisa.
Bato rinopikisa reMDC rakati kana rotonga richazvidzosera zvazvanga zviri nokuti hazvigoneki kuti vanhu vamanikidzwe nemutemo kuda mutongi.


Rufu rwaMutonhori – mhuri yoda chokwadi
HARARE – Mhuri yaStrover Mutonhori, uyo anonzi aidanana nemudzimai weGurukota reHome Affairs VaKembo Mohadi, akazouraiwa, inonzi yave kuda kuti muchuchisi mukuru Attorney General nebazi raPresident vapindire munyaya yekufa kwemwana wavo kusina kumbotongwa zvakatsarukana.
Mapurisa akati magwaro ekusunga VaMohadi akashaikwa uye humboo hwese hwakabatwa-batwa zvekuti zvave kunetsa kuti vasungwe..
Muzvinyorwa mhuri yakati yaimirira kushandurwa kwemakurukota kuti VaMohadi vabve pahukurukota hwemapurisa kuti nyaya yavo igokwanisa kuongororwa – nokuti hapana kunomboenda nyaya yacho kana varipo.
VaMohadi ndivo vaifungidzirwa kuti vakauraya chikomba chemudzimai wavo mugore ra1999 apo Mutonhori akangoshaikwa kubva pahotera inonzi Omadu kuMaphisa kwaakange aine mudzimai wavaMohadi. Mutumbi wake wakazoonekwa kuMzingwane, pedyo neBulawayo.
Mumwe mumiririri wemhuri yekwaMutonhori akati vaMohadi vakangodaidzwa kamwe chete muna2002 kumapurisa, asi pavakangozoitwa gurukota rehurumende nyaya yakabva yangonzi zii.
“Tinodaira kuti ndiye akauraya mwana wedu, nokuti achangobvazve kutongwa nenyaya yekunongedzera mumwe munhu pfuti (VaLloyd Siyoka sachigaro weZanu (PF) kuMatabeleland South),” akadaro mumiririri uyu, akaramba kuti zita rake riburitswe.
VaMohadi vakati, “Ini handizivi kuti vekwaMutonhori vanodei, vanogona kundibata kana nekumagweta angu vanokuziva, kwete kuda kutaura neni nekumapepanhau.” Vakaramba kuti vakavhiringidza wongororo yenyaya yavo.


Hondo kuChiredzi nokuda kwesarudzo
CHIREDZI – Ukasvika kuChiredzi South mazuva ano akanangana nesarudzo yemumiririri mudare reParamende unobva watoona kuti wasvika muhondo chaiyo.
Kune sarudzo musi waFebruary 17 nokuda kwokufa kwakaita mumiririri weZanu (PF) VaAaron Baloyi.
Mapurisa akazara nemaguchu ehutsi hunokachidza nemazipfuti anenge achisecha motokari dzose dzapinda mudunhu.
Isu yedu motokari yevatapi venhau yaiteverwa nevanhu vakange vaine hembe dzamayouth brigades eZanu (PF).
Mai Immaculate Makono, avo vane bhizimisi ravo muChiredzi ndivo vari kumirira MDC inotungamirwa navaMorgan Tsvangirai vachikwikwidzana neweZanu (PF), Killian Gwanetsa.
Kuhwinwa kwechigaro ichi hakuna zvako zvakunokwanisa kuita pakushandura mamiriro ehuwandu hwevanopikisa muParamende, asi hondo iri kuoneka kuti iripo, mativi ose achiunza vakomana kubva kunze kweChiredzi South kuti varitidze chisimba.
Asi nokutya vanhu veZanu marari haasi kunyanya kuendwa nevanhu.
Pane imwe rari takaona mumwe mutevedzeri weMDC achingotarisa ari pavharanda rechitoro achiti aitya kutorwa zita sezvo pakange paine vanhu veZanu (PF) vaitora mazita evanhu vaiva parari iyi.
“Kana ava manheru manje munoona votevedzera mazita aya vachienda pamba nepamba vachirova vanhu vose varipo,”
Zanu (PF) inotiwo vebato rinopikisa ndivo vakatanga zvemhirizhonga apo vakarova mumwe wavo akafa pasarudzo iyoyi.


Post published in: News

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *