News in Shona

VOFA NENYOTA  MAKUMBO ARI MUMVURA

HARARE- Kunyangwe hazvo madhamu  mazhinji munyika ave nemvura yakawanda, vagari vemumadhorobha vachiri kushaya mvura yekushandisa.

VeZimbabwe National Water Authority, Zinwa, avo vanofambisa basa rekugoverwa   kwemvura vanoti kusvika musi weChishanu chapfuura, madhamu anosvika makumi mashanu nematatu, 53, akange azara, makumi matatu nematatu, 33, achiita kuteukira.

Bazi reZinwa, rakatanga basa rokuchenesa nekugova mvura mugore ra2007 asi hapana zviri kubuda sezvo vachinge vari murima nemafambisirwo ebasa iri.

Vamwe vagari vemumadhorobha vari kupedza mwedzi inosvika mishanu vasina kuwana kana donhwe remvura rabuda mupombi dzavo.

Vamwe votoita zvekuchera  matsime mumadhorobha.

Vagari vemumisha yakasiyana-siyana munyika vanoti kusafamba kwebasa zvakanaka kuZinwa, zviri kukonzerwa  nehuori netsvete, izvo zvinoreva kuti nehama dzisingazivi kufambiswa kwebasa, dziri kupihwa zvigaro zvepamusoro.

Ukuwo, veZinwa, vanohwanda nechigunwe vachiti kusanaya kwemvura nekushomeka kwemari yekunze,ndizvo zviri kuvatadzisa kuita basa nemazvo.

Madhamu emvura akatarisirwa kuteukira mwaka wemvura usathi wapera mumwedzi mitatu inotevera.

Madhamu ari munyika anoshandiswa kuita mabasa akasiyanasiyana  zvinosanganisa kudiridza minda, kutsigira mabasa ezvigadzirwa nemumigodhi, imwe ichishandiswa mudzimba.

Vanoona nezvemamiriro ekunze vanoti mwaka wemvura wegore rino, ndiwo watora mukombe pakuwana mvura yakawandisa mumakore 127 apfuura.

Mapopoma emvura anonzi akakonzera rufu rwevanhu vanosvika  makumi maviri nemumwechete.

Mhomho dzevanhu kudunhu reMashonaland Central dzakarasikirwa nemisha nezvipfuyo zvakakukurwa nemafashamu emvura.

KuEpworth, iri nechekunze kweHarare, vagari vemusha uyu vavekugara panze  mushure mekunge dzimba dzaparadzwa nemvura yakawanda.

KuChipinge, vagari vemo vayaura nemvura yawandisa.

Mawuto emuchadenga ari kunzi ari kutadza kubatsira avo vakapotera pazvitsuwa apo mvura yakanga yanaisisa ichipunza dzimba dzeovo vanogara pedyo nenzizi. -Munyori Wedu.

KUNONGA OWOMERA PACHIGARO SECHIKWEKWE

HARARE- Kwakamuka bongozozo kukabuda makobvu nematete ku svondo yeAnglican pa All Saints Cathedral nemusiweSvondo apo vaNolbert Kunonga, bishop vakadzingwa basa vakashandisa chisimba chekubatsirwa nemapurisa kuti vaite mharidzo yavo.

VaKunonga ndeumwe wevanotsigira kutadza kutonga kunoitwa neHurumende yemutungamiri wenyika, vaRobert Mugabe.

Vakadzingwa basa mushure mekunge vaita humbimbindoga hokubvisa Svondo yeAnglican pamubatanidzwa weCentral Africa Province.

Vatungamiri veCentral Africa Province vakasarudza Bishop Sebastian Bakare avo vangevodya mudyandigere kuti vambodzoka kubasa vachitungamira Anglican Church muZimbabwe.

Asi neMugovera, vaMorris Brown Gwedegwe vaiti  vaKunonga vakanga vachirimutugamiri weSvondo iyi.

“Bishop vatinoziva isu ndavaKunonga sezvo mazvionera mega kuti vafundisi veSvondo yedu vapinda musangano wedu,” vakadaro vaGwedegwe.

Asi nemusi weSvondo, muchiitiko chakashamisa vazhinji, mhomho dzenengo dzeAnglican dzakasarudza kunzwa mharidzo yavaWebster Mahwindo yakaitirwa muHall.

Boka rinotsigira vaKunonga rakaita mharidzo mukereke yeAnglican panguva imwe ipapo.

Mharidzo yavo yakatungamirwa navaCaxton Mabhoyi.

VaMahwindo vakambodzingwa muHarare navaKunonga vakanzi vanoshandira kuBindura.

Imwe nhengo yesvondo ine chigaro chepamusoro inotsigira  vaBakare yakati: “Takabvumirana neMugovera kuti paitwe mharidzo dzakasiyana. VaBakare vachatanga basa zviri pamutemo musvondo rekutanga mwedzi unotevera. Vakuru veProvince of Central Africa vachange varipo. Tinovimba kuti vamwe vedu vanenge vaona chiyedza vakasangana nevamwe.”

Mukuru uyu akati vakakumbira mapurisa kuti avepo mushure mekumuka kwemhirizhonga kubva pakanzi  vaBakare vatange basa.

Vanotsigira vaKunonga vanonzi vaonesa vamwe chitsvuko nekugara vakavarova.

VaKunonga vakatsigira zvikuru kutorwa kwakaitwa minda nekupondwa kwevachena.    

    

NHENGO YEMAUTO INOPA MURIMI NOTISI YEMAZUVA MAVIRI

BULAWAYO- Murimi wechichena akapihwa mazuva maviri chete kuti abude papurazi rake riri kunze kweguta reKwekwe nenhengo yeZimbabwe National Army, Obert Mabhena.

Izvi zvinoratidza kuti hapana hurongwa kana gwara rakatsetseka panyaya dzekugova ivhu sezvoHurumende ichiti chirongwa chakapera kare.

Mutevedzeri wemutungamiri wenyika, vaJoseph Msika ndeumwe wevakuru vanoti mhirizhonga mumapurazi ngaipere.

VaMichael Berry Jansen, mwene wepurazi rinonzi Xanphippe vanoti havana remuromo nenyaya iyi sezvo vakanzi nguva yavakapuhwa kuti vabude ikapfuura, vachapinzwa mumatare edzimosva.

“Mabhena akatotinhira mombe nembudzidzake mupurazi achiti akaripuwa gore rakapera,” vaJansen vakadaro.

Asi  vaMabhena vanoti vakapuwa tsamba yekuva muzvinapurazi gore rapera nevanofambisa basa rekugariswa kutswa kwevanhu.

“Ndakapuwa chikamu chepurazi iri. Hapana zvandinokurukura naJansen. Matare edzimosva achaita basa ravo akaramba kubuda,” vaMabhena vakadaro.

Kune rumwe rutivi, gurukota rinoona nezvevhu, vaDidymus Mutasa, vanoti kugovewa kwevhu kuchaendera mberi kusvika vese vechitema vanoda minda vaiwana.

Mugore richangopera, dare redzimhosva muSouthern Africa Development Community, SADC  Tribunal, rakapa mutongo wekuti umwe murimi wekuChegutu, vaWilliam Michael Campbell vabvumirwe kugara papurazi ravo kusvika nyaya yekutorwa kwepurazi ravo yasvika kwamvura yacheka makumbo.

Mudare re SADC, vaCampbell vakapa huchapupu hwekuti mapurazi akatorwa zviri kunze kwemutemo.-ZimOnline  

 

KO TAKATADZA PAPI CHAIPO

Magari Mandebvu

Gamba kana Munhuozvake

Ini ndiri mumwe wevasina kunyora bvunzo dzenhoroondo pa Ordinary Levels.

Pamwe ndicho chikonzero  chinoita kuti ndifarire kuverenga nyaya dzenhoroondo zvikuru.

Chandinocherechedza ndichiverenga nhoroondo dzakasiyana-siyana ndezvekuti kubva kare, musarudzo dzemaBritish, kwaigara kune makwikwi pakati paGladstone naDisraeli kwenguva yakareba.

Izvi ndinoona zvirinani  pane zvemazuvano zvokuti mutungamiri webato, akakundikana musarudzo, anodzingwa.

Nhasi anenge ari gamba, mangwana ari munhu wozvake.

Hapana chinzvimbo chepakati nepakati.

Ichokwadi chekuti vatori venhau vanokurudzira kuti zvinhu zvakadaro zviitike.

Munhu akabudirira zvikuru, inhau dzakanaka, akakundikana zvikuru, inhau dzakanaka zvekare.

Ropa rikaerera, inhau dzinonwisa mvura.

Kubudirira kana kukundikana  zvisina mutsindo kana tunjodzi tusina ropa nerufu rwakawanda hazvitengese mapepanhau kana kuita kuti vanhu vagare vakatarisa dzangaradzimu reterevision.

Asi muupenyu hwatinorarama, vangani vatingati magamba? Ko vatingati vanhu wozvavo? Vazhinji vanowanikwa pakati nepakati.

Kunevamwe, vaRobert Mugabe igamba  chairo. Vamwe vachiri kutsigira Zanu PF zvikuru.

Vamwewo havatodi kunzwa chinonzi Zanu PF.

Vamwe pavakaona kuti vaMorgan Tsvangirai pane zvavanombokanganisa, vakafunga kuti hapana zviripo.

Kunenhengo dzeZanu PF dzinonyadziswa nemabasa evakuru vavo asi vanoti zvirinani varambe vari panyanga.

Varipo vanoti MDC haichisina vatsigiri asi chokwadi chiripo ndechekuti ine chaunga.

Pane ruzhinji rungasarudza kuvhotera dhongi pane kuvhotera Zanu PF.

Asi pane mubvunzo unoti: Sarudzo iri pachena ingaitwe muZimbabwe here?

Vamwe vanobvunza kuti takatadza here nekupinda musarudzo dzakabiwa mumakore apfuura?

Topinda here musarudzo dzinouya?

Kana tisina vimbo nesarudzo, vanokwikwidza ngavaudzwe kuti hatisikuzovavhotera.

Vakapinda musarudzo, hatifi takavavhotera.

Tinoda kuvavhotera kuti vatishandire, kwete kuti vagare zvakanaka vachitambira mari yakawanda.   

 

Post published in: News

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *