News in Shona

Kurohwa kwevanhu kuchiri kuenderera mberi kunyange zvazvo Zanu (PF) iri kuramba

HARARE- Vanhu vazhinji muZimbabwe varikugara vachitya nokutyira upenyu hwavo nokuda kwemhirizhonga irikuwanda apo nyika yava kugadzirira sarudzo huru muna March gore rinouya. Naizvozvo vanoongorora matongerwo enyika vanoti zvinoratidza kuti sarudzo dzegore rinouya dzichange dzisina kusununguka.

“Zvinhu hazvina kumira zvakanaka. Unomuka zuva rimwe nerimwe uchingotyira kuti nhasi handisini here ndichasanganidzana nazvo zvemhirizhonga idzi. Vakomana vechidiki vanosevenzeswa nemapato ezvematongerwo enyika vari kungorikita vanhu munzvimbo dzakasiyana-siyana,” anodero Bonnie Nyamunda womuKambuzuma apo aitaura neZimbabwean.

Kunyange zvazvo hurumende irikuvimbisa muhurukuru dziri kutungamirirwa navaMbeki kuti nyaya yokurikita vanhu pasarudzo ichange isiko rwendo runo, vanhu vazhinji vatove kungwenda zvikwata zvevechidiki zvinopiwa mari nehurumende kuti zvikonzere mhirizhonga.

Muhurukuro idzi bato reMDC riri kukurudzira kuti sarudzo dzegore rinouya dzitariswe nevaongorori vanobvavo kune dzimwe nyika, huye hurumende iregere katsika kemheremhere nokusaremekedza mitemo yenyika.

Vanoongorora vanoti VaTsvangirai vanogona kukunda sarudzo iyi kana dzikaitwa zviri pachena.

Mukuru we Catholic Commission for Justice and Peace, Alouis Chaumba akati, “Mhirizhonga nenyaya dzesarudzo yawandisa. Kutya kwava muvanhu kunoita kuti sarudzo dzegore rinouya dzisava dzakasununguka”.   

Botswana younganidza mari yokudzosa vanhu veZimbabwe kumusha

BULAWAYO-Vanhu veZimbabwe vazhinji vakapotera kuBotswana kuri kutiza nzara noutongi husina kururama kumusha, vachange vachishungurudzwa munguva pfupi inotevera apo Hurumende ye Botswana ichange ichisevenzesa mauto ayo kuvavhima nokuvamanikidza kudzokera kumusha. Zvinonzi hurumende yeBotswana yakatounganidza mari inokwana mamillion makumi maviri nerimwe emapula (21 million Pula) kuti itenge mota dzokutakurisa vanhu ava nokuvadzosera kumusha.

Zvinonzi pane mari yakawanda zve zvekare yakaiswa parutivi kuti pave nevanoferefeta kutsvaga vanhu veZimbabwe vasina kodzero yokugara mu Botswana.

“Bazi remapurisa rakapuwa mari inoita 21 million Pula kuti iwaniswe mota dzokudzosera vanu veZimbabwe kumusha,” Munyori mukuru mubazi rinoona nezvemapurisa muBotswana Mothusi Palai akanzwikwa achidaro mupepa reBotswana Gazette vhiki rapfuura.

Palai akati kuputsika kwoupfumi muZimbabwe nokutonga nyika kusina kutwasanuka kwasvika pachinhano chakaipisisa.  

Kushaikwa kwemari koendesa nyikaZimbabwe kumawere

Nokushaikwa kwavakuita mari mumaBank omuZimbabwe vanhu vazhinji vave kubhadhara chioko muhomwe kuvashandi vemabank kuti vakaniswe kuwana mari. Zvinonzi vanhu vari kubhadhara $20 000 pa$100 000 yoga yoga yavanowana muBank kuvashandi ava.

“Ndinowana $70 million zuva rimwe nerimwe kubva mubhasera yandinopiwa nevanhu vandinotsvagira mari. Dai zvinhu zvamboramba zvakadai ndaitoita musoro,” akadaro mumwe musevenzi wemuBank achitaura nevatapi venhau veZimbabwean.

Vanhu vazhinji havachanyanyi kuisa mari dzvo mumaBank nenyaya yokuzoshaiwa mari kana vodzida.

Hurumende yakatoisa mutemo wokuti hakuna vanhu vanobvumidzwa kutora mari inodarika $40 million izvo zviri kukonzera kutambura kukura nokuti mari iyi haina zvainoshanda.

Kushaikwa kwemari uku kwainzana nekwakamboitika mugore ra2003 kwakadengenesa hurumende kusvikira yazorasa mari yaivepo ichiunza macheque anonzi mabearer, ayo anova ndiwo arikusevenzeswa kusvikira nhasi uno. Sezvazviri nyika haina mari ikozvino asi macheque. – Takesure Bizure

Matukutuku emari ogadzirisa hembe dzeZanu (PF)

HARARE- Bato riri kutonga reZanu (PF) rakatora mari inoita Z$4.4 trillion kuti rigadzire hembe dzesarudzo yavaMugabe. Mari yakadai iyi, yaikwanisa kutenga mafuta emota enyika yose anopedza mwedzi wose.

Vamwe vakuru veZanu vanoti, Committee yezvemari inotungamirirwa naDavid Karimanzira yakatobvumira kuti mari iyi isevenzeswe huye imwe yemari iyi inosvika Z$1 trillion ichapiwa chikwata (Women’s League) chemadzimai emusangano icho chinoramba chakamira naMugabe kunyangwe zvazvo vazhinji vomusangano vasingachadi.

Karimanzira wakaramba kukurukura nezvenyaya iyi achiti haatauri nevekunze.

“Zvinobatsira chii kumusungano kuti nditaure newe. Handitaure zvinhu zveZanu nevanhu vekunze,” akadaro Karimanzira achiudza mutori wenhau. – Zimonline.

Zanu yoramba kuti irikukusvina mari kubva muvanhu

UMGUZA- Vanhu vekuMatabeleland North vanonzi vari kumanikidzirwa kuti vabvise zvipfuyo nemari zvichabatsira paCongress yeZanu PF inoitwa muDecember. Izvi zvinoshamisa nokuti kuMatabeleland kwanetsa nenyaya yenzara.

Vagari veko vari kunzi vabvise Z$100 000 pamunhu wega wega. Vasina vanobvisa mbudzi kana hwai. Vatungamiriri vomusangano vari kuti anenge asina kubvisa zvinhu izvi achadzingwa paanogara.

“Takapirwa mabhuku okunyora wese abhadhara neasina. Kana tapedza tichapa mabhuku aya kunaishe. Madzishe ndiwo achatora mabhuku aya oenda nawo kuZanu PF,” akadaro mumwe sabhuku.

Gurukota rezvemaIndustry nokutengeserana Cde Obert Mpofu vakati, “inhema dzega dzega. Hakuna zvakadaro. Kana madzishe ari kuzviita vari kuzviita pamadiro avo. Handifungi kuti kune zvakadaro zviri kuitika nokuti Zanu ine mari yacho nechekare”.

VaJohn Nkomo sachigaro rweZanu (PF) vakaramba kutaura nezvenyaya iyi. – Bayethe Zitha.

Vezvigayo vongoita zvemupunga

BULAWAYO – Vagayi veupfu vakasiyana nekugaya chibage nokuti zvanga zvavakuvarasikira pamari nenyaya yehurumende yekudzika mitengo. Ikozvino vongogaya mupunga uyo usina mutengo wakadzikwa.

Sachigaro we grain Millers Association Tendai Musara akati vagayi vanga vasisina zvekuita.

VeNational Incomes and Pricing Commission havana chavakataura nezvenyaya iyi. -Pindai Dube

Post published in: News

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *