News in Shona

Congress yeMDC yazobuditsa muvengi pachena

NaSTANFORD MUKASA

WASHINGTON - Congress yeMovement for Democratic Change yakayambutsa vana veZimbabwe chimwe chinhano mukuwongorora nyaya dzinovabata nekuwongororawo vatungamiriri vemusangano kubva m


ukupatsanuka kwakaita MDC munaOctober.


Vanhu zviwuru gumi nezvishanu vakauya vakaratidza kuti MDC inevanhu chaivo mativi mana ose enyika zvisina kuti muKaranga kana kutiMuzezuru, MuNdevere kanakuti murungu. Yakava mhuri yeZimbabwe yaungana kuzotaurirana nezvekutonga koruzhinji nokubvisa Robert Mugabe.


Congress iyi yakavazve nevanhu vakawanda kudarika yeZanu (PF) iyo yaiva nezvihuru zvishanu chete. Kuzoti yevashoma vekuBulawayo, iyo haitombotaurwi. Vanhu vakauya nemadiro avo, zvisina kumanikidzwa.


Ngazvichiitika sekutaurwa kwakaitwa navaLovemore Maduku kuti kana paine kupokana mutemo wekutonga kweruzhinji unoti divi rine vakawanda ndiro rinotonga – apa MDC yaunganidaza vanhu vakawanda kudarika vose veZanu neveMDC yavanaMutambara naNcube.


Zvinotoratidza mavhotero achaita vanhu uye vanhu vaida zvehurumende yemubatanidza weZanu (PF) neMDC neMDC yavanaMutambara vanofanirwa kuchitanga kuwona kuti MDC yatoratidza kuti inogona kumira yoga.


Mapato ose anofanirwa kuchisiyana nezvekutarisa marudzi.



Murambatsvina yaunza zvimbuzi zvemakomba!


NeMunyori Wedu


BULAWAYO – Murambatsvina ichirikungoenderera mberi nekukanganisa magariro evanhu munyika zvichisanganisira kucherwa kwezvimbuzi zvisina mvura mumadhorobheni.


Vezveutano vari kuyambira kuti kuvakwa kwezvimbuzi izvi uko kuri kukurudzirwa nehurumende padzimba dzakavakwa shure kwekuparadzwa kwedzimba paMurambatsvina kunogona kutounza zvirwere nokuti zvimbuzi izvi hazvina kugadzirirwa kuti zvishandiswe munzvimbo dzine vanhu vakawanda semumadhorobha.


Hurumende iri kukurudzira vanhu vanedzimba idzi dzakavakwa nechimbi-chimbi kuti vachere zvimbuzi izvi vachimirira kuzoiswa kwemvura nekuvakwa kwezvimbuzi zvinemvura.


Dzimba zhinji idzi hadzina kutombovakwa zvokuti dzingaiswa pombi dzemvura, uye zvirwere zvinokonzerwa nekushaikwa kwehutsanana zvatotanga kupararira muHarare, zvikatouraya vanhu vanokwana makumi maviri.




Kusungwa kwevekwaMutare huyenderera


na JUDY TODD


Kunyeperwa kuti kwaiva nehurongwa hwekuuraya President Mugabe, uko kwakasungisa vanhu kwaMutare ndechimwe chikamu chechirongwa chehudzvinyiriri chakatangwa neZanu (PF) kare kare.


MunaFebruary 1983 hurumende yavaMugabe yakabatanidza mhuri yose yeZimbabwe nechiziviso chokuti kwakange kwawanikwa zvombo pamapurazi a PF Zapu, iyo yaitungamirwa navaJoshua Nkomo.


Ivo vaMugabe vakazotaura vachireva vaNkomo kuti,” Ukaona nyoka, rova musoro wayo”.


Ndipo pakazoregedzerwa Five Brigade kuti iende kunouraya zvuru zvevanhu vasina mhosva mumaruwa.


Musi waMarch 5 1983 mapurisa nemasoja akakomberedza marukishini ekuBulawayo – kubatanidzira nePelandaba, uko kwaiva neimba yavaNkomo, avo vanga vatotiza pavakange vanzwa mashoko avaMugabe.


Mutyairi wemotokari yavo nevamwe vanhu vaviri vakaurayiwa nemasoja, ayo aka enderera mberi nokupwanhya motokari nezvinhu zvaiva mumba mavaNkomo.


Mudzimai wayo MaFuyana ndiye akaudza vaNkomo kuti vatize.


Kusvikira mazuva ekumakidzwa kwakaitwa Zapu kuti ibatane neZanu kwaingova nenyaya dzekufungirwa kwevatungamiri veZapu.


Chero zvazvo Zanu (PF) yakakunda pasarudzo ya1985 vaRobert Mugabe havana kufara nekusakwana kwevanhu veZanu (PF) mudare reParamende kuti vakwanise kuvhotera mutemo wokuti pave nebato rimwe chete chete rezvematongerwo enyika (one party state).


Izvi ndizvo zvakazokonzera kuti kuve nechirongwa chekurova vanhu vose vaitevera Zapu kana rimwe bato chainzi ‘goborai zvigutswa!’ icho chakaramba chichiitwa pose pakapera masarudzo akazotevera; vanhu vairohwa kana Zanu yabudirira.


Izvi zviitiko zvinongoramba zvichiitika nematanho, kutanga nekusungwa kwemauto eZAPU, zvichiteverwa nekuparadziwa kwebato ravo, kuchizoteverwa nekuparadzwa kwemamwe mapato, kuchizouya varimi vechirungu, uko kwakange kuchiitirwa kuparadza Movement for Democratic Change, kuchizoteverwa nekuparadzwa kwevashandi mumadhoroba nepamapurazi, avo vaionekwa sevaizovhotera MDC – izvi zvakaitwa paOperation Murambatsvina.


Ikozvino kwazosvika pekupedzisira pokuti vachiparadza vose vanopikisa, semataurirwo akaitwa negurukota rezvekuchengetedzwa kwenyika (Security Minister) vaDidymus Mutasa, “Zvirinani kutiZimbabwe isare nevanhu vashoma vanotevera Zanu (PF); vamwe vese hatina basa navo.” – Zvakambobuditswa muCape Times



Dare roshoropodza CIO nenyaya yezvombo


HARARE – Zvakazobuda pachena kuti CIO ndiyo yakange iri pamberi penyaya yokunyepera kuti kwakawanikwa zvombo kwaMutare, apo mhosva yaipomerwa vebato rinopikisa yakawira pasi.


Vachuchisi vemhosva yokuti vanhu ava vaida kuuraya President Mugabe vakabvuma kuti pakange pasina nyaya yaigona kumira mudare. Nyaya yacho yakambonzi vaiunganidza zvombo vachida kuzotangisa hondo, ikazonzi vaida kudira mafuta mumugwagwa maifamba President kuti motokari yavo igotsvedza yobva yabheuka. Zvakazobudawo pachena zvekare kuti veCIO vakachengeta zvisiri pamutemo zvombo zvacho zvainzi ndizvo zvakawanika, uye vakapinda mumisangano nevachuchisi vachida kuvamanikidza kuti vaenderere mberi nekuwana mhosva, chero pakange pasina umbowo hwakakwana.


VaHungwe, avo vaitonga nyaya iyi vakaudzwa kuti magweta ehurumende, Joseph Jagada na Florence Ziyambi, vakatozotiza vodzokera kuHarare apo vakange votyisidzirwa nemaCIO, zvichiratidza kuti zvinhu zvingangoipa. Vakatozviponesa nokutizira kuHarare.


VaHungwe vakabva vati kuramba vakavharirwa kwevasungwa kwakange kusina musoro, uye vakashoropodza maCIO vachiti maitiro avaiita basa ravo akange asingakodzeri munyika yakasununguka. NeveAND Zimbabwe.



MaWar Vheti akavharisa Raylton Club



HARARE – Mhomo yevanozviti vaiva varwiri vorusununguko, maWar vets, yakabva kuBulawayo kuuya kuzoita mhirizhonga nebvonga-mupopoto paRaylton Club muHarare nokuti vaMorgan Tsvangirai vakataura pamusangano wavakange vakokwa ipapo.


Nhengo dzekirabu iyi, dzinobvisa mazakwatira emari kuti dzitandare murunyararo dzakazomhanyiswa dzichinovanda maWar vets apinda, izvo zvakaritidza kusavapo kwekuchengetedzwa komutemo munyika.
Zvinonzi maWar vets akange atsamwiswa nokuti varidzi veRaylton Club vakange vabvumira mutungamiri weMDC vaMorgan Tsvangirai, kuti vataure pamusangano wavakange vari muyenzi weZimbabwe Congress of Trade Unions (ZCTU) iyo yaiva nemabiko ayo ekupemberera makore makumi maviri nemashanu ekuvambwa kwayo.


Raylton Sports Club ndeyeNational Railways of Zimbabwe (NRZ) uye nhengo dzayo dzakashamisika kuona maWar vets achipinda zvinhu nekuba doro raivamo vachitukirira vaTsvangirai, avo vakange vasipo.


Nhengo dzakati dzakawona kuti pane zvakange zvakanganisika apo vamwe vanhu vavakange vasati vamboona vakangotanga kutikirira vachiti vaTsvangirai havaifanirwa kunge vakabvumirwa kuuya paClub iyi.


Vapedza kutukirira ndopavakazobvuta chikafu nokutora doro vasina kubhadhara. Vakazombobatabatawo sachigaro veClub iyi vaNorman Ushe.Mapurisa akadaidzwa, asi haana kuuya. – neveAND Zimbabwe


Post published in: News

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *