Nhau muchi Shona (30-08-07)

Mumwe wevatevedzeri vaVaMugabe arimo mumaDiamonds
HARARE
Rufu rwaVaWilliam Nhara, avo vaiva mumwe mukuru wemuZanu, shure kwekunge vasungirwa kutengesa madiamonds kunze kwenyika zvisiri pamutemo, rwava kubiritsa zvimwe zvinoratidza kuti


mashefu akange arimowo, pamwechete nemashefu echipurisa.
Asi mutungamiri wechikwata ichi chaiita basa rekutengesa madiamonds kunze zvisiri pamutemo aiva mumwe wevatevedzeri vaPresident Mugabe, sokuona kwatakaita pakufushunura nyaya iyi.
VaNhara vakange vari mukuru-mukuru muhofisi yaPresident Robert Mugabe, vakafa musi waMay 28 shure kwekusungirwa nyaya yekuti vakange vabatwa vachida kuburitsa madiamonds anehuremu hwe10,700 carats achikosha US$100 000 nepaHarare International Airport vachibatsirana nemumwemunhu wekunze.
Pavanga vakavharirwa vachimirira kutongwa, VaNhara vakanyora tsamba kuna VaMugabe vachikumbira kuti VaMugabe vapindire uye achibvuma kuti akange ari mumwe wevamwe, vaisanganisira mashefu, vakange vachitengesa madiamonds zvakange zviri pamutemo.
President Mugabe vanonzi havana kupindura, asi isu takazotanga kutsvaga nyaya yacho tikaona kuti chokwadi kwaiva nechikwata chemashefu eZanu chakange chakabatana nevamwe varungu vachiburitsa madiamonds.
Sekunyora kwatakaita munaFebruary, kambani yaifungirwa nemapurisa kuti ndiyo yaiva mubasa rekuburitsa madiamonds, ndiyo ichingori kuita basa irori.
Pane vakuru vekuchipurisa nekumaCIO varimowo asi hapana zvavakaitwa kunyange Nhara akavapomera mhosva, asi haana kuburitsa mazita avo.
Munyeuri wedu akati mutevedzeri waPresident Mugabe wacho akaeza paaikwanisa pose kuti aburitse Nhara mutorongo, asi zvakaramba.
Takamboedza kuvabvunza vice-president ivavo kuti vanotii nazvo, asi mushandi wavo akati havana nguva youkodavira nyaya dzisina maturo.
Mumwe mukuru-mukuru wemapurisa akataura nesu musure mekutikumbira kuti tisaburitse zita rake akatiudza kuti hongu chikwata chakange chazivikanwa kuti chiriko.
Vakati hongu mumwe vice-president arimo munyaya iyi asi hapana anokwanisa kuvasunga, kunze kwekuti chete patomborongwa chimwe chinyavada chobva chavabata vari pakati penyaya.


Hurumende iri kurota zveWorld Cup
Semaitiro avo emakore ose, vakuru-vakuru vemuZanu vakatotanga kumirizika kuda kuona kuti mari ichabva pazvirongwa zvemitambo yebhora yeWorld Cup vangaibate sei.
Takabata nyaya yekuti mashefu ebato rinoona nezvekushanyirana akatoteya mari yacho, iyo vanofanirwa kunge varikubatsira kuti makambani emuZimbabwe awane.
Gavhuna weHarare VaDavid Karimanzira svondo rakapera vakaudza musangano pamahofisi pavo kuti Zimbabwe ichatambira vanhu, kusanganisira matimu ebhora ekuna vaBrazil, achauya kumakwiki egore ra2010 emaWorld Cup finals” achaitirwa kuSouth Africa.
Vakati, Zimbabwe ichavaka nhandare kuChitungwiza, kwaMutare, kuBeitbridge, kuMasvingo nekuVictoria Falls kwekuti Zimbabwe igotambira vayeni vachizogara muno vachipota vachibhururuka kuenda kuSouth Africa.
Nekurutivi kwavowo, gurukota redzidoVaAeneas Chigwedere vakatenge vaumbawo komiti yavo yemapermanent secretaries yavaiti ndiyo ichaona nezvemitambo ya2010.
Ukuwo veZimbabwe Tourism Authority neveZimbabwe Football Association vakange vatombozvishambadza kuti ndivo vanenge vachiwona nezvemitambo iyi.
Vaongorori vanoti vose varikungonetsana, asi pasina chekurwira chacho. Yatova mvengemvenge nokuti vose varikurwirana kuti vanzi ndivo vachatungamira chirongwa chacho, akado mumwe mushandi wehurumende akange ari pane mumwe musangano wacho.
Bato rebhora repasi rose reFIFA rinonzi richiri kumbokurukura nedzimwe nhengo kuti South Africa, inova ndiyo irikutambira vayenzi, ingabvumirwa here kuisa vamwe vanhu vayo kuZimbabwe uko kusina kumira zvakanaka.
Zvematongerwo enyika, uye manyongori arikungoitwa kumapato ese ezvemuZimbabwe zvinofungisa kuti kutamba chaiko kufunga kuti Zimbabwe ingatambira vanhu vekunze kwenyika ikasanyadzisa.


VaMugabe vava parumananzombe
HARARE
Mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe vanonzi vakakandira vatevedzeri vavo nevanovaoa zvehupfumi nyaya yekuti vogadzirisa sei kushaikwa kwezvinhu kwava kukonzerwa nehondo yemitengo.
Vaongorori vanoti hapana chimwe chavangaita kunze kwekuregera mitengo ichidzokera payanga iri.
VeZanu vashaya kuti vachaita sei nenyaya yemitengo iyo vavanga vachifunga kuti vangangoshandisa kutenga mavhoti, asi yazovabatisa pasi nokuti zvinhu zvakabva zvazoshaikwa.
Vetevedzeri vaVaMugabe, VaJoseph Msika and naAmai Joice Mujuru vanonzi vakagara vasingafariri chirongwa chokushandisa mapurisa nemasoja kumanikidza vezvitoro kuti vadzikise mitengo.
Vakati VaMugabe vava kutanga kuratidza kuneta nekutsvaga nzira yokuti vangazviburitsa sei muchikirimbani mavakazvipinza nekudzikisa mitengo.
Vematongerwo enyika vanoti zvokuti harahwa iyi ingangosiya kana kurega kumira musarudzo yegore rinouya hazvizofi zvakaitika, asi chero zvakadaro VaMugabe vava parumananzombe.
“Kumanikidza kwavakaita vezvitoro kudzikisa mitengo kwaita zvavanga vasingafungiri, iyo sarudzo yave pedyo.
“Hapana chavati vamboita chinoratidza kuti vangangoita zvavaityisidzira vamakambani kuti vangangotora makambani anenge aregera kutengesa, kana kuti vangangodzosera zvinhu pamasharefu ezvitoro ayo akangoshama.


Kuda kubviswa nechisimba kwavanetsa
HARARE: Kudzikira kwehupenyu nekushaikwa kwezvinhu, uye kushayikwa kwetsigiro zvavakukonzera kuti hana yemutungamiri wenyika isagatsikana; ava kuramba achingowedzedzera masoja ekumuchengetedza uye pasina anonyanya kugara pachinzvimbo chimwechete.


Zvekuramba masoja achingochinjiwa zvaitowonekera nevanhu vaiva paHarare Sports Club apo paitambwa cricket, mapirisa akazoguma ava kurova vanhu vaizvionera mutambo ipapo.


Vari pedyo naVaMugabe vanoti zvekuedza kubviswa nechisimba zvakavanetsa zvikuru, zvokuti chero zvavo vakaburitsa mashoko okuti maBritish ndiwo aida kuvabvisa pachinzvimbo, ivo vanonyatsoziva chokwadi.


Mibvunzo inonyanyovanetsa ndeyekufa kwemashefu ekuchiwuto matatu mazuva aitevera kuedza kubviswa kwavo. Vamwewo vanoti nyaya yakaitika ndeyekuti mashefu echiuto akange ambobvunza kuti nekuramba ichiipa kurikuita nyika, ivo vanozomira papi kana vanhu vakatanga kuda kubvisa hurumende.


Kuswedera kwesarudzo kunonzi kuchawedzerawo kusagadzikana kwehana yaVaMugabe, avo vakatombo vimbisa bato rinopikisa kuti richavaona, uye vakatanga chirongwa chekunetsa vachena munyika. Havana wavachavimba naye.


Kupinga sarudzo kwakabatwa


HARARE: Nzira dzakawanda dzekupinga nadzo sarudzo dzinoda kushandiswa nehurumende, iyo irikutya kudyiwa, dzakaburitswa pachena.
Vanoda kunyoresa vanhu vavo kakawanda kuti vagopota vachienda kunzvimbo dzakasiyana-siyana vachinovhota nokuti vanenge vakanyoreswa ikoko.
Nzira yechipiri ndeyekutakura vanhu nemabhazi vachiendeswa kunovhota kunzvimbo dzinozivikanwa kuti vebato rinopikisa vangangohwina.
Yetatu ndeyekuendesa marovha 500,000 emumadhorobha kumapurazi akatorerwa vachena vonovhota vari ikoko.
Chikiribidi ichi chinoenderana nehurongwa hwakaitwa hwekuwedzera maconstituencies.
VaMugabe vanoda kukunda MDC vachishandisa nzira dzisiri pamutemo; kuendesa marovha kumapurazi kunovhota chete, vamwe vachivimbiswa dzimba mumadhoroba.
Kuendeswa kwevanhu vakanyoresa mumadhorobha kumapurazi, invo vachivimbisa kuvhotera Zanu, kunozowedzera vavhoti vaZanu kumaruwa, sezvakamboitwa kuHarare North, uko vatevedzeri veZanu 4,000 vakatakurwa vakanovotera munzvimbo dzakatenderedza.
Vashandi vehurumende vakati vaMugabe havasikuda kumbonzwa kuti apa pangangodai kana kuti kuzodai.
“Vanotoda kuona kuti chirongwa chacho chii, uye chinozoshanda here, nokuti havadi kumbonzwa kuti MDC ingatonga Zimbabwe.
Mawovheti anonzi arikutodzidziswa zvekuzonoita kana sarudzo yatanga apo vachaiswa kunzvimbo dzakaziyana-siyana.

Post published in: News

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *