News in Shona

A bloody coup in the making?
Hurumende iri kuronga zvokutora nechiuto

HARARE – Zimbabwe iri kutenga zvombo kubva kuChina ichipa maChaina migodhi nemapurazi, zvichibva zvafungisa vanhu kuti VaMugabe vari kuronga zvokutora nyika nechombo kana vakadyiwa pasarudzo.

Zvombo zvinoti marifle, motokari dzacho, matank nezvemariot, zvitsvimbo zvekurovesa nematear gas zvakapinda nekuBeira,Mozambique.

Kutenga zvombo uku kwakabvumwa nemaChaina svondo rino kwaratidza kuti nyaya yakapiwa kuGurukota reMapurisa, VaKembo Mohadi, nemapato anopikisa svondo nhatu dzapfuura yaiva yechokwadi.

Mapato anopikisa akatuma vaSipepa-Nkomo kunoudza VaMohadi kuti bato ririkutonga rakanga rahodha zvombo kubva kuSouth Africa, asi South Africa ikaramba kuvatengesera ichiti mutemo wepasi rose unorambidza kutengesera zvombo kunyika dzirimumakakatanwa.

ndrei Chang, mupepeti webepanhau rezvekudzivirira rekuChina, Kanwa Defense Review, akanyora achiti: “Zimbabwe yakatotenga zvombo zvokuchengeta, zvichisanganisira matanks 30 erudzi rweType 59, 10 erudzi rweType 69, uye motokari dzerudzi rwe Type 63 nendege dzerudzi rwemaJ-7 Fighters.”

Vemuchiuto muZimbabwe vakaramba kubvuma kuti panezvakatengwa. – NeMunyori Wedu Mukuru.

Mugabe’s land reform: scratching the soil, waiting for inputs

Honho yeminda: zvino vangomirira mbeu

HARARE – “Sokuona kwamurikuita hapana ari kudyara. Hapana kurima kuri kuitwa,” akadaro Simba Chinyamakobvu. Mudenga mairatidza kuti mvura ingangonaya, asi pasi vanhu vakange vakasuwa.

“Hatina mbeu, hatina feteraiza. Hapana chatinacho. Hurumende yakativimbisa, asi hapana chatakapiwa,” akadaro mumwe murimi mutsva panerimwe purazi munzvimbo mumwechete imomo.

Munzvimbo inevhu rakaisvonaka, yeMashonaland West, minda haina chinhu kana kuti yakazara bumbo. Mazana emacres ecoffee isati yasvika akangosiiwa akadaro papurazi rakatorerwa murimi muchena mwedzi wakapera.

Miti yemichero yakapiswa mumwedzi waSeptember, moto wacho ukabva wapisawo pombi dzekudiridzisa miti yachio.

Mifananidzo yakatorwa nemudenga mumapurovinzi ose epakati penyika masvondo matatu akapfuura inoratidza zvinosiririsa zvakonzerwa nehondo yeminda.

Paiva nematarakita ekurimisa nawo nekudyarisa, achikwanisa kuita mahectrare 20 pazuva, powonekwa chembere yagonya ichikavira nechimwango, kanzvimbo kasingasviki 1 hectare pazuva.

Chero masoja aVaMugabe haanawo mbeu. Anongowonekwa achimira-mira, ombokwara-kwara, omirazve.

Maria Moyo tortured to death – WOZA

Maria Moyo akarohwa kusvika afa – WOZA

BULAWAYO – Vanhu vanopfuura 1 000, vachisanganisira nhengo dzeWomen Of Zimbabwe Arise (WOZA), Men Of Zimbabwe Arise (MOZA) neMovement for Democratic Change (MDC) dzakasangana paHyde Park Cemetery neSvondo kuzoviga nhengo yeWOZA, Maria Moyo, anofungidzirwa kuti akarohwa nemapurisa akafa.

Pazvitaurwa zvepaguva rake, mumwe mutungamiri weWOZA, Magodonga Mahlangu, akapomera mhosva kumapurisa ekuLaw and Order Section muBulawayo kuti ndiwo akauraya Moyo sezvo akamusunga ndokumuendesa kuKhami Ruins, achiziva kuti airwara nemabayo.

“Vakamutora nechisimba kubva kumba kwake kuchitonhora, kwava kumuendesa kusango pedyo neKhami Ruins, kwavakanomurova vachimubvunza pamwechete nedzimwe nhengo dzeWOZA, vachivatyisidzira nekuvasunga netambo kwava kuvakanda mudhamu,” akadaro Mahlangu.

Moyo (57), aiva mukomuredhi muhondo yorusununguko, akashaya musi wa November 6, shure kwekunge dhokotera aimuona ataura kuti akange anyaya kushungurudzwa nemapurisa zvokuti haaizorarama.– Bayethe Zitha

Armed police seal off rally venue

Mapurisa akamisa rari

HARARE – Mapurisa erayoti aiva nezvombo zvihombe akakomberedza zvimbo yaida kuitirwa rari yebato rinopikisa achiti akanonoka kuudzwa nezverari racho, kuKuwadzana.

Zvikwata zvemapurisa, zvakange zvine zvitsvimbo, nematear gas, zvakakomberedza horo yekuKuwadzana Extension kwaifanirwa kuitirwa rari reMDC neMugovera.

Vaironga rari iri, MP vekuKuwadzana VaNelson Chamisa, vakange vavimbisa kuenda mberi naro chero zvazvo mapurisa akange ayambira kuti vasaita, asi vakazoregera shure kwekunge vaona kuti mapurisa akange agadzirira kurova vanhu.

VaChamisa vakaudza veThe Zimbabwan kuti vakanyora tsamba kumapurisa vachikumbira mvumo musi was October 30, zvokuti nguva yakakwana yakanga iripo dai mapurisa aida kuvabvumira kuita musangano wavo.- NaMunyori Wedu Mukuru

Mugabe should pay for Gukurahundi

VaMugabe ngavabhadhare Gukurahundi

JOHANNESBURG – Vanhu vakaita basa rakaipa rakasiya rauraya vanhu vanosvika 20,000 kumavirira kweZimbabwe makore ekuma 1980 vanofanirwa kutongwa mumatare edzimhosva epasi rose.

Izvi zvakaburitswa nevaiwongorora nyaya iyi, vakagadzira mufananidzo unonzi Gukurahundi: A Moment of Madness, uyo wakatanga kuratidzwa kuJohannesburg svondo rakapera.

Mugadziri wacho, VaZanzele Ndebele akati vanhu vakaita zvinhu izvi vanofanirwa kutongwa.

VaNdebele vakawedzera vachiti mutungamiri wenyika President Robert Mugabe, nehurumende yavo vanofanirwawo kupa vanhu vakafirwa mari nerubatsiro.

VaMugabe havasati vambopa kukumbira ruregerero, asi vakabvuma kuti zvakaitika zvakange zvakasangana nekupenga.- ZimOnline

Hungry migrants milked for rand

Vauyi kuSA votorerwa twumari twavanatwo

BEITBRIDGE – Mukaka ndiwo uri kunyanya kutengwa kuvanhu vanotenga vachizotengesa nemari iri pamusoro ku Beitbridge.

“Mukaka ndiwo uri kunyanya kutengwa uye ndarova mari ndichiutengesa kuno. Ndinotenga kuBulawayo ndokurumidza kukwira bhazi kuuya kuno, ndosvikotengesa kana zvimukaka 10 panguva shoma-shoma.

“Kana zvikaramba zvakadaro ndichatozobva kuno ndavakuenda kuChristmas,” akadaro Sehlule Mpofu anobva kuBulawayo.

Mukaka, one pint, unenge uchitengeswa R7, uye 300ml dzeFanta kana Coke dzinenge dzichitengeswa R10.

Ma “dealer” akati mitengo inombodzika kana vatengesi vawandisa vatengi vari vashoma.- Bayethe Zitha

Police break the law to make ends meet

Mapurisa otyora mutemo kuti zvifambe

BULAWAYO – Mapurisa, ayo arikutambira mari iri pasi-pasi, avakutengesawo pamisika isingabvumirwi kuti zvivafambire.

Mapurisa asina nyembe, ayo, anova pakati pevanhu vasina mari munyika, anowana Z$12m chete pamwedzi.

Kana yazobviswa mutero vamwe vavo vanosara ne kana Z$3m isingambokwani kana kutenga 2 litres dzemafuta ekubikisa.

Mapurisa aya anotenga zvinhu zvisingawanikwi kuzvitoro votumira kuhama dzavo kuti dzinotengesa.

“Hatina mamwe maitiro atingaita. Vanhu vose vanozviziva kuti hurumende haisi kutipa pari

“Tirivanhuwo vanemhuri nehama dzinenge dzichidawo kuchengetwa. Hatigoni kungosiya chipurisa chacho tisina kumwe kokuenda,” akadaro mumwe mupurisa.- NeMunyori Wedu.

Post published in: News

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *