HARARE – Masangano evanobatsira vari mumatambudziko vanoti kushomeka kwechikafu kwawedzera kubvira pakatanga kutarwa mitengo zvakazokonzera kuti zvinhu zvishaikwe muzvitoro.
Vanoti izvi zvakakonzera kudhuriswa kwezvinhu, kupindira kwezvematongerwe enyika mune zvekugovewa kwezvekudya uye zvakaita kuti vamwe vanhu vararame nemichero yemusango nemidzi.
Vanhu vanopfuura mamirioni mana vanova vangangosvika chidimbu cheuhwandu hwevanhu vose vemunyika vakatarisana nenzara mumwedzi iri kutevera.
Rimwe sangano rinoona nezvekuringana kwezvekudya richibatsirwa nenyika yeUnited States uye richisanganisira masangano akazvimirira ega makumi maviri nemana rinoti vanhu vari mumatunhu makumi mashanu nemaviri akatariswa mumwedzi waNdira havana zvekudya zvinopfuura mwedzi.
Mumashoko aro sangano iri rakati, “Kushaikwa kwezvekudya uku kwakonzera kushupika kwakanyanya kune vagara vachitambudzika uye kwapa upfumi hwakapfuurikidza kune vagara vainazvo.”
Vashandi vanosvika zana namakumi mashanu vesangano iri vachishandira kunzvimbo dzakasiyanasiyana dzenyika vanoti vanhu vava kuita kunge mhuka kutsvaga michero nemidzi vamwe vachito kanganwa nezvesadza pakudya kwavo.
Vana vanoshaya chikafu vavekutiza kuzvikoro chikoro kana kupedza nguva yavo zhinji vachitsvaga chekudya. Sangano iri rinoti; “vanoshupika vava kutengesa midziyo kuti vatsvage chekudya.” -Mutori wenhau mukuru
Mugabe otoda masaramusi, dzinodaro nyanzvi
HARARE – Vana mazvikokota vezvematongerwe enyika vanoti Mugabe haachina zano zvokuti oshaya kuti ozvishambadza sei nyika zvayatarisana nesarudzo.
“Zvava kutaridza kuti Mugabe oshaya chaangashandise kuti arambe achitonga,” akadaro Gerrald Fore wepaYunivhesiti YeZimbabwe. “Haachina chekuita uye oshaya pokubata. Zuva radoka kwaari. Apera.”
Urongwa hwaMugabe hwaiitirwa kutsvaga vatsigiri hwashaya basa. Kusarongeka kwekugovewa kweminda kwakakonzera nzara yakaipisisa uye ruzhinji haruchavimbi nehurumende yeZanu PF. Kuedza kutenga vavhoti nekuvapa zvekushandisa muminda hakuna zvakwakabatsira.
“Hurumende yeZanu PF yaiti mwaka uno mwaka wemwaka yese mune zvekurima zvinova zvaitarisirwa kushanda pakutsvaga rutsigiro asi hazvina kuita sekutarisirwa kwazvo nokuti mwaka wacho hauna kuita zvakanaka saka zvatoshatirisa vavhoti,” vakadaro VaRenson Gasela, nyanzvi mune zvekurima arizve mutungamiriri mubato reMDC (Mutambara).
“Pasara masvondo matanhatu chete sarudzo dzisati dzaitwa asi Mugabe haasati atombonyatsozvishambadza,” akadaro Lovemore Berejena wemuHarare. “Zvinotaridza kuti harahwa iyi yaomerwa. Zvinotoshamisa kuti ari kuda kuti chii kuvanhu kuti vamuvhotere.”
Ongororo ye The Zimbabwean kwaMutoko, Murehwa nekuMasvingo yakataridza kuti zvekurimisa zvishoma zvakapiwa vanhu zvinosanganisira magejo, ngoro, mbeu nemafetereza zvakatotaridza kuti hurumende haichina kana zano rekuti iwanise vanhu zvinhu.
CIO ngaibviswe, anodaro mamwe masangano
HARARE – Mapato anopikisa uye masangano evanhuwo zvavo anoti bazi reCIO rinofanira kuparadzwa, vatungamiri varo vodzingwa nokusungwa nemhosva dzekuuraya vanhu.
Vachitaura pamusangano we National People’s Convention wakapindwa nemasangano akazvimirira anodarika makumi mashanu muHarare pakupera kwesvondo vezvematongerwe enyika pamwe chete nevanotungamirira masangano akasiyana vakati chinzvimbo chebazi reCIO chinofanira kuparadzwa.
Vaongorori vanoti CIO inofanira kunyatsoita basa rayo rekudzivirira nyika kwete kutsvaga vanhu vanofunga zvakasiyana naMugabe.
Vanotungamirira masangano evanhuwo zvavo vakati bazi iri rinofanira kutoongororwa neParliamentary Portfolio Committee inosanganisira mapato ose zvakare pachirambwa mashandiro anoita bazi iri.
Sachigaro weNational Constitutional Assembly Lovemore Madhuku akati, “CIO inofanira kutarisiswa nekuti inowana mari kubva kumitero inobatirwa vanhu pamari dzavanowana kumabasa. Kune dzimwe nyika, mashandiro emapazi akafanana ne reCIO anonyatsoongororwa. Vangashanda zvakavanzika asi vanenge vakanangana nekudzivirira nyika kubva kuvavengi.”
Kana president Mugabe vakaona kukodzera kwekuvandudza mashandiro ebazi iri zvokuti mumwedzi waGumiguru gore rapfuura vakatotaura nezvazvo paurongwa hwekuvakwa kwechikoro chekudzidzira mabasa ekusora kuMazowe icho chichapiwa zita ravo.
Makoni angopfeka chiso chitsva chete
HARARE – Mutungamiriri weMDC Morgan Tsvangirai akatsoropodza Simba Makoni achiti haana chaangasandura kunze kwekuti ane chinangwa chokuvandudza bato re Zanu(PF).
Makoni, nhengo yePolitburo ye bato iri akashamisa vanhu achiti ava kuzokwikwidzana naPresident Robert Mugabe musarudzo dzemutungamiri wenyika dziriko mwedzi unouya.
Makoni, anova munhu anoremekedzwa zvikuru nevanhu vakawanda akati achakwikwidza sarudzo idzi akazvimirira asi panga pane kariro yekuti masangano eMDC abatane naye kubva kunaanamuzvinafundo nevanhuwo zvavo.
Tsvangirai, uyo anotungamirira chidimbu cheMDC chikuru akati hapana akambotaura naye nezveizvi kusanganisira Makoni kana vamiriri vake achiti pane siyano huru pakati pake naMakoni.
Akaudza vatori venhau muHarare kuti, “Musiyano wedu wakakura chaizvo. Makoni anoti achiri MuZanu(PF) hatidyIdzani neZanu (PF). Makoni anongova zvaaive kare asi kuti angopfeka nhumbi itsva.”
Mari dzekutambira dzisina tsarukano dzokonzera kusafamba kwebasa kuZTV
HARARE – Vashandi veZimbabwe Broadcasting Holdings vari kushanda vachinonokera uye vakazivisa kuti vaneta kuburitsa mashoko ekunyepa vachipembedza hurumende yeZanu (PF) zvichitevera kutsutsumwa kwavo nemari dzavanotambiriswa.
Bepanhau reThe Zimbabwean rakaona muhoro wemumwe mupepeti weZTV zvichitaridza kuti mari yaakaenda nayo kumba mumwedzi wandira yaiva $70 mirioni (US$35) yaingokwana kutenga mapakiti mana eshuga ema2kg. Mari yaanowana kubasa yekufambisa yairatidza kuti yaive zviuru gumi nezvina zvemadhora asi michovha yakawanda yave kubhadharisa mari iri pakati pemamirioni matatu nemamirioni manomwe  murwendo rumwe chete.
Kumuzinda weZBH kuPockets Hill, vashandi vaitaridza kusafara zvachose vachiti mutungamiri weZBH Henry Muradzikwa haana zvaakaita nezvichemo zvavakasvitsa kwaari.
“Muradzikwa akati hapana mari achiti mari yatakatambira muna Zvita naNdira yakabva kuna Phillip Chiyangwa uyo ari kuunza nhabvu yekunze paterevhizheni,”akadaro mumwe mushandi we ZBH.
Vatori venhau vakataurira The Zimbabwean kuti vakanga vasisina shungu nezvavaiudzwa kuti vaite nenhengo dzeZanu(PF) dzaida kuti dzizvishambadze nezvesarudzo dziri kuuya pamwe chete nekuburitsa mashoko emapato anopikisa. – Munyori we The Zimbabwean
Vana vodzorwa kumba nemari ye ‘top-up’
HARARE – Vana vechikoro vazhinji vakadzoka kumba kubva kuzvikoro zvakazvimirira zvoga zvebhobhingi zvichitevera kukwidzwa kwakaitwa mari yechikoro pamusoro peyakanga yabhadharwa pakavhurwa zvikoro.
Bepanhau reThe Zimbabwean rakataura naSilvia Kundishora anodzidza kuMonte Casino kunharaunda yeManicaland akati; “Tanzi tindouya netop-up inoita $1,2 bhirioni. Tanga tichibhadhara $800 mirioni. Ndadzoka kumba ndine tariro yekuti vabereki vangu vangangokwanisa kutsvaga mari yacho.”
Umwe mudzidzi akati: “Vabereki vangu vari kutoti dai ndanga ndachinja ndadzidza pachikoro chemuHarare pandinenge ndichibva kumba zuva rega rega. Ndatopererwawo.”
Post published in: News

