News in Shona

Mbeu nefeteraiza Zvoshandiswa kutenga mavhoti

HARARE – Sezvo Zanu (PF) yatanga kukumbira vanhu kuti vaivhotere, chibage nefeteraiza zvava kutanga kubuda zvichishandiswa nevakuru-vakuru vebato iri kutenga mavhoti evanhu zvisiri pamutemo.

Zvotanga kubuda pachena kuti kwakanga kune chibage nembeu yakawanda apo nyika yose yakange ichitambura asi izvo zvakangochengetwa nenhunzvatunzva idzi.

Chimwe chibage nembeu zvakange zvichitengeswa zvisiri pamutemo, asi zvimwe zvakange zvakachengetwa kuitira mazuva esarudzo.

VeZimbabwean vakabata nyaya yekuti political commissar weZanu, VaElliot Manyika, makurukota VaNicholas Goche, Mai Olivia Muchena, VaSaviour Kasukuwere, VaBright Matonga nevamwe savana Mai Shuvai Mahofa, vakatanga kuita mabasa ekutenga mavhoti vachiti vanhu vauye kuzonyoresa kuti vapiwe mbeu nemukomondera.

Chimwe chikafu chacho chakatosvika, chichipiwha kuvanhu veZanu chete, avoveMDC vachinzi endai munotenga makadhi eZanu nekuvimbisa kuti vachavhotera Zanu (PF).

VaKasukewere kuMt Darwin vari kupa vanhu feteraiza yakabva kuChina, uye chibage chinonzi chakabva kuMalawi.

“Chirongwa chavaKasukuwere chakatanga kupera kwegore rakapfuura, asi vanhu vashoma vari kuwana zvavakambovimbiswa, vachingonyoreswa vobva vanzi chimirirai, asi zvirimwa zvavo zvichiwoma nekushaya feteraiza,” akadaro mumwe mugari weku Mt Darwin.

KuBindura neShamva, vamiririri veko VaManyika naVaGoche, vakange vachipa vanhu chibage asi vachitumawo vechidiki kunotyisidzira vanhu.

VaManyika vakati kupa kwavo chikafu kwairatidza kuti Zanu ine vanhu pamoyo. “Chinyi chakaipa ipapo,” vakabvudza vachiratidza kusatombinzwisisa kuti kutenga mavhoti hakubvumirwi.

KwaMutoko Mai Muchena, vakangosiya vanhu vavakange vanyoresa vachidzivaira vasina chavanacho. “Vanhu vavo vakafamba vachinyoresa vanhu, asi vanhu vashomanene ndivo vakawawa saki rimwe refeteraiza gore ravekunopera. Kubva ipapo kunongova nokuvimbiswa chete,” akadaro John Kaseke weMDC munzvimbo iyi.

Vakuru veZanu vari munyaya inonyadzisa yekushaikwa kwematani anosvika 800 000 tonnes efeteraiza yakange yabva kuChina munaOctober gore rakapera. – Nemunyori wedu

Kushaya han’a nekutsutsumwa zvakamhoresa mashefu kwaMutoko

MUTOKO – Kwakange kwambopera nguva yakati kuti vakuru vemuZanu vasati vambisvika kwaShe Chimoyo, kwaMutoko, zvokuti pakasvika motokari dzavo vakatambirwa nevanhu vasina han’a uye vakatsamwa.

VeZanu (PF) vakatanga masarudzo emubato ravo kuti achazomiririra nzvimbo ndiani, sezvo vanangana nesarudzo vasingambocherechedzi zvinofungwa nemapato anopikisa zvokuti kunyoreswa kwevachavhota nekupatsanurwa kwematunhu hakuna kuitwa nemazvo.

“Unovaona vachiuya kwapera nguva yakareba nokuti sarudzo yasvika futi,” akadaro Esther Damba wokwaNyamakosi apo akawona vouya nedzimotokari dzavo dzaivaima vachiuya kumusangano wokusarudza mumiririri.

Nzvimbo iyi ndeimwe yenzvimbo dzinonyanya kushaya. Hakuna kana bhazi rimwe rinofambako riichibva kuMutoko Centre kuenda makilomita zana kusvika kuRwenya, pedyo nebhodha reMozambique.

Motokari yoga inowanzoonekwa ichitambura nemigwagwa yoko imotokari yeWorld Vision iyo inoraramisa vanhu nechikafu.

“Hatina basa nemusangano wavo isu,” akadaro Bernard Jiri achitosimuka kubva pagrowth point shure kwekunge aona motokari dzeZanu dzichisvika.

“Tinoziva kuti vadzoka kuzotinyepera zvekare nekutiisira vanhu vanonzi vanotimiririra. Kana vapedza vorova vanhu vanofungidzirwa kuti ndevebato rinopikisa, vobva vapinga sarudzo kuti vahwine, voenda vachitisiya tichitambura.

“Mwana’ngu ichi ndicho chiratidzo chekushanduka kwezvinhu nekushanduka kwemoyo yevanhu,” vakadaro baba John Chikomba vachisimukawo kunanga kusvondo yemaKatorike, vachiramba kuenda kumusangano weZanu. – NeMunyori Wedu.

 

VeUnited Nations vakavimbisa US$800m

…kana sarudzo yakasununguka

HARARE -  VeUnited Nations Development Programme (UNDP) vanoratidza kuti vave kuda kupindawo mukutvaga mapedzerwo angaitwa nhamo yemuZimbabwe shure kwekutadzikana kwehurukuro dzaitungamirirwa navaThabo Mbeki vekuSouth Africa.

Zvinyorwa zvakahwandiswa zvatakaona kubva kuvanyeuri vedu zvinoratidza kuti veUNDP nevamwewo vaitevedzera hurukuro idzi  vakange vakaisa mari inokwana US$800 million yekuzobatsira Zimbabwe.

Asi nekutadzika kwakazoita hurukuro dzacho veUNDP vavekutarisirwa kutuma nhumwa dzavo kunotaura naPresident Robert Mugabe kuti vaedze kuwirirana neMDC panyaya yesarudzo yakasununguka.

Vanyeuri vedu vanoti nhumwa idzi dzinoda kuedza kuti vaMugabe vadzosere sarudzo kumashure uye kuti hurumende yavo idzoke kuhurukuro nebato rinopikisa – izvo zvinowoneka zviri zvinhu zvakawoma zvikuru.

“Pakabvumiranwa kuti panodiwa kuwirirana kuti zvisazoita sekuKenya uko sarudzo isina kufamba zvakanaka ikazokonzera kuti vanhu vakawanda vafe mukurovana kwakazotevera.

“Kutaura navo kwakatotangwa nevanyai uye kurikutarisirwa dzimwe nhumwa kuti dzichauya kuzosangana navaMugabe.

“Vemapato anopikisa vakati havasiri kuzopinda musarudzo yakapingwa kare kana kuti isingazowiriranwa.”

VaMorgan Tsvangirai, svondo rakapera vakaudza nhumwa dzedzimwe nyika kuti hurukuro nehurumende yakashaya basa, uye chavainyanya kuda runyararo kuti sarudzo iitwe zvakanaka uye paine mutemo unoti kuitwe sarudzo yakasununguka. – Nemunyori Wedu

Executive mayors axed  

HARARE – Shure kwekunge vaona kuti havachafi vakahwina sarudzo dzemumadhorobha, President Robert Mugabe vakabva vaisa mutemo wokuti hakuchina ma”executive mayor” ayo aiva nesimba rekufambisa zviitiko zvemudhorobha ravo.

Local Government Laws Amendment Act yakabvumiranwa mudare reParamende zvokuti mameya  achazosarudza anenge angova ekupfeka macheni nekumhoresa vanhu, kwete kutonga.

Basa ra”Executive Mayor” rakaiswa mugore ra1995 kuri kuitira kuti vape mabasa kuvamwe vemuZanu (PF), zvikatsoropodzwa neve Combined Harare Residents Association (CHRA) vachiti  zvakange zvisiri kuzobatsira vagari vemumaguta.

Asi makore apfuura vebato rinopikisa vakatanga kuhwina masarudzo emameya, saka Zanu yakabva yati ngatizvibvise, uye mameya acho aitadziswa kushanda nokuda kokupindira kwegurukota reLocal Government,  Dr Ignatious  Chombo, avo vakatozoguma vadzinga mamwe mameya acho basa.

“Kupindira kwegurukota iri kwakatadzisa  kufamba zvakannaka kwemadhorobha, asi kubvisiwa kwawo hakunawo chakuchabatsira,” vakadaro veCHRA.

Vakati hurumende inofanirwa kupa mari kumadhorobha sezvinoitwa kuSouth Africa.

Post published in: News

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *