Shona Feature

"Joni inzvimbo yendarama, asi haisi nyore kuwana ndarama yacho, kunyange wachera"


JOHANNESBURG – Linda Mbiko* ichirikadzi yakakwanisa kupinda munyika ye South Africa ikazvihwandisa muroro, zvisiri pamutemo.  Ainge achitiza hurombo nekushaya rubatsiro kubva kuhurumende mukuchengeta mwanasikana wake uyo anorarama nehutachiona hweHIV.  Aitarisira kuti muSouth Africa, aizokwanisa kuwana mari yokuzvichengeta, pamwechete neyokuchengeta mhuri yake, asi nokuti akanga asina magwaro akakwana, akawana Joni riri guta risina ushamwari.
“Kubvira pakafa murume wangu, ndakanga ndisina uyo wandaivimbanaye, ndakange ndisina zvekudya, zvakare ndakange ndisina vabereki vaizondibatsira kuchengeta vana vangu vaviri.  Dzimwe nguva ndairara ndisina kudya, uye apo pandaiwana mari shoma, kazhinji muzvitoro makange musina chikafu chekutenga.  Pamusoro pazvo, ndaigara ndichingorwara nguva dzese.
“Kuchipatara mwana wangu akawanikwa aine hutachiona hweHIV.  Izvi zvakandityisa nokuti nda kabva ndafunga kuti neniwo ndaiva nehutachiona uhu.  Pakange pasina mushonga wekurapaHIV, saka ndaimwa mushonga unobva pamuti we Muringa, une mashizha andaiikuya nekuisa mubota, sekunzwa kwandakanga ndaudzwa nevamwe.  Izvi ndizvo zvandaipona nazvo.
“Pandakauya kunyika yeSouth Africa, ndaitarisira kuwana basa ndichiitira kuti ndikwanise kuchengeta vana vangu.  Ndaifunga kuti South Africa inyika yeuchi.  Asi ndakaona kuti kunyange ukachera ndarama yacho haiwanike.  Ndaiswera ndiri panzvimbo yekuzororera nekuti unoswera panzvimbo iyi kana uchinge usina kwekuenda nekwekurara.
“Rimwe zuva ndakaona mumwe murume aiti aida kundibatsira nyambisirwa aingoda kuenda pabonde neni, zvekuti dzimwe nguva aindivharira mumba.  Ndakazotiza murume uyu kwapera vhiki ndika dzokera kundogara panhivi dzemigwagwa.
“Ndakazorwara ndikaenda kuchipatara chemuBraamfontein uko kwandakawanikwa ndine utachiona hweHIV.  Mukoti akanditi ” humboo hwekuti ine hutachiona hweHIV uhu, enda unofa, hauna magwaro ekugara munyika muno saka hatikwanisi kukubatsira.”
“Vamwe varwere ndivo vakandiudza nezvechirongwa chekubatsira vane hutachiona hweHIV kubva kuneve Nazareth House( vechechi yeRoma), uko kwandabatsirwa nemishonga maARV neruzivo.  VeNazareth House Havana kundibvunza nezvemagwaro ekugara muSouth Africa.
“Ndichiri kugara kuNazareth House, handisati ndawana basa use handisati ndaonana kana kutaura nemhuri yangu.  Handizivi kuti vari kurarama sei.  Rubatsiro rwandakawana kubva kuNazareth House rwakandibatsira, kunyanya pakuzorodza pfungwa, uye nekubatsirana nemazano.  Vazhinji vari panzvimbi iyi ndevekuZimbabwe uye vakasanaganawo nematambudziko andakasangana nazo.” – Zita rekuti Linda  harisiri zita rake chairo- IRIN

Panezvirikubuda muhurukuro dzambeki here
NA JOSEPH SITHOLE MUHARARE
MUTUNGAMIRI wenyika yeSouth Africa, vaThabo Mbeki vadzokorora zvekare  mashoko avo ekuti vari kubudirira pakuyananisa masangano ematongero enyika reMDC neZanu PF.
Asi vanoongorora nezvematongero enyika vanoti kubudirira uku kunonekwa navaMbeki kunyange veruzhinji vasina chavarikuona.
“Utungamiri hwemuZimbabwe hwakazvipira zvachose kuti kushushikana kuri munyika kupere,” vaMbeki vakadaro.
Musvondo rakapera, Mbeki akaudza mutungamiri wenyika yeku Ireland Bertie Ahern  kuti kunyange hazvo panezvimhingamipinyi zviripo, vakange vakatarisira kuti hurukuro idzi dzibudirire.
Muhurukuro dzakatanga gore rakapera, bato reMDC  rakakurudzira kuti kushandiswe bumbiro remutemo idzva  nokuti zvizvarwa zvemuZimbabwe zvinogara kunze kwenyika zvitenderwe kuvhota musarudzo dzinotevera.
Vakakurudzira zvekare kuti mhirizhonga inokonzerwa nenyaya dzematonerwo enyika ipedzwe.
Mushure mekunge mutungamiri wenyika, Robert Mugabe ati haadi kunzwa nyaya iyoyo, MDC yakakurudzira kuti kushandiswe bumbiro remitemo idzva iro raizoshanda kwenguva shomanana kuitira kuti paitwe sarudzo dziripachena.
Mugabe akazviraba zvekare izvi.
MDC yavekuti bato reZanu PF naMugabe vavekuramba zvibvumirano zvakaitwa zvinosanganisa  kuti sarudzo dzidzorerwe kumashure pachimboshandiswa bumbiro remutemo richashanda kwenguva shoma.
Vanoongorora zvematongerwo enyika vanoti vanoshaya kuti budiriro inootaurwa naMbeki irikupi.
“Dzimwe nguva pane zvavanoziva zvatisingazive,” akadaro muogorori.
Hapana zvinoenda kure zvakatarisirwa neMDC zvati zvazadziswa neZanu PF naMbeki kunze kwekusandura mitemo yekuchengetedzwa kwerunyararo ichiri kungopiringisha mashandiro ebato rinopikisa.
Kwasara mwedzi miviri chete sarudzo dzisati dzaitwa asi mapepanhau nenhepfenyuro dzevanhu dzichiri kushoropodza MDC sekare.
Muongorori uyu akati bato reMDC  rinogona kunge rakatarisira kuti vanhu vakabirwa musarudzo, kunoitwa mhirizhonga inoita seyanetsa kuKenya.
Munyori mukuru webato rinopikisa, Tendai Biti anoti nhengo dzavo dzavekuzotanga kuratidzira mumaguta nemumaruva emunyika kuratidza kutsutsumwa kwavo.
“Tavekunotanga basa rekukweshana neZanu PF mumaguta nemumaruwa. Tinoda kuona kuti vanoremekedza basa raMbeki here.”

Post published in: News

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *