Shona News

‘Handifi ndakatengesa,’ – VaTsvangirai

MASVINGO: Mutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai vakatungamira mabiko emakore masere eMDC yatanga kuMasvingo, asi vanhu vakanga vasina kunyatsogadzikana nokuda kwemutemo wakapfuura muPara


mende wokuti vaMugabe vanogona kushara wavanoda kuti avagare nhaka pahutungamiri hwenyika.
Pavakangotanga kutaura, VaTsvangirai vakabva vati, “Regai ndinyatsokuudzai nezvekutaurirana kwatiri kuita neZANU.
“Patakaenda kuKongiresi takati tinoda nzira yekuti tisvike pakunotonga nemukutaurirana, uye paine bumbiro idzwa, nesarudzo yakasununguka.
“Takarohwa mumwedzi waFebruary newaMarch, vatungamiri veSADC vakabva vapindira kuti vaone kuti nyaya yeZimbabwe yagadziriswa. VaMugabe vakazobvuma kuuya kuzotaura nesu vasingadi, vakazosiya nezvavaimbotaura zvekuti tiri zvimbasungata zvemaBhiritishi.
“Zanu inofunga kuti kutaurirana uku ndekwekuti tigoita zvekubatana nayo. Handizvo. Isu tinoda kuti tibvumirane panyaya yesarudzo yakasununguka.
“Panenyaya shanu dziripo; bumbiro, kufambiswa kwesarudzo yacho, mitemo inotadzisa vanhu kuita misangano vakasununguka, kushandiswa kwevanhu veZanu kuitisa sarudzo, uye mitemo inotadzisa mamwe mapepanhau, nenhepfenyuro kuti zvivepo zvichiburitsa mapato ose.”
Vakawedzera vachiti: “Tichadzoka kwamuri nechibvumirano chacho tokubvunzai kuti toenda mberi here kana kuti tosiyana nazvo. Hatifi takasiya zvokubvunza vanhu sezvo zvirizvo ariwo maitiro ebato redu.
“Handifi ndakatengesa. Ticharwisana neZanu kusvika zvinhu zvishanu izvi zvabudirira. Tinoda kupinda musarudzo, asi hatisi kuzopinda kana sarudzo yacho isina kusununguka.”
VaTsvangirai vakaendererazve vachiti: “Vemasangano ekodzero vanekodzero yekutaura zvavanofungawo, uye tinozviremekedza, asi tiri kuti panenyaya yakakura apa yekuunza shanduko.
“Ndiyo nguva yedu iyi yekuudza President Thabo Mbeki neveUnited Nations kuti Zimbabwe yave panguva yakaoma inokwanisika chete kugadzirika nesarudzo yakasununguka.”
Pavakazopedza kutaura, vanhu vakange vanzwisisa, zvokuti vakangozowana nguva shomanene yekucheka keke remabiko vasati vamomoterwa nevanhu vaida kuvakwazisa, vachifara nokuimba. – Itai Dzamara



VepaHarare Poly vogadzira ngoro
HARARE – Chikoro cheHarare Polytechnic chichagadzira zvimwe zvezvikochikari 500 000 zvinoda kushandiswa neZanu kutenga mavhoti.
Patakaenda kuPoly takanozvionera zvikochikari zvakatopera kugadzirwa neveEngineering department asi vakuru vacho vakaramba kutaura nesu.
Mumwe mudzidzi wepo ndiye akatiudza kuti vakatopedza kugadzira zvikochikari 300 zvikatoenda kunochengetwa nehurumende. Akati haazivi kuti zvose zvinofanirwa kunge zviri zvingani, asi vakange vachiri pakati.
Simbi dziri kushandiswa dzakabva kuhurumende, uye vadzidzi ndivo varikugadzira, zvichifungirwa kuti zvimwewo zvikoro zvirikugadzirawo ngoro idzi nemagejo.
Takambokuudzai kuti mukuziva kwedu zvimwe zvacho zvatova kumaruwa kwazvakachengetwa kuti zvigozopiwa vanhu kana chirongwa chaparurwa.
Mutungamiri weMDC VaMorgan Tsvangirai, vakazvishoropodza vachiti ndiko kuba sarudzo kuri pachena. “Vanoda kuzoshandisa zvikochikari izvi kuti vanhu vavavhotere, ndiko kuba sarudzo kwacho kwatinoreva uku,” vakadaro VaTsvangirai.
– Itai Dzamara


Masangano ekodzero oramba zveAmendment 18


BULAWAYO: Masangano ekodzero emuZimbabwe akaita musangano kuno akaramba zveConstitutional Amendment 18, vachiti bumbiro remutemo reZimbabawe rinofanirwa kutovandudzwa rose.
VaTakura Zhangazha, vesangano rekodzero dzevatapi reMISA, vakati, musangano wakasheedzerwa kuzoongorora mutemo mutsva uyu uyezve kutauriranwa kuri kuitwa, pakati peMDC neZanu.
“Takazviona sekutyora kodzero yedu yekuti tinofanirwa kunge tirimowo mukugadzirwa kunoitwa bumbiro remutemo nokuti tisu tichazorishandisa kana kurishandisirwa.
“Saka tichataura kumapato arikuwirirana nazvo kuti isu hatizvifariri nokuvaudza kuti ngavasiyane nazvo. Tichavaudza nenzira dzakasiyana-siyana kuti vadzokere patakabvumirana,” akadaro mushamarari wavo.
Vaisafara zvakare nenyaya yekuti zvaitauriranwa pakati peMDC neZanu zvaisaburitswa pachena.
Vakati VaMbeki vanofanirwa kubvuma kuti ramangwana reZimbabwe rinofanirwa kubvuranwa pakati peruzhinji, kwete muchihwande.
VaZhangazha vakati masangano aiva pamusangano uyu akabvumirana kuti acharamba akabatana, uye akavhura pfungwa panyaya iyi, asingazotengesi chisungo chekuti bumbiro rinobva muvanhu. – CAJ News


Chingwa chodhura
HARARE – Chingwa muHarare chakakwira kubva pa$73 000 kuenda paZ$200,000.
Gurukota reIndustry and International Trade VaObert Mpofu, vanoonawo nezvekukwira kemitengo vakashoropodza kukwidzwa kwechingwa uko vakati vachimanikidza vanhu kudzosera mutengo pawanga uri.
Makore manomwe akapfuura chingwa chaiita Z$5.10.
Kukwira kwechingwa kwakatanga nehurumende iyo yakapeta mutengo wayo wafurawa (flour) kanomwe kubva paZ$217,933 kuendaZ$42m patani roga-roga ichiti irikuitira kudzorawo mutengo wayakatenga nayo gorosi.
Sachigaro wesangano revetengesi vechingwa National Bakers Association of Zimbabwe, vaVincent Mangoma, vakati vakatokwidzawo mitengo yavo vachitevedzera zvakaitwa nehurumende.
“Takangowedzerawo sematengero atava kuita kubva kuhurumende,” vakadaro VaMangoma. Kukumbira kwavakamboita kuti vakwidze mitengo hakusati kwabvumwa navaMpofu.
“Takambomira, asi tikazoona kuti hapana zvokuita. Kana hurumende ikaramba vazhinji vachangovhara vodzinga vanhu mabasa.”


Mawovheti anoda kutora mimwe minda


MASVINGO
Purazi riri kuMasvingo roda kutorwa nemawovheti, zvichiratidza kuti hurumende nemawovheti hazvisi kuwirirana, sezvo mawovheti achitoda kuti mapurazi ose achinevarungu atorwe.
VeZimbabwean vakaona kuti svondo rakapera kuMasvingo mawovheti ayo aitungamirwa naVaKudzai Mbudzi aida kutora Sparrow Farm, asi zvikamutsana naVaEddison Zvobgo (Jnr), pakabva pazonzi nemutevedzeri wemutungamiri wenyika purazi racho risatorwa, asi mawovheti akazodzoka ava netsamba yakabva kuna VaDidymus Mutasa – gurukota rezveminda.
“Hakuna achaziva kuti mutemo unoti kudini uye vamwe vanhu havasi pachokwadi,” akadaro mumwe mukuru wemuZanu, ndokuwedzera achiti, “Takatozviona kuti kune chikwata chemawovheti chinoda kukonzera nyonga-nyonga nekupinda mumapurazi patakanangana nesarudzo apa.”
VaMbudzi vakarammba kutaura, uye vamwe vatungamiri vemawovheti vaisawanikwa.
Asi vanyeuri vari muZanu vakati kwaiva nechimwe chikwata chinoda kunetsa nokuti chinoti chakasiiwa mukugovewa kweminda uye chinotoda kuti vaMugabe vasabudirira musarudzo.
Chikwata ichi chinonzi chakanyorera kuna VaMugabe chichidawo minda, saka VaMutasa ndivo vavakuedza kuchitsvagira mapurazi okuenda kuti vanyarare.
“Kune vamwe vanoda kuti nyaya yeminda ishandiswe zvekare, vanhu vachingopinda muminda pavanodira, asi vakuru havasi kuzvida,” akadaro mumwe mukuru wemuZanu.
Zvabva zvaratidza zvega kuti kugovewa kweminda kwakanga kusina kana pfungwa yaitungamira, zvikabva zvazouraya nyika kusvika patavari apa. – Itai Dzamara


VaChigwedere ngavadzingwe basa


HARARE – Varairidzi vanoti Gurukota redzidzo, VaAeneas Chigwedere, avo vanodiwa zvikuru nemutungamiri wenyika, ngavadzingwe basa nokusaterera zvinoda varairidzi.
Kuramwa mabasa zvishoma kwakatanga masvondo akapfuura; ikozvino kwatonyatsochitanga, asi vaChigwedere havana zvavakaita.
Mutungamiri we Progressive Teachers Union of Zimbabwe, VaRaymond Majongwe, vakati: “Kana VaChigwedere vasingagoni kubatsita varairidzi ngavabude basa. Havana basa muhofisi mavo.”
VaMajongwe vakati izvi zvakatonyorwa zvikaendeswa kuhofisi yeGurukota iri, asi hapana mhinduro.
Varairidzi vavakutambira mari inoita Z$2m, kana kutiUS$5 pamwedzi.





Post published in: News

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *