News in Shona

Msika oramwa kuenda kugungano rokutsigira vaMugabe

HARARE- Mutevedzeri wemutungamiriri wenyika, vaJoseph Msika vakaramwa kuenda kugungano ranga rakarongwa iro raive rokutsigira vaRobert Mugabe svondo rakapfuura.

Bepanhau re The Zimbabwean rakanzwa kubva kune avo vari pedyo-pedyo navaMsika kuti vakasarudza kusavepo pachirongwa ichi nemhaka yekusaonana nemutungamiriri weavo vakarwira rusununguko, Jabulani Sibanda, uyo anga ari kumira mira chaizvo pakuronga magungano nekuforera kutsigira vaMugabe.

” VaMsika vakati havasi kuzovepo nemhaka yekuti havawirirani nemutungamiri wechirongwa ichi,Sibanda, uye havasi kufara nemashoko akataurwa naSibanda pamusoro pavo,” vakadaro vakapa bepa rino mashoko aya.

” VaMsika vaiva muHarare asi vakasarudza kugara kumba kwavo apo kwaiitwa gungano iri pamwe nekufora”.

Mumazuva akapfuura, Sibanda akatukirira vaMsika musure mokunge mutevedzeri wemutungamiri wenyika akakomekedza kuti kumbomiswa basa remutungamiri weavo vaiva varwiri venyika, kutevedzwe nebato. Sibanda wakambomiswa kubato re Zanu PF mugore ra2004 nekuti wakave nechekuita nechikwata change chisingade Mai Mujuru.

Zvisinei, Sibanda akazonyuka ndokuzotungamira urongwa hwaiva nomutsindo hwokutsigira vaMugabe kuti vave achazenge achimirira bato reZanu (PF) pasarudzo dzemutungamiri wenyika dzegore rinouya.

Takaedza kutsvaka vaMsika kuti vatipakurire zvavari kufunga nenyaya iyi asi izvi zvakakona n’anga.-Itai Dzamara.

Hurumende inodzivira kugoverwa kwembewu yechibage.

MASVINGO -. Vashandi vehurumende kuMasvingo vakachengeta matani anokwana zana ayo akapiwa sechipo nemasangano akazvimirira oga (NGO) nechikonzero chekuti vanoda kuti vaone kana chakakodzera.

VeCare International neveChristian Care, vakapa chipo chembewu yechibage kuvarimi vekumaruwa venzvimbo yeChiredzi neMwenezi idzo dz inowanzonaya mvura shomanana dzirikuchamhembe kweMasvingo gore rakapere mumwedzi waGunyana.

Mbewu iyi yakangochengetwa mumatura musure mokunge avo vanotungamirira dunhu reMasvingo, Felix Chikovo akakomekedza kuti mbewu iyi yainge isiri kuzogoverwa kuvanhu kusvikira yanoongororwa kuti yakakodzera. Mwaka wokudyara wakatotanga mumazuva okupedzesera omwedzi waGumiguru.

” Hatidi kudzokorora zvakaitika muna2003 apo varimi vakava negoho rakaipa musure mokunge vapiwazve mbewu yakange isina kukodzera”.

“Tioda kuve nechokwadi chokuti varimi vanowana mbewu yakakodzera kuitira kuti goho ravo rive rakakura. Kana mbewu ikavhenekwa ikaonekwa kuti yakakodzera, vemasangano akazvimirira ega vanochizokwanisa kuchigovera mbewu”, vakadaro VaChikovo.

Mutungamiri wedunhu reMasvingo vainge vari kutaura pamusoro pezvakaitika makore mana akapfuura apo rimwe sangano rakazvimirira rakapa mhunga iyo yakazoonekwa kuti yakanga isina kukodzera kudyarwa. Josiya Hungwe uyo aiva Gavhena weMasvingo panguva iyoyo akazomanikidza vesangano iri kuti varipe varimi ivavo.

Chikovo akati kuvhenekwa kwembewu iyi kwaizoitwa uye kuchipera mumasvondo maviri anotevera.- ZimOnline.

Vadzidzisi vemuZimbabwe vari kuda kubhadharwa Z$318m

HARARE- Vadzidzisi vemuZimbabwe vakasheedzera mubhadharo wemari dzavanotambira wakapetwa kanokwana kagumi nesere. Vakavimbisa kuti izvi zvikasaitwa havasi kuzodzoka kubasa panotanga kotoro itsva munaNdira.

Progressive Teachers’ Union of Zimbabwe (PTUZ), iyo yatungamira kuramwa mabasa nechikonzero chekuda kuwedzerwa mari inotambiriswa pamwe nougaro huri nani, yakati kuramwa mabasa “kuchaitika” kana mari inodiwa nevadzidzisi inoiita iyo Z$318m pamwedzi vakasaipiwa.

” Tinokukurudzirai kuti munyatsoisa zvichemo zvevadzidzisi pamoyo kuitira kuti pasazovepo makakatanwa nevadzidzisi panovhurwa zvikoro muna2008. Kuchavepo kuramwa mabasa kana zvichemo izvi zvikasatarisiswa zvine udzamu,” vakadaro munyori mukuru wePTUZ Raymond Majongwe kutsamba yavakanyorera vePublic Service Commission (PSC) inova iyo inopa vashandi vehurumende mabasa.

Vadzidzisi,avo vave kupendera basa rekotoro yekupedzisira ya2007, ndevamwe vevashandi vanopiwa mari shomanana chaizvo muno munyika inova iyo Z$17m pamwedzi. Vanoona nezvemari vanoti ivo pamhuri yevashanu panodikwa mari ingaite Z$30m pamwedzi kuti vanhu vawane zvinoda kushandiswa mazuva ose.

PTUZ, nderimwe remasangano maviri anomirira vadzidzisi yakati iyo vadzidzisi vanoda kubhadharwa mari inoita iyo $150m, mari yekufambisa inosvika $88m uye mari yedzimba ingaita $80m pamwedzi. PTUZ inofungidzira kuti pave nevadzidzisi vanosvika 25 000 avo vakatosiya mabasa vachienda kunze kwenyika kubva gore rino richitanga.

Sachigaro vePSC Mariyawanda Nzuwa pamwe negurukota rezvedzizo Aeneas Chigwedere Havana kukwanisa kuwanikwa kuti vapewo ongororo dzavo. _ ZimOnline.

Chiwewe anopikisa mutemo wokuti munhu mumwe chete papurazi

KUBVA KUMUTORI WENHAU MUKURU

MASVINGO- Mukupikisa mutemo wekuti munhu- mumwe- purazi-rimwe, uyo wakadzikwa nemutungamiri wenyika vaRobert Mugabe, purazi rakabvutwa nagavhena veMasvingo, Willard Chiwewe rinova rechina mumakore mana, rakabvutirwa mwanasikana wake, vaferefeti vakataura.

Chiwewe, anova mumwe wevakuru vakuru veZanu (PF) vanova nhinhi dzinopikisa pachena mutemo wakadzikwa naMugabe.

Chiwewe akawedzera kubvuta ivhu musure mokunge abva pakuva munyori mukuru webazi rinoona nezvekunze kwenyika achinova gavhena. Pamapurazi ake mashanu, rimwe chete ndiro raakatenga mugore ra1993.

MunaGumiguru, Chiwewe akatumira mapurisa kunosunga murimi John Alford nechikonzero chokuti akaramba kubva papurazi rake, Senuko, kuChiredzi. Alford akanga abudirira kumatare kuti purazi reSenuko risatorwe pamwe nokuramba kubva papurazi rinova namahekita mazana mana.

Musure mokunzwa runyerekupe rwekuzosungwa kwake, akabva ahwanda. Murimi uyu akazobatwa nemasoja aive nepfuti vakamirira mwanasikana wagavhena. Kwangopera mwedzi miviri purazi iri rabvutwa, mvura yapapurazi iri yakabva yapera. Zvave kureva kuti ramangwana repurazi iri pamwe nemamwe akavakaidzana naro harisisina kunaka. Papurazi reSenuko paikamwa mukaka unosvika marita 1,500 uyo waigadzira mukaka wakakora pawe nemayogati asi parinhasi vave kutatarika kuti vawane marita 500.

“Musure mokubuta pamwe nekuparadza purazi rangu, zviri pachena kuti gurukota iri raiva nechinangwa chekungotsvaka rimwe purazi idzva rekuparadza,” akadaro Alford achipa ongororo yake pamusoro pekubvutwa kweSenuko naChiwewe, iro riri makiromita 470 kumabvazuva kwakadziva kuchamhembe kweHarare.

Chiwewe achiri kutsigira kutora kwaakaita purazi iri achiti iye: “VekwaAlford takavapanguva yakakwana yokuti vabve papurazi apa, asi havana kuteerera ndokusaka takatora gwara ratakatora. Rave purazi romwanasikana wangu musure mokunge aripiwa neavo vari mukomiti inogovera ivhu.”

Asi kubvutwa kwepurazi iri naChiwewe kunoratidza pachena kupikisa mutemo waMugabe wokuti mhuri dzevakuru vakuru veZanu (PF) ngadzitevedze mitemo yakadzikwa yekugoverwa patsva kwevhu yokuti munhu mumwe, purazi rimwe.

Pakuferefetwa kwakaitwa, zvakaburitswa kuti zita raChiwewe riripo pamazita aDongo, anova mazita akabva kubazi rezveminda apo vaipindura mubvunzo wakabvunzwa muParamende neavo vaimirira Harare South Margaret Dongo, mumwe wevatatu vanomirira mapato anopikisa, muna Chikumi 2000.

Vachitorwa semushandi wehurumende, VaWillard Chiwewe vakadomwa kuti vachashandisa kwemakore mashanu mahekita 714 paLot 1. Mvumo yokurima apa yakatanga munaGumiguru 1, 1993.

Chiwewe ane rimwezve purazi kuShamva iro akatora zvine chisimba kubva kumurimi wechichena Peter Rorby, achibatsirwa neavo vanova komisa weZanu(PF) Elliot Manyika. Bepanhau re The Zimbabwean rinokwanisazve kuyanika pachena kuti Chiwewe ane rimwe purazi rinonzi Chipoli Day farm.

Kunyange akakumba mapurazi ose aya hapana zvisvinu zviri kuitwa nokuti hapana rinokwanisa kuburitsa matani anokwana gumi pahekita imwe chete.

Hurumende iri kuedza kuvhara mavhoti eavo vanogara kunze kwenyika.

HARARE- Hurumende iri kuronga kutyora kodzero dzevanhu dzekuvhota kuvanhu vemuZimbabwe vari kugara kune dzimwe nyika pasarudzo dzegore rinouya, musure mokunge paitwa kurudziro yokuti vanhu vemuZimbabwe vari kugara kuSouth Africa vadzoke kumusha kuzovhota. Pasi pechirongwa ichi mavhoti achatumirwa neposvo ndeeavo vanoshanda mumahofisi evanomirira nyika pamwe nemauto ari kune dzimwe nyika. Chirongwa ichi chicharambidza zvakare avo vachada kudzoka kumusha kuti vazovhota. Pane runyerekupe rwokuti avo vachada kuzoongorora zvichange zvichitora nzvimbo pasarudzo vekune dzimwe nyika pamwe nevakazvimiririra voga vachaushayiswa mukana wacho. Panofungirwa kuti kune vanhu vemuZimbabwe vangasvika zviuru zvina, zvirikugara kuSouth Africa neBritain.

Matanho matsva aya anotarisirwa kuzoburitswa pachena negurukota rezvemitemo, kutongwa kwemhosva Patrick Chinamasa garegare uye zvichanzi mugari wekunze kwenyika aratidze pasipoti pamwe nemamwe mapepa kuti vanga vari munzvimbo yavo yekuvhotera kwemwedzi gumi nemiviri ichitevedzana sarudzo isati yatanga.

Chirongwa ichi chakavepo musure mekunge pakave nekurudziro kuSouth Africa yokuti vanhu vadzoke kumusha kuzovepo pasarudzo ya2008. Vazhinji vacho vanofungirwa kuti ndeavo vanotsigira bato rinopikisa.

“Takanzwa kuti kakawanda vanhu vachidzoka kkumusha kuti vazovhota vobva vadzokera kunyika dzavari kugara” vakadaro vakapa umboo uhu.

Chinamasa ari kuronga kuturira pfungwa itsva idzi pachagarwa nedare reparamende, vakadaro vakatipa umboo uhu. Vemapato anopikisa havakwanisi kudzivirira uongwa uhu nemhaka yekuti nhengo dzavo 42 kwa150 hadzivabvumire kuti vadaro.- Mutori wenhau mukuru.

South Africa yoronga kudzosa vanhu vemuZimbabwe vanosvika chiuru

Mapurisa ekuSouth Africa vari kuronga kudzosera vanhu vemuZimbabwe vanosvika chiuru pachirongwa chavo cheOperation Festive Season icho chatanga svondo rino,akadaro mumwe mukuru wemapurisa pamusangano wakaitirwa kuno nemusi weSvondo.

Chirongwa ichi chakanangana neHillbrow, Yeoville neBerea uye pachange paine mubatanidzwa weSAPS, Home Affairs nebazi rinoona nezvekutongwa kwedzimhosva.

“Mubatanidzwa uyu uchanangana neavo vari muno zvisiri pamutemo neavo vanopara dzimhosva”, wakadaro mumwe mupurisa asina kuzivikanwa zita rake. Pane mhosva dzakawanda dzinoparwa munguva yekirisimasi pamwe negoredzva uye yatova tsika yevanhu vekuZimbabwe kuita gurumwandira vakananga kuno. Kubva zvakatanga chirongwa chino makore matatu apfuura, changa chiri kubudirira chose uye gore rino tiri kutarisira kusunga pamwe nekudzosera kumusha zvigeven’a zvakawanda chose”, vakawedzerazve.

Post published in: News

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *