Kutadza basa kweHurumende yeZanu (PF)

Zvekudya nezvekurima

Ruzhinji rwevanhu vemuZimbabwe kwenguva yakareba vaigara nekuraramiswa nevhu.

Ivhu rakagara ririmusimboti weraramo yevanhu vemuno uyezve, kuwana ivhu chinhu chaikosheswa.

Asi, mumakore apfuura, ruzhinji rwevanhu rwavekugara mumadhorobho kupfuura vanogara mumaruwa.

Asi vanhu vazhinji  vavekushungurudzwa nekushaya pegugara nemari shoma yavanotambira.

Kuwana ivhu zvaiitakuti vazhinji vawane raramo zvinova zvakakonzera kuti nyaya yevhu ibatane nezvematongerwo enyika.

Ichokwadi chiripachena kuti nyayayevhu ndeimwe yezvakawanda zvisina kugadziridwa patakawana kuzvitonga muna 1980.

Hapana anoramba nyaya yekuti nyaya yekogoverwa patswa kwevhu yakange yakakodzera kuti eyenderere mberi.

Chaivepo ndechokuti nyaya iyi yofambiswa sei.

Mushure mekunge bato reZanu PF rambokanganwa nezvenyaya yevhu  kwemakore makumi maviri, vakapindwa neshavi rakakonzera kubvutwa kwevhu pasi pechirongwa che ‘fast track’ mugore ra2 000.

Izvi zvakaiwa mushure mekunge Zanu PF yakundikana musarudzo yekutsvaka rutsigiro rwekuti kuvenembumbiro remutemo idzva.

Izvi zvakanga zvirikunze kwemutemo. Zvakaputsa chirangano chaivepo chekuti mapurazi aizotorwa kana varidzi vachida kuwatengesa.

Fast track yakaponda upfumi hwenyika sezvo zvirimwa zvaiunza upfumi munyika.

Nhasi, mushure mekubvutwa kwemapurazi, vanhu vemuno voyaura nenzara mushure mekunge kurima kwadzikira zvikuru.

Vazhinji vaishanda nekugara mumapurazi vakatiza kanakudzingwa.

Zvirimwa zvaitengeswa kunze kwenyika kwavekungobuda donwe.

Kunyange Zimbabwe yawana mvura yakawanda yanaya mwaka uno, kuchavanenzara inoshura.

Zvekudya nepokugara ndezvimwe zvinokosheswa nevanhu.

Kukave neHurumende itsva, ichatemeswa musoro nenyaya idzi.

Bato rinopikisa reMDC rinoti harizombofa rakagamuchira zvaivepo tisati tapinda mugore ra2 000 nezvakazoitwa muna 2 000 kusvika nhasi

Vakabvutirwa mapuraziavo vakakwidza nyaya dzavo kumatare edzimosva muZimbabwe , muSADC nekuEurope.

Kwese vakabudirira sezvo matare akabvumirana navo kuti kubvutwa kwemapurazi zvakakanganisa kodzero dzavo dzinowanikwa mubumbiro remutemo.

Hurongwa webato reMDC huchakoshesa zvinotevera:-

1. Kusimudzira mabasa ekurima kuitira kurwisa nzara nekutangazve kutengesa zvirimwa kunze kwenyika.

2. Kuremekedza kodzero dzevanenge vanemidziyo kana mbatya dzavo

3. Kudzorera mari yeavo vakarasikirwa mushure mekubvutirwa mbatya nemidziyo

4. Kuongorora nekunyora pese pakatyorwa kodzero dzevanhu nekutsinhira kuti zvisadzokororwa.

5. Kuchengetedza varimi vechokwadi nekuvavimbisa kuti vachaita basa ravo pasina zvinovakanganisa.

6. Kupa varimi vese, vimbiso nerubatsiro rwokuti vashande pasina zvinovatosvora.

Post published in: News

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *