Akarasikirwa nezvinhu muna2008, oda sarudzo

Kunyangwe hazvo mugore ra 2008 apo pakagumisirwa kuitwa sarudzo muZimbabwe Denford Musanhi akarasikirwa nezvinhu zvakawanda kusanganisira imba yake anoti iye akagadzirira kupinda musarudzo ingangoitwa.

“Ndinofunga kuti nguva yakwana, tavakuda kupinda mudzimwe sarudzo nekuti hatingagari tichitya. Hurumende yemubatanidzwa yakonewa kubhadhara imba yangu saka ini ndinofunga kuti sarudzo ngadziitwe,” vakadaro vaCouncillor Musanhi vekwaMtoko muMashonaland East.

“Zvichida, sarudzo ikaitwa ndingangokwanisa kuwana imba yangu yakatorwa kuMbare nevanhu veZanu PF.”

Pamusangano wayo wekupera kwegore Zanu PF yakatsidza kuti sarudzo dziitwe gore rino.

Ukuwo MDC-T inenge yaneta nedzvondorwa nebato reZanu PF muhurumende yemubatanidzwa irikutungamirira nyika.

MDC-T inoti sarudzo dzingangoitwa chete kana paiswa mitemo inoita kuti sarudzo dzisabirirwa uye zvemasoja achinge avakutevedzera mitemo yenyika.

Vanoona nezvekutongwa kwenyika vari murairidzi paUniversity of Zimbabwe va John Makumbe vanoti kunyangwe hazvo kuine vanhu vakaita saMusanhi vagadzirira sarudzo vakawanda muZimbabwe havasati.

“Ndinofunga kuti vanhu havasati vagadzirira, hongu vangavapo vane zvivindi asi vakawanda vacho vanekutya nekuti sarudzo muno dzino reva mhirizhonga, kupiswa kwedzimba uye kuuraiwa chaiko. Vamwe vanotya kusiya mabasa,” akadaro Makumbe.

Asi Musanhi akatorasikirwa nemba yake kare anoti hachatyi kufa akakurudzira mhuri yeZimbabwe kuti iende kuno nyoresa kuitira kuti izogona kuvhota.

“Ndinoziva kuti vanhu vava kutya asi yasvika nguva yekuti vanhu vamire kuitira kuti tibvise mauto arikutitonga zvechisimba.”

KwaMutoko uko Zanu PF inoti ichinevatsigiri vakawanda mauto anogara achipinda mumisha yevanhu.

Charles Mangongera anoona nezvematongerwo enyika akati izvo vanhu havana simba rokumisa sarudzo vachida vasingade.

“Vanhu havasati vava kuda sarudzo asi mauto emuZanu PF, vanhu havana simba rokupikisa zvinenge zvarehwa neZanu PF saka kana zvikanzi yava nguva yesarudzo hava kwanise kuramba,” akadaro Mangongera.

Musanhi anoti haana sarudzo kunze kwekuvhota.

“Ndino tsigira MDC kana yakakundwa zviri pachena hapana chaipa chatingade ndecheku monyororwa.

VekwaMutoko vanoti vakagadzirira nzira dzinoita kuti vamire panguva yesarudzo vasingazovhundutswi.

Post published in: News

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *