Shona Translation 01-02-2007


Vanhu vachiratidzira muHarare svondo rakapera... vairatidzira kusada kwavo nyaya yekunzi President Robert Mugabe vatonge kusvika mugore ra2010, asi kuti sarudzo iitwe gore rinouya.

images/stories/old/demo1.jpg” width=150 border=0>
Bulawayo yaramba kuti vaMugabe vatonge zvachose
Namibia neDRC dzopa zvombo kumaWar Vets
NaGift Phiri
HARARE – Pane zvombo zviri kufamba zvisiri kuonekwa kwazvo pakati pe Zimbabwe neNamibia neDemocratic Republic of Congo (DRC), sekutaura kwakaita vamwe vemuchiuto.
Vanoti Zimbabwe iri kuunganidza zvombo pamakamba emasoja akatenderedza nyika yose kuri kugadzirira vanopikisa vanenge vachida kuratidzira.
Namibia neDRC ndidzo dzinonzi dziri kubatsira Zimbabwe kutenga zvombo zvisiri pamutemo kuitira kuchengetedza President Mugabe avo vane hutongi husisina kugadzikana, vasi vachida kuramba vachitonga.
Pfuti dzakagadzirwa kuFrance zvinonzi dzichapihwa maWar Vets, kana vanhu vanozviti ndivo maWar Vets ivo vari vanhu zvavo. Vanonzi ndivo vava kuzoita chimwe chiuto chevanhu “vane gwara reZanu”.
Gurukota rekudzivirira nyika, vaSydney Sekeramayi vakatadza kubatika kuti vataure nyaya iyi, asi vanoziva vanoti chiuto chiripo chichange chichidzidzisa nekupa zvombo kumaWarVets ayo achava reserve yakataurwa nevakuru vemapurisa, vechiuto nevechiuto chemudenga.
Vanoziva vakati chirongwa ichi chiri kuitwa nechikwata chemaWar Vet chakasarudzwa naPresident Mugabe chichisanganisira avo vaimbova vatungamiri wemauto erusununguko vaSolomon Mujuru, vaVitalis (Gava) Zvinavashe navaDumiso Dabengwa.
VeZimbabwean vakanzwa kuti mabhesi akatotanga kugadzirwa munyika yose pedyo nemakamba emasoja agara aripo, kuitira kuti vebato rinopikisa vasatombokwanisa kana kuungana kumaruwa vachiratidzira nenyaya yekusada kuti vaMugabe vatonge kusvika vafa.
Zimbabwe National War Veterans Association (ZNWVA) yakatotaurirwa naElphas Chitera kuti inofanirwa kutevedzera zvinodiwa izvi.


Kudhura kwehutongi hweudzvinyiriri
NaJohn Makumbe
Varairidzi vanofanira kunge vari pakati pekuramwa mabasa asi pari zvino hapana chiri kuoneka chekubudirira kwechirongwa ichi.
Vanowanzokurumidza kutyisidzirwa vobva vadzoka kumabasa voita “Go Slow” inoreva kuti vanenge vasingadzidzisi vana.
Vebato redzidzo rinotungamirirwa nedofo rinonzi Chigwedere vanongoti tinokudzingai basa kana kukukandai kuzvikoro zvekumapfanya.
Masvondo mashoma apfuura vesangano revarairidzi vemuzvikoro zvepamusoro vakatiwo tava kuenda pakuramwa mabasa, asi zvikoro zvacho ndokuregera kuvhura vachiti vachambopa vabereki nguva yekutsvaga mari sezvo chikoro chave kudhura zvakanyanya.
Asi hapana chichabatsira nokuti pavanongodzoka vachasimudzira nyaya yavo, ivo vana vechikoro vacho vachauyawo vane hasha dzezvese zviri kuitika, zvokuti panenge pachingodiwa kanhu kadikidiki kuti kuratidzira kukuru kutange.
Vazhinjiwo vachatadza kuuya kuzvikoro nekushaya mari.
Chihurumende chehudzvinyiriri hachichakwanisi kubhadhara mari yachaisimbobhadhara kuti mutengo wemafuta urambe wakadzikira zvokuti vamwe vava kutengesa peturo nedhiziri ne$5 000 palitre rimwe chete uye vemakombi vari kubva vangokwidzawo, zvichireva kuti vanhu vazhinji vachatotadza kupedza mwedzi vachienda kubasa. Saka vanhu vozvibunza kuti vogoenderei kubasa kwacho.
Zvose izvi zviri kuratidza magumo echihurumende chehusatani chaMugabe. Vamwe vanotiwo kana kuchiuto nekumapurisa kwacho kuri kutizwa nenyaya yekusabhadhara. Hurumende yongodzivaira ichishaya mazano ekupedza nawo nhuna idzi.
Mamwe masoja ava kutoita chikororo kuti ararame. Mapurisa akanzi agadhe chikorokoza iwo pachawo ari kuzvibatsirawo – achitochera iwo otuma vanhu kuti vanotengesa.
Hurumende zvava kuidhurira kuramba yakavharira nyaya dzose pasi, asi hazvisati zvapera kuipa.


Vana vechikoro vonetseka nekukwira kwemari yacho
NaGift Phiri
HARARE – VeZimbabwe National Students’ Union (Zinasu), sangano revadzidzi munyika yose rine vanhu 50 000, vakati vava kusimudzira chirongwa chekuratidzira nenyaya yekukwira kwemari yavo yechikoro nekushungurudzwa kuri kuitwa vatungamiri vavo kuti vakarerekera kupi.
Washington Katema, mumwe mutungamniri weZinasu akati musangano wavo uyo wakaitirwa kuBulawayo wakabvumirana kuti kuratidzira kuitwe.
Hurumende yakabva kukwidza mitengo yezvakawanda zvakanangana nefundo uye yakati misangano haichabvumirwi pazvikoro – izvi zvichiitwa kuvhara tsigiro iri kuwanikwa nebato rinopikisa reMovement for Democratic Change (MDC).
Katema akati hurumende yakaramba kuvakwidzira mari yavanowana asi ndokukwidza yavanobhadhara, iwo mapurisa erayoti achingomira-mira paBelvedere Teachers’ College muHarare neMasvingo Teachers’ College uko kunonzi hakusisina kumira zvakanaka nekusafara kwevana vechikoro.

ZCTU yondovhotera kuramwa mabasa
HARARE – Sangano remasangano evashandi, Zimbabwe Congress of Trade Unions (ZCTU), rinoti kutaurirana nehurumende nenyaya yekukwidzirwa mari dzekuhora kwashaya basa saka vava kunobvunza nhengo dzavo kuti todini.
“ZCTU inoona hurukuro dzaiitwa muTNF (Tripartite Negotiating Forum) kuti dzapera, saka tava kunoona kuti nhengo dzedu dzinotii nezvekuramwa mabasa,” vakadaro munyori mukuru weZCTU vaWellington Chibebe.
ZCTU iri kuda mari yepamwedzi inoenderana nemari yakataurwa nehurumende kuti ndiyo shomasa inokwanisa kuraramisa mhuri (Poverty Datum Line (PDL)) iyo iri paZ$350,000 pari zvino. Vanodawo kuti mari dzekufambisa nedzekubhadharisa dzimba dzikwidzwewo. Kwakatomboitwa kumisa mabasa kushoma kwekuyambira.
Vashandirwi zvichisanganisira hurumende (Public Service Commission) vari kuramba izvi nokuti vanoti hazvikwanisiki nekumira kwakaita hupfumi.
Chero vaibvuma havo kuti mari iri kutambirwa nevashandi ishomasa, mumiririri wevashandirwi (Employers Confederation of Zimbabwe (EMCOZ)) vaMike Bimha vakati zvaidiwa nevashandi nezvinoda vashandirwi zvakanyanya kusiyana, saka vashandirwi vava kumbodzokera kunotaurirana voga.
Asi ZCTU yatotanga kuita kuratidzira kwekuyambira kuti zvinhu zvinogona kungoipa kuHarare nekuBulawayo.
Hurumende yakayambira kuti haisi kuzobvumira vanhu kukonzera mhirizhonga nekuratidzira ichiti pakangoitwa zvekuratidzira chete mapurisa achaona zvokuita.
ZCTU ingangoita zvokuti vashandi vagare kumba kwete zvekuratidzira mumigwagwa.
VaChibebe vakati mapurisa nemasoja ngaaremekedze kodzero yevashandi yekuratidzira.
“Munhu wose, zvichisanganisira iwo mapurisa nemasoja ari kungonetsekawo nemari yechikoro, yemabhazi, yedzimba, nemarates, ayo ari kungokwidzwa zvisina tsarukano,” vakadaro VaChibebe.
“Ndinokumbira kumapurisa, nemasoja kuti vazvibate nekusasunga kana kunetsa hama dzavo dziri kurwirawo kurarama.” – NaMunyori Wedu

Post published in: News

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *