News in Shona

SHAVI REKUBIRIDZIRA ROTEMESA ZANU PF MUSORO
HARARE- DANHO rakabvumiranwa nevanoona nezvekufambiswa kwesarudzo  dzemu Zanu PF reElections Directorate rekuti vachamirira bato rinotonga musarudzo dzinotevera  ndevachabvumiranwa patumatare rinogona kupatsanura vatsigiri vebato iri.


Vakuru vari mubato rinotonga vanoti izvi zvinogona kukonzera kuti nhengo zhinji dzemuZanu PF dzipinde musarudzo dzakazvimirira mushure mekubiridzirwa.
Anoona nezvekutsvaka rutsigiro mu ZanuPF, Elliot Manyika, akati hutungamiri hwematunhu, ndiho huchasarudza vachakwikwidza musarudzo vakamirira Zanu PF.
Vakatsinhira vakati sarudzo dzekutsvaka anomirira Zanu PF dzikaitwa, dzinogona kupatsanura nhengo dzeZanu PF.

Pepanhau reThe  Zimbabwean ndiro rakatanga kutsenhura nyaya yekutinhengo dzeParamende nemakurukota avaMugabe  ari kutadza kupfumbura hope nekutya kurohwa chematsenganzungu nevachangotanga zvematongerwo enyika.
Vazhinji vanoziva kuti vakatadza kupinda muParamende, musoro nemakumbo zvinenge zvabuda muupfu nemushuga.

Manyika akawedzera achiti vachabvumirwa kukwikwidza vakamirira Zanu PF ndevanemakore kubva mashanu kuenda kumusoro vanezvigaro zveutungamiri.
Akawedzera achiti vaishandira kunze kwenyika kanamuchiuto vachagamuchirwa kuti vapinde musarudzo.
Akasvisvina zvekare mashoko akataurwa naMugabe pacongress yeZanu PF mwedzi wakapera.

“Vachakundwa musarudzo dzemuparty ngavasarovera bhora mudondo. Achakwikwidza sarudzo akazvimirira inenge yavamhandu yebato.”
KuMasvingo kunonzi kunenhengo dzinosvika gumi neumwe dzirikurwira chinzvimbo chimwechete.
Asi zvinonzi kunyangwe kukasarudzwa kana upi zvake  kuti amirire batorinotonga, zvakatarisirwa kuti zvikonzere bopoto.
Vatsigiri veZanu PF vakati zvekuti vakuru vasarudze vachamirira bato ravo  pasina sarudzo zvichatsemura bato iri nepakati.
KuMutare South, Irene Zindi naOppah Rushesha vachadzurana minhenga sezvovo varikuda chigaro ichocho.
Madzimai awa akatomborovana nematanda kusvika Rushesha avunwa mbabvu neruoko.
Muimbi wenziyo dzechitendero ari mutsigiri we Zanu PF, Elias Musakwa naClaudius Makova vakatarisirwa kurwisana kuBikita.
Ukuwo, Manyika ari kufemerwa mugotsi neshamwari yaMugabe, Kenneth Musanhi.

MITSETSE YOTONGA APO MARI ICHISHAIKWA
Kushomeka kwemari kuri kuendereramberi munyika zvinogona kuita kuti mutungamiri wenyika, Robert Mugabe akundwe musarudzo dzinotevera.
Vashandi voita kuswera vari mumitsetse yakareba zvikuru yekutsvaka mari kwezuva rese.

Kazhinji kacho vanozowana tumari tushoma turi pakati pe $20 million ne$50 million.
Vazhinji vanoratidza kushatirwa nekuwana mari shoma zvikuru nokuti kazhinji inenge ichingova batai -batai vanhu vachirwa mushure  mekupindirwa mumutsetse.
Mupurisa anochengeta pane rimwe bhanga akati: “Mitsetse yemari hainakusiyana nemisangano ye MDC. Vanotukwa zvikuru ndiGideon Gono, Mugabe neZanu PF.”
Gono anoti mari inoshaikwa nenyaya yekuti kunemashefu anoichengeta mudzimba.
Izvindizvo zvakaita kuti awunze mari itsva dzinenge ma $250 000. $500 000 nema $750 000 asi zvakashaya basa sezvomari isingawanike.
Maria Moyo, uyo akataura neThe Zimbabwean achibuda furo nekutsamwa akati: “Gono naMugabe hakuna chavanoziva, maduche anofanirwa kuregwa achienda.
“Kusvika zuva ranhasi, ndichiri kukundikana kuti nditore bonus yangu yegore rakapera. Imari yangu yandakafondokera.”
Umwewo akanga akazvimba nehasha akati kubva nhasi, mari yake yavekuzogara mumutsamhiro.
Vanoona nezveupfumi vanoti mari inosvika Z$100 trillion irikutenderera munyika ishoma zvikuru.
Vanoti ikagovewa zvakaenzana kuvanhu vese vanoshanda, umwe neumwe anosara aine $16.6 million inotenge mushonga wekugeza mazino umwechete.

MUGABE OBVUTIRA VAROMBO NENHERERA
HARARE- Vanhu vemuZimbabwe avo vayaura nenzara neurombo varikubatwa nechisimba kuti vabvise mari inosvika US$ 1.2 million ichashadiswa kuti kuitwe mabiko aRobert Mugabe kuBeitbridge.
Mabiko awa arikurongwa nesangano revecidiki re 21st February Movement rakaumbwa mugore ra1986.
Mabasa esangano iri ndeekuzvibata sevanhu vanotonamata Mugabe.
Mugore rakapera, mabiko awa akaitwa muguta remuGweru.
Munyori mukuru wevechidiki mubato iri, Absalom Sikhosana anoti vabereki vanokurudzirwa kuti vape vana vavo zvipo zvakawanda zvekunopa Mugabe uyo anehupfumi hwakawanda.
“Vechidiki vese vachawana mukana wekuti vanwe kubva mutsime reuchenjeri hwavaMugabe.
Mugabe munhu akamboremekedzwa neruzhinji pasirese  asimabasa ehumhondi, humbimbindoga, kusada kupavamwe mukana wekutonga nerusaruraganda zvakadzikisa chimiro chake kunevakawanda.
Kubva gore ratakawana kuzvitongamuna 1980, vanhu havasati vamboona urombo nenhamho seyakatarisana neruzhinji.

VOCHANGAMUTSWA NEKUDA KUBVISA MUGABE PACHIGARO
Mutungamiri webato rinopikisa reMDC, vaMorgan Tsvangirai ndivo vachamirira mapato ese asingadi kutongwa navaRobert Mugabe neZanu PF musarudzo dzinotevera.
VaTsvangirai vanoti vaMugabe vatove mubishi rekutsvaka matanho ekubiridzira nawo musarudzo idzi.
VaTsvangirai vanoti izvi zviri pachena sezvo kumamisha, ukokunonzi kunotsigirwa vaMugabe kwave nezvigaro zvitsva   zveParamende zvinosvika 143.
Mumadhorobha, kune vatsigira MDC zvinemutsindo, bazi reZimbabwe Elecoral Commission iro rinoziikanwa nekurerekera kuZanu PF, rinoti kuchabuda zvigaro 67.
Pakagoverwa matunhu zvigaro zvemuParamende, Harare nematunhu ekuMatabeleland zvinoziikanwa kuti zvinotsigira MDC zvakawedzerwa zvigaro zvinosvika 28 chete asi matunhu ekuMashonaland anofungirwa kuti anofarira Zanu PF akawedzerwa zvimwe zvigaro zveParamende zvinosvika 62.
MDC iri kukurudzira veZEC  kuti vambomira kutara miganhu mitsva yesarudzo dzeParamende kusvika hurukuro dzekutsvaka kudyidzana pakati peZanu PF neMDC dziri kutugaamirwa navaThabo Mbeki, mutungamiri weSouth Africa dzapera.
Mutauri weMDC vaNelson Chamisa vanoti ZEC iri kuita mabasa anoratidza kusavimbika.
“Zanu PF irikutsvaka kutyityidzira vatsigiri veMDC kumaruwa nekushandisa vamwe nekuvatenga nembatya dzekurimisa nezvekudya. Mutungamiri weZEC, George Chiweshe abuda pachena kuti inhubu yomunhu.”
Chiweshe akambovanhengo yepamusoro yemauto enyika.

VAZHINJI VONYORESA KUTI VAVHOTE
HARARE- SARUDZO dzakatarisirwa kuitwa kana nguva ipizvayo dzakatarisirwa kuva nemutsindo kupfuura dzese dzakaitwa kubva gore ra1980.
Vanhu vakanyoresa kuti vavhote, mari ichashandiswa nevhanhu vachada kuvhoterwa zvese zvakawanda kupfuura dzimwe sarudzo dzakaitwa kubva patakawana kuzvitonga kuzere.
Munyika ino vanhu vanosvika 11.9 million chikamu chinosvika 5, 612, 464 chakanyoresa kuti chivhote musarudzo.
Pavenezvigaro zvemuParamende zvitsva zvinosvika 90.
Kunezvinzvimbo zvitsva zveKanzuru zvinopfuura 2 000.
Musarudzo dzakatarisirwa, Paramende ichawedzerwa kubva muzvigaro 150 kusvika 210 ukuo, dare re Senate richawedzera kubva munhengo 66 kusvika 93.
Mari inodiwa kutisarudzo idzi dzinyatsoitwa zvakanaka yakawandisa zvekuti veZEC vanoti vambomira kunyoresa vanhu kuti vavhote nenyaya yekushaya mari inosvika Z$80 billion.
Mapurisa emunyika vanonzi varikukundikana kuti vatsvake mamwemapurisa anosvika 32 000 avovachatarisirwa kuti vachengetedze nzvimbo dzekuvhotera dzinosvika 15 000.

Post published in: News

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *