News in Shona

Zviri kutadzwa neHurumende yeZanu (PF)

Kukundikana mune zvedzidzo

Rimwe dambudziko richatarisana nevavhoti musarudzo dza2008 nderekuti ndiani angavimbwa naye kudzora nyika kubva mumapiripiti atakapinzwa ne Zanu PF. Mune ino nyaya inova chidimbu chechipiri, munyori wedu anotarisa nyaya yedzidzo kunyanya kuparadzwa kwayakaitwa nekutadza kutonga kweZanu PF.

Kukwanisa kudzidzisa zvakanaka kwevana vari munyika yakaita seZimbabwe vanopfuura mamirioni mana nekugadzira ramangwana ravo rakanaka inyaya huru chaizvo. Pakawana nyika  kuzvitonga kuzere muna 1980, vana vaienda kuchikoro vaiva vashoma asi vaidzidza zvine uremu. Pakazosvika makore ana1990, vana vazhinji vakanga vava kukwanisa kuenda kuchikoro kubvira chinhanho cheprimary kusvika kusecondary zvichibatanidzirawo nevamwe vaienda kumakoreji.

Kubvira ipapo kunyanya makore gumi apfuura, zvichitevera kushomeka kwezvekushandisa, vana pamwe chete nedzidzo yavaiwana zvakanga zvadzikira chaizvo. Izvi zvakanyanya kuonekwa muvanasikana avo vakatanga kuregedza chikoro zvinova zvaizovashaisa mikana muupenyu.

Pachavhota vanhu musi wa29 Kurume, izvi zvichange zvichitika vanhu vasina kukanganwa nezvedzidzo izvo zvatarisana nekuparara. Vanhu vakadzidzira mabasa vakatiza muno munyika  vachisiya vana vasina vadzidzisi vakadzidzira basa iri. Izvi zvinowanikwa zvakare mumakoreji namayunivhesiti. Chero panenge vadzidzisi vacho varipo havashandi nemwoyo yavo yese nekuda kwekusawana zvinoringana pabasa racho. Izvi zvakakonzera kudzikira kwemabasa ezvedzidzo.

Bato reMDC riri kuti iro richagadzirisa mafambisirwe ari kuitwa zvedzidzo pamwe chete nekuwaniswa mari kwemabasa acho. Riri kuti richapa kuzvitonga kuzvikoro zvese kubvira kumakireshi kusvika kumayunivhesiti. Zvikoro izvi zvinenge zvichitungamirirwa nemaBoard uye zvichiwaniswa mari dzekushandisa mwdzi wega wega asi mari iyi ichinge yarongwa nezvayo kamwe chete pagore.

Dambudziko richatarisana nehurumende itsva richava rekushaikwa kwevadzidzisi uye zvekushandisa muzvikoro umu. Bato reMDC  rinoti mari inopiwa mabasa edzidzo inofanira kusvika chidimbu chinoita makumi maviri kubva muzana chemari yebhajeti yese. Sezvo hurumende ichitarisirwa kutonga pasina udzvinyiriri, ichiremekedza kodzero dzevanhu, ichikwanisa kuwana rubatsiro kubva kunze, ichizoita kuti mabasa edzidzo awanewo rubatsiro kuita kuti zveupfumi zvigadzirike gore ra2015 rakatarwa mamillenium goals risati rasvika.

Chinhu chinonyanyokosha pamabasa ezvedzidzo kuvapo kwevadzidzisi. Kuedza kudzivirira kurasikirwa nevamwe vashandi vakadzidzira mabasa, MDC ine urongwa hwekuremekedza vadzidzisi nekuvandudza mashandiro avo. Pachatorwa zvinhanho zvekuedza kukwezva vose vadzidzisi vakatiza munyika kuti vadzoke pamwe nekutsvaga vamwe vatsva. Vadzidzisi vasina kudzidzira basa vari muzvikoro vachadzidzira mabasa acho vachisevenza.

Vanasikana vachakosheswa kudzoka kwavo muzvikoro uye mwana wose achange achifanira kupiwa mukana wekuenda kuchikoro kwemakore gumi.

Mutambara anokodzera kusekwa, inodaro ZINASU

Nemunyori wedu

BULAWAYO

Mutungamiri wesangano rinomirira vadzidzi reZimbabwe National Students’ Union (ZINASU) Clever Bere akatsoropodza mutungamiri wechimwe chidimbu cheMDC semunhu akakodzera kusekwa. “Mutambara munhu anokodzera kuita chiseko chezuva rega rega nekuti kubva pakatanga zvematongerwe enyika, paakamira chaipo hapanzwisisiki,” akadaro Bere.

Mutambara akaturira vatori venhau svondo rapfuura kuti akabatana neaimbova mutsigiri waMugabe, Simba Makoni zvinova zvaizoreva kuti vatsigiri vake vaizotsigira Makoni musarudzo asi Makoni wacho akati haana bato raari kushanda pamwe chete naro achiti ari kupinda musarudzo akazvimirira ega.

Mutungamiri we ZINASU akati tarisiro dzevadzidzi dzakashanduka dzikava kutsutsumwa kukuru. “Sangano redu riri kuramba richisimba uye hatinyari kutsigira bato rinoisa zvichemo zvevadzidzi mundangariro. Tinoramba tichitungamirirwa nezvatakabvumirana pamavambo mukushushikana kwese uku.”

MDC inotaridza kutungamira

Nemunyori wedu

HARARE

Bato reMDC rinotungamirwa naTsvangirai rinotaridza kutungamira mune dzimwe nharaunda dzakakundikana Zanu PF kuisa vanokwikwidza. KuMashonaland Central MDC iyi yakawana makanzura maviri asina kukwikwidzwa kuMt Darwin nekuShamva, kuMasvingo zvakare vakawana makanzura maviri asina kupikiswa kwaGutu nekuZaka. KuNyanga, vakawana makanzura maviri, muHarare ndokuwana ward 19 uye maward maviri kuMakonde, Mashonaland West.

Bato iri rinoti kutungamira uku kunotaridza kusimba kwaro munharaunda dzese dzenyika kunyanya matunhu akaita seMashonaland uko kwainzi neZanu PF ndekwayo.

Kuvamiriri veParamende pamwe chete nemaseneta, MDC inoti yakaisa vanhu kunzvimbo dzese dzichakwikwidzwa.

“Nerimwe divi Zanu PF yataridza kuvhiringika zvichitevera kunyoresa kwaakaita vanhu vakawanda munzvimbo imwe chete vachiti vakamirira bato iri mumatunhu akawanda enyika,” akadaro mutauriri weMDC.

“Gore ra2008 nderedu rekushandura zvinhu, kusungunuka kwevanhu, dzidzo, utano,mabasa pamwe chete nekuremekedzwa kwevanhu. Kana Zanu PF ichipokana kudai, mashoko akanaka kune avo vanoda zvekushandurwa kwezvinhu. Kukunda ndekwedu,” akapamhidzira mutauriri uyu.

Post published in: News

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *