News in Shona

Zvimbokoma pasarudzo yeZanu

BULAWAYO – Kusarudzwa kwevachakwikwidza vakamirira Zanu (PF) kuno kwakambomiswa shure kwekunge vanhu vacho varovana nenyaya yekusafambiswa zvakanaka kwesarudzo.

Mapurisa akasheedzwa kuDavies Hall shure kwekunge vaikwikwidza vachitevedzera Jabulani Sibanda vachema-chema vachiti vatungamiri vepurovhinzi vari kuvakanya.

Sibanda ari kutungamira chimwe chidawu cheZanu (PF) chisiri kuwirirana zvachose nehutungamiri weZanu kuBulawayo, kubvira kunaVaDumiso Dabengwa kusvika kunaVaJohn Nkomo nemutevedzeri waPresident, Va Joseph Msika.

Muburitsi wemashoko eZanu (PF) kuBulawayo VaEffort Nkomo vakabvuma kuti kusarudzwa kwevakwikwidzi kwakambomiswa.

Bato remutungamiri wenyika VaRobert Mugabe reZanu rakatanga sarudzo yevachakwikwidza musarudzo yemusi waMarch 29.

Sibanda akati: “Kune huwori mupurovhinzi yeBulawayo. Ini ndanga ndisipo, asi ndakanzwa kuti zvakamiswa nenyaya yekuda kuisa vanhu vasingadiwi nevanhu.”

Iye Sibanda akadzingwa muZanu (PF) mugore ra2004 nenyaya yekuda kumisa kusarudzwa kwaMai Mujuru pahutevedzeri hwemutungamiri wenyika.

Asi adzingwa kudaro akazvidzosa mumusangano nokukambenera mutungamiri wenyika, izvo zvakazokonzera mhirizhonga nebvongamupopoto muZanu.- ZimOnline

Zvimbokoma muCathedral

HARARE – Zvibhakera zvakabaka muSt Mary’s Cathedral musi wesvondo apo “vatendi” vakaenda kunopokana nokugadzwa kwaiitwa  Bishop Sebastian Bakare.

Bishop Nolbert Kunonga – vanova mutevedzeri akasimba wemutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe nebato ravo reZanu (PF), akasaidzira maGreen Bomber kuti anorova vatenderi, vanhu vana vakatorohwa chaizvo.

“Dzokerai. munoda kuunza tsvina nehuwori hwechingochani musvondo yedu,” akadaidzira mumwe we”vatendi” akanga akavhara musuwo weCathedral achirambidza vatenderi vaida kupinda mutambo wokugadza Bishop Bakare.  

Asi wongororo inoratidza kuti musvondo umu hamuna kumbotaurwa nyaya dzechingochani, zvinova ndizvo zvakashandiswa navaKunonga kuti vaburitse svondo yavo muAnglican yepasi rose.   

Nechina svondo rakapera dare redzimhosva reHigh Court rakatonga kuti Bishop Bakare vande mberi nekugadzwa sezvo VaKunonga vakange vazviburisa muAnglican voga.

Mutongi VaCharles Hungwe vakarasa chikumbiro chaVaKunonga vachiti VaBakare vaende mberi nekugadzwa uye kushandisa Cathedral nokuti bato reAnglican rinotungamirwa naVaKunonga harna masimba panyaya yeCathedral.  

Asi vakomana vakanga vatumwa naVaKunonga vakasvikovhara St Mary’s Cathedral mangwanani-ngwanani vachirambidza vatendi vaida kuuyamo kuzonamata. VaBakare, Bishop veHarare vakatozonogadzirwa kuCity Sports Centre asi paine mhomo yakakura yevatendi.  

“VaKunonga vakataura voga kuti vakabuda muChurch of the Province of Central Africa (CPCA), saka havachisiri Bishop uye havana wavanomirira kana simba rekutonga Diocese ripi neripi zvaro remuAnglican Church,” vakadaro Chancellor  veAnglican Diocese of Harare VaRob Stumbles, vachiudza veThe Zimbabwean.  

“Iye nevatevedzeri vake vakatobuda muchiAnglican pasi rose.” – Nemunyori Wedu Mukuru

Shefu VeGMB votongwa vachibva mukati

HARARE – Vaiva mukuru weGrain Marketing Board, vakasungwa nenyaya dzinosvika 508 dzekushandisa hofisi yavo zvisizvo nekuba mari, vakanyimwa bhero vakanzi vachatongwa vachibva kujere.

Matikitivha eAnti-Corruption Unit akasunga Retired Colonel Samuel Muvuti svondo rakapera pamba pavo.  

Nemuvhuro mutongi VaArchie Wochiunga vakati kutongwa kwenyaya kuchatanga musi waFebruary 13, VaMuvhuti vachibwa mukati, nokuti vangangotiza. Mudzimai wavaMuvhuti akachema.  

Magweta aVaMuvuti, Aston Musunga naMoses Kamudefwere, akachemachema nedare achiti  kuvharirwa kwavo kwanga kwarebesa, asi vachuchisi, Obi Mabahwana na Rekai Maposa, vakati VaMuvuti vakaba zvinosvika $7.6billion ndokutengesawo mafuta avaipiwa kuti vashandise pamotokari dzeGMB.

Nyaya iyi ndeimwe yenyaya dzakawanda demashefu eZanu anotengesa zvaanenge awana nokuda kwezvinzvimbo zvowo. Nyaya 507 pamunhu mumwe zvinoratidza kuti huwori hwamwararira mumakambani ehurumende.   

VaMuvuti vanonzi vakatenga malita 124,453.1 epeturo neZ$650 palita rimwe, ivo vachizonotengesa nekumaZ$4m palita. Peturo yavaitenga iyi yainzi irikuenda kumotokari dzeGMB.

Vanonzizve vakaba 6.5 tonnes dzechikafu chekukodza n’ombe dzeGMB vachiendesa kupurazi ravo, asi ivo vanoti varikungopomerwa mhosva kuti hurumende ivharidzire kusafambiswa zvakanaka kwebasa.

VaAlbert Mandizha, vaimbova Assistant Commissioner wemapurisa, uye vakapedza dzidzo dzehutungamiri dzeBritish Council Leadership Development Programme, ndivo vatora chinzvimbo chavaMuvhuti avo vanogona kuenda kujere kwemakore 25 mukusungwa kurikuitwa vanehuwori nokuda kuonekwa kwavaMugabe kuti vari kuita basa – sezvo sarudzo yaswedera. – Nemunyori Wedu Mukuru

America neBritain Dzopa Mari YeHIV

HARARE – Hurumende dzeBritain neAmerica svondo rino dzakapaUS$12.5m yekubatsira Zimbabwe kuwedzera vanamai nevana vavo vanopinda muzvirongwa zvekubatsirwa kudzivirira chirwere chemukondombera (HIV/AIDS).  

Mari iyi ichashandiswa muchirongwa chekudzivirira kutapukira kwechirwere kubva kuna vanamai kuenda kuvana chinonzi Prevention of Mother To Child Transmition (PMTCT).   

VatapiVeZimbabwean vakabata nyaya yekuti US$10.5m yakabva kugwama raPresident weAmerica rezvekudzvivirira AIDS (Emergency Plan for AIDS Relief (PEFPAR) uye icharamba ichiuya kwemakore mashanu.  

Imwe US$2m yakabva kubazi rehurumende yeUnited Kingdom rinonzi Department for International Development (DfID).  

Kubva mugore ra1990, HIV/AIDS yakonzera kuti ndaramo yevanhu vemuZimbabwe idzikire kubva pamakore 61 kuenda pa34 ikakonzerazve kuti nyika izare nenherera, idzo dzavakusvita 1 million.

Izvi zvauyawo pamwechete nenhau dzekuti zvikamu zvipfumbamwe nezvishanu mugumi  (95 percent) dzezvirimwa zvechibarwe mumatunhu ari kumaodzanyemba kwenyika  dzakakukurwa nemvura, zvokuti kuchatoita nzara.  

Mumiririri weUS muZimbabwe, VaJames McGee, akati: “America charamba ichibatsira Zimbabwe mukurwisa HIV/AIDS, asi zvichada hutungamiri hwakasimba.” Chipo ichi  chauyawo pakati pekusawirirana pakati penyika mbiri idzi zvokuti muzukuru waPresident Mugabe akaiswa pazvirango zvehupfumi uye muburitsi wemashoko ehurumende akabuda achitaura kuti Zimbabwe haidi “Mari yeCIA inetsvina.”

Vatapi vedu vakabatazve kuti United States Centres for Disease Control and Prevention (CDC), neBill and Melinda Gates Foundation, uye Johnson & Johnson dzakabatsirawo kuti chipo ichi chiitike. – Nemunyori Wedu Mukuru

 

Post published in: News

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *